Murangariro weBhaibheri
Kukosha Kwekuva Woga
PANE imwe nguva Jesu “akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana wakanga aripo ari oga.” (Mateo 14:23) Pane imwe nhambo, “kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kune renje.” (Ruka 4:42) Magwaro aya anopupurira kuti Jesu Kristu aitsvaka nokukoshesa nguva dzokuva oga panhambo nenhambo.
Bhaibheri rinopa mimwe mienzaniso yevarume, vaikoshesa kuva voga, sezvakangoita Jesu. Yaiva nguva yokuva oga usiku panze apo munyori wePisarema akafungisisa pamusoro peukuru hweMusiki wake Mukuru. Uye kana ari Jesu Kristu, achangobva kunzwa shoko rokufa kwaJohane Mubhabhatidzi, “akaenda kurenje ari oga.”—Mateo 14:13; Pisarema 63:6.
Nhasi, neruzha rwekurarama kwemazuva ano, kuva woga, zvimwe nemhaka yemamiriro ezvinhu kana nokuzvidira, hachisi chinhu chinonyanyokosheswa. Unoyeuka pawakapedzisira kuva woga here? Mumwe mudzimai muduku akaroorwa akataura kuti: “Handisati ndambova ndoga muupenyu hwangu.”
Asi kuva woga kunodikanwa chaizvoizvo here? Kana zvakadaro, nguva dzorunyararo dzinogona sei kushandiswa nenzira inobatsira neinowanisa mubayiro? Uye kusanyanyisa kunokoshei pakuva woga?
Kuva Woga—Nei Kuchikosha?
Bhaibheri rinotaura kuti mumwe murume aida Mwari, Isaka, akanga ari oga “kusango nenguva yamadekwana.” Nei? “Kundorangarira,” rinodaro. (Genesi 24:63) Maererano nerimwe duramazwi, kufungisisa “kufunga zvikuru kana kuti wakasununguka.” “Kunoreva kuisa pfungwa pachinhu chimwe nemwoyo wose uye kwenguva refu.” Kuna Isaka, uyo akanga ava kuzova nemitoro yakakomba, kufungisisa kwakadaro kusingadzongonyedzwi kwaizomugonesa kunyatsofunga zvakanaka, kuronga zvinhu zvake, uye kuona zvaaikoshesa.
Imwe nyanzvi yekushanda kwepfungwa inotaura kuti chero bedzi ‘kuva woga kuchiitwa nemwero, kusavapo kwevamwe kunoita kuti zvibvire kuronga zvinhu zvedu, kuisa pfungwa pachinhu chimwe zviri nani.’ Vakawanda vanopupurira kuti izvi zvinogona kunyevenutsa, kusimbisa, uye kuva zvakatinakira.
Pakati pezvimwe zvinhu zvakanaka zvinogona kuwanika nokufungisisa kuziva zvakazara nokuzvidzora chinyararire, mavara anoita kuti ungwarire pakutaura nokuita, izvo zvinoitawo kuti unyatsowirirana nevamwe. Somuenzaniso, munhu anodzidza kufungisisa anogonawo kudzidza kuti ndirini paanofanira kunyarara. Panzvimbo pokungotaura zvachero, anotanga afunga zvinogona kuitwa nemashoko ake. “Unoona munhu unokurumidza [kutaura here, NW]” anobvunza kudaro munyori weBhaibheri akafuridzirwa. Anopfuurira kutaura kuti: “Benzi riri nani kuna iye.” (Zvirevo 29:20) Kushandisa rurimi kwokusarangarira uku kungapedzwa nei? Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.”—Zvirevo 15:28; enzanisa naPisarema 49:3.
KumuKristu, kufungisisa wakanyarara kunoitwa uri woga chinhu chinokosha pakukura mumudzimu. Mashoko omuapostora Pauro akakodzera anoti: “[Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, NW] kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.”—1 Timotio 4:15.
Shandisa Kuva Woga Kuti Uswedere Pedyo naMwari
Mumwe munyori weEngland akati: “Kuva woga kwakaita sekamuri maunogona kutaura naMwari.” Dzimwe nguva, Jesu ainzwa achifanira kumbobva paiva nevamwe vanhu kuti anonyengetera ari oga. Mumwe muenzaniso weizvi unorondedzerwa muBhaibheri ndeuyu: “Mangwanani kuchine rima, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo.”—Marko 1:35.
MuMapisarema, munowanzotaurwa mataurwazve kufungisisa zvinhu zvaMwari. Achitaura kuna Jehovha, Mambo Dhavhidhi akati: “Ndi[no]kurangarirai.” Ndozvakaitawo mashoko aAsafi: “Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 63:6; 77:12) Nokudaro, kufungisisa nezvemavara nezviito zvaMwari kune mibayiro mikuru. Kunowedzera kunzwisisa Mwari, kuchigonesa munhu kuswedera pedyo naye.—Jakobho 4:8.
Kuva Nemwero Kunodiwa
Chokwadi, kuva woga kunofanira kuitwa nomwero. Kuva woga kungarondedzerwa senzvimbo yokushanyira ine mibayiro asi ine ngozi kugara. Kunyanyogara woga kunopesana nezvinodiwa nomunhu zvokushamwaridzana, kukurukura, uye kuratidza rudo. Kupfuura izvozvo, kugara woga kunogona kuita sevhu rinomera masora oupenzi neudyire. Chirevo cheBhaibheri chinonyevera kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Kuti tisanyanyisa kuva toga, tinofanira kuziva ngozi dzokuva toga.
SaJesu nevamwe varume vaida Mwari vemunguva dzeBhaibheri, vaKristu nhasi vanokoshesa nguva dzavo dzokuva voga. Chokwadi, nemitoro nezvinhu zvakawanda kudaro zvokuitira hanya, kuwana nguva nemukana wokufungisisa vari voga kunogona kuva chinhu chakaoma. Asi, sezvakangoita zvinhu zvose zvinokosha zvikuru, tinofanira “kuzvitengera nguva yakafanira.” (VaEfeso 5:15, 16, NW) Ipapo, semunyori wePisarema, tinogona kutaura kuti: “Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha.”—Pisarema 19:14.