RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 3 pp. 8-9
  • Zvisingazivikanwi Nenyanzvi Dzesainzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvisingazivikanwi Nenyanzvi Dzesainzi
  • Mukai!—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Muongorori Wevana Vari Mudumbu Anotsanangura Kutenda Kwake
    Mukai!—2016
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 3 pp. 8-9
Mudzidzisi wesainzi ari kutaura nevamwe vana vaanodzidzisa.

Zvisingazivikanwi Nenyanzvi Dzesainzi

Zvinoita sekuti nyanzvi dzesainzi dzakaongorora zvinenge zvinhu zvese zvinozikanwa zviri muchadenga. Asi kunyange zvakadaro, pane mibvunzo yakawanda inokosha yavasingagoni kupindura.

Nyanzvi dzesainzi dzinoziva here kuti zvinhu zviri muchadenga uye upenyu zvakatanga sei? Hadzizivi. Vamwe vanoti nyanzvi dzesainzi dzinoongorora zvinhu zviri muchadenga dzinokwanisa kutsanangura kuti zvakatanga sei. Asi mumwe purofesa anoongorora nyeredzi anonzi Marcelo Gleiser, ari paDartmouth College akati: “Hatisati tava kukwanisa kutsanangura kuti zvinhu zviri muchadenga zvakatanga sei.” Purofesa uyu ndemumwe wevanhu vanoti hazviiti kuti vanhu vazive kuti kuna Mwari here kana kuti haako.

Imwe magazini inonzi Science News ichitaura nezvematangiro akaita upenyu yakati: “Zvakaoma kuti tizive matangiro akanyatsoita upenyu panyika nekuti matombo aivako kare nezvimwewo zvinotibatsira kuziva matangiro akaita nyika hazvisisiko.” Izvi zvinoratidza kuti sainzi haisati yapindura mubvunzo wekuti, Zvinhu zviri muchadenga uye upenyu zvakatanga sei?

Asi unogona kuzvibvunza kuti, ‘Kana paine munhu akaita kuti upenyu huvepo, munhu iyeye ndiani?’ Pamwe wakambozvibvunzawo mibvunzo iyi: ‘Kana kuine Musiki akachenjera uye ane rudo, nei achirega vanhu vaakasika vachitambura? Nei kuine zvitendero zvakawanda zvakasiyana-siyana? Nei achisiya vanhu vanoti vanomunamata vachiita zvinhu zvakaipa?’

Nyanzvi dzesainzi hadzikwanisi kupindura mibvunzo iyi. Asi hazvirevi hazvo kuti mhinduro dzemibvunzo iyi hadzipo. Variko vakawanda vakatowana mhinduro dzemibvunzo iyi muBhaibheri.

Kana uchida kuona kuti nei dzimwe nyanzvi dzesainzi dzakadzidza Bhaibheri dzichibvuma kuti kune Musiki, enda pawebsite inonzi jw.org wotsvaga mavhidhiyo anotevedzana pakanzi, Zvinotaurwa Nevamwe Nezvekwakabva Upenyu.

Sainzi uye Bhaibheri zvakavabatsira

Georgiy N. Koidan, anoongorora mashandiro anoita makemikari

“Rimwe remabasa andinoita nderekusanganisa makemikari akasiyana-siyana. Zvakangofanana nekutamba tsoro: unofanira kutanga wafunga usati watamba. Ukangokanganwa kuita chinhu chimwe chete, zvauri kugadzira hapana chinobuda. Basa rangu rakaoma, asi kana richienzaniswa nekusangana kunoita makemikari mukati mesero, rangu hapana zviripo. Izvi zvinoita kuti nditi kuna Mwari uyo anoziva zvakawanda nezvemakemikari aya kupfuura isu.

“Pandakadzidza Bhaibheri, ndakaona kuti rakasiyana nemamwe mabhuku. Bhaibheri rakanyorwa makore anenge 2 000 apfuura, asi mazano arimo achiri kushanda nanhasi. Rinotaura zvatingaita kuti tigadzirise kusawirirana kwatingava nako mumhuri, kumabasa, kana kuti nevavakidzani vedu. Izvi zvakaita kuti nditi mazano anoshanda kudaro akabva kumunhu akachenjera kutipfuura.”

Yan-Der Hsuuw, anoongorora makuriro evana vari mudumbu

“Mwana paanenge achikura mudumbu, masero ese anofanira kushanda pamwe chete kuti pagadzirwe tsandanyama, mabhonzo, ropa, nezvimwewo zvinodiwa kuti ave munhu. Hatisati tava kunyatsonzwisisa kuti masero aya anobatana sei kuti pagadzirwe kamwana. Ini ndinoti pane munhu akachenjera akaita kuti upenyu huvepo.

“Makuriro anoita mwana mudumbu raamai vake, anotsanangurwa muBhaibheri pana Pisarema 139:15, 16, ndinoona achienderana nezvava kutsanangurwa nenyanzvi dzesainzi mazuva ano. Zviri pachena kuti mashoko aya akarurama akanyorwa kare kare akabva kuMusiki.”

Ona vhidhiyo yakanzi Rocío Picado Herrero: A Chemistry Teacher Explains Her Faith. Unogona kuiwana pawebsite inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe