Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
“Ngazvirumbidze zita raJehovha; nokuti iye wakarayira, zvikasikwa.”—PISAREMA 148:5.
1, 2. (a) Mubvunzo upi watinofanira kufunga nezvawo? (b) Zvakasikwa zvinobatanidzwa sei mumubvunzo waIsaya?
“HAUNA kuziva here?” Iwowo unganzwika somubvunzo unobatsira munhu kuti afunge, unoita kuti vakawanda vapindure kuti, ‘Kuziva chii?’ Asi mubvunzo unokosha. Uye tinganzwisisa mhinduro yacho zvakanakisisa nokuona kuti zvanga zvaita sei pawakazobvunzwa—chitsauko chechi40 chebhuku reBhaibheri raIsaya. MuHebheru wekare, Isaya, ndiye akaunyora, saka mubvunzo wacho ndewekare. Asi, ndewemazuva anowo chaizvo, une chokuita nezvinokosha zvinoreva upenyu hwako.
2 Zvawakakosha kudaro, mubvunzo uri pana Isaya 40:28 unofanira kuteererwa nesu: “Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari usingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose.” Saka ‘kuziva’ kwaibatanidza Musiki wepasi, uye mashoko akapoteredza anoratidza kuti zvinopfuura pasi zvinobatanidzwa. Mundima mbiri dzinotangira iyi Isaya akanyora nezvenyeredzi kuti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda . . . nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa.”
3. Nyange zvazvo uchiziva zvakawanda nezveMusiki, nei uchifanira kuda kuziva zvakawanda?
3 Hungu mubvunzo wokuti “Hauna kuziva here?” chaizvoizvo uri kubvunza nezveMusiki wezvose. Iwe pachako ungadaro uchigutsikana kuti Jehovha Mwari ndiye “Musiki wemativi ose apasi.” Ungazivawo zvakawanda nezveunhu nenzira dzake. Asi zvakadini kana ukasangana nomurume kana mukadzi asina chokwadi chokuti kune Musiki uye asingatombozivi kuti akaita sei? Izvozvo hazvifaniri kushamisa nokuti kune mamiriyoni nemamiriyoni asingazivi kana kudavira Musiki.—Pisarema 14:1; 53:1.
4. (a) Nei zvakakodzera kufunga nezveMusiki panguva ino? (b) Sayenzi haigoni kupa mhinduro dzipi?
4 Zvikoro zvinoita kuti pave nevakawanda vasina chokwadi vanofunga kuti sayenzi ine (kana kuti ichawana) mhinduro dzemibvunzo ine chokuita nokwakabva zvose zvakasikwa uye upenyu. MuThe Origin of Life (musoro wokutanga wechiFrench: Aux Origines de la Vie) vanyori Hagene naLenay vanoti: “Kuchine kupokana pamusoro pekwakabva upenyu pamavambo ezana remakore rechimakumi maviri nerimwe. Dambudziko iri, rakaoma chaizvo kupedza, rinoda kuongororwa mumativi ose, kubvira pakukura kwenzvimbo kusvika pakudukupa zvikuru kwechinhu.” Uyezve, chitsauko chokupedzisira chinoti, “Mubvunzo Unoramba Uripo,” chinobvuma kuti: “Taongorora dzimwe mhinduro dzesayenzi dzemubvunzo unoti, Upenyu huri panyika hwakavapo sei? Asi nei upenyu hwakavapo? Upenyu hune chinangwa here? Sayenzi haigoni kupindura mibvunzo iyi. Inongotsvaka chete vana ‘sei’ vezvinhu. ‘Sei’ na‘nei’ mibvunzo yakasiyana zvachose. . . . Nezvemubvunzo wokuti ‘nei,’ uzivi, chitendero, uye—kunyanya—mumwe nomumwe wedu anofanira kuwana mhinduro yacho.”
Kuwana Mhinduro Nezvinoreva Upenyu
5. Vanhu vapi vanganyanya kubatsirwa nokudzidza zvakawanda pamusoro poMusiki?
5 Hungu, tinoda kunzwisisa kuti nei upenyu huripo—uye kunyanya, kuti nei tiri pano. Uyezve, tinofanira kufunga nezvevanhu vasati vabvuma kuti kune Musiki uye vanoziva zvishomanana nezvenzira dzake. Kana kuti funga nezvevaya vane upenyu hunobatanidza pfungwa yaMwari yakasiyana zvikuru neinotaurwa neBhaibheri. Mabhiriyoni akakurira kuMabvazuva kana kuti kune dzimwe nzvimbo kune vanhu vakawanda vasingafungi nezvaMwari chaiye, munhu chaiye ane unhu hunofadza. Kwavari shoko rokuti “mwari” ringamutsa pfungwa yesimba risina kujeka kana kuti chimwe chinhu chinokonzera chisinganzwisisiki. Havana ‘kuziva Musiki’ kana nzira dzake. Kana ivo, kana kuti mamiriyoni anoona zvakafanana, vakagona kugutsikana kuti Musiki ariko, vachabatsirwa zvakadini, kubatanidza tariro dzisingagumi! Vangawanawo chimwe chinhu chisingawanzowaniki zvechokwadi—zvinoreva upenyu chaizvo, chinangwa chaicho nerugare rwepfungwa, muupenyu.
6. Ko upenyu hwevakawanda nhasi hunofanana sei nezvakaitika kuna Paul Gauguin uye kune mimwe yemifananidzo yake?
6 Kuenzanisira: Muna 1891, munyori wemifananidzo wokuFrance Paul Gauguin akaenda kunotsvaka upenyu hunogutsa kuFrench Polynesia, mune yainge paradhiso chaiyo. Asi mararamire okusazvidzora aaiita kare akakurumidza kumuunzira chirwere iye nevamwe. Zvaakanzwa ava pedyo nokufa, akanyora mufananidzo pajira hombe paanoita seai‘dudzira upenyu sechishamiso chikuru.’ Unoziva here kuti Gauguin akapa mufananidzo iwowo zita rokuti chii? “Tinobvepi? Tiri Chii? Tiri Kuenda Kupi?” Ungadaro wakanzwa vamwe vachibvunza mibvunzo yakadaro. Vakawanda vanoibvunza. Asi pavasingawani mhinduro dzinogutsa—upenyu husina zvahunonyatsoreva—vangaenda kupi? Vangabva vati upenyu hwavo hauna kunyanya kusiyana nehwemhuka.—2 Petro 2:12.a
7, 8. Nei kuongorora kwesayenzi pachakwo kusina kukwana?
7 Saka unogona kunzwisisa chikonzero nei mumwe munhu akadai sapurofesa wephysics Freeman Dyson aigona kunyora kuti: “Ndinofunga semafungiro evanhu vanoremekedzwa pandinobvunzazve mibvunzo yakabvunzwa naJobho. Nei tichitambura? Nei nyika isingaruramisiri zvakadai? Chinangwa chemarwadzo nenhamo chii?” (Jobho 3:20, 21; 10:2, 18; 21:7) Sezvadudzwa, vanhu vakawanda vanotarisira kupindurwa nesayenzi panzvimbo pokupindurwa naMwari. Nyanzvi dzebiology, nyanzvi dzezvemakungwa, nevamwe vari kuwedzera ruzivo nezvepasi redu noupenyu huri pariri. Vachiongorora nokune rimwe divi, vaongorori venyeredzi nenyanzvi dzephysics vari kudzidza zvakatowanda nezvezuva nenyika dzinoritenderera, nyeredzi, nyange mapoka enyeredzi ari kure. (Enzanisa naGenesi 11:6) Zvinhu zvakadaro zvinopa mhinduro ipi ine musoro?
8 Vamwe vasayendisiti vanotaura nezve“pfungwa” dzaMwari kana kuti “runyoro” zvinoziviswa nezvose zvakasikwa. Asi izvozvo zvingatadza here kuratidza chatiri kuda? Magazini yeScience yakati: “Vaongorori pavanotaura kuti sayenzi yezvose zvakasikwa inozivisa ‘pfungwa’ kana kuti ‘runyoro’ rwaMwari, vari kupa Mwari chingapedzisira chava rutivi rwusingakoshi rwezvose zvakasikwa—zvinhu zvisina upenyu.” Kutaura chokwadi, nyanzvi yephysics yakapiwa mubayiro weNobel Steven Weinberg yakanyora kuti: “Patinenge tava kuita setava kunzwisisa zvakawanda pamusoro pezvose zvakasikwa, ndipo pazvinoita sezvisina chinangwa.”
9. Uchapupu hupi hungatibatsira isu nevamwe kudzidza pamusoro poMusiki?
9 Zvisinei, ungava mumwe wemamiriyoni akanyatsodzidza nhau yacho uye anonzwisisa kuti zvinonyatsoreva upenyu chaizvo zvine chokuita nokuziva Musiki. Yeuka zvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Vanhu havangati havazivi nezvaMwari. Kubva pamavambo enyika, vanhu vaigona kuona zvakaita Mwari pane zvinhu zvaAkaita. Izvi zvinoratidza simba Rake rinogara nokusingaperi. Zvinoratidza kuti Iye ndiMwari.” (VaRoma 1:20, Holy Bible, New Life Version) Hungu, kune chokwadi pamusoro penyika yedu uye pamusoro pedu chingabatsira vanhu kuziva Musiki uye kuwana zvinoreva upenyu zvine chokuita naye. Funga nezvemativi matatu acho: zvose zvakasikwa zvakatipoteredza, kwakabva upenyu, nemano edu epfungwa.
Zvikonzero Zvokudavira
10. Nei tichifanira kufunga nezve“pakutanga”? (Genesi 1:1; Pisarema 111:10)
10 Zvose zvakasikwa zvakavapo sei? Ungaziva kubva pane zvinoshumwa nezvematelescope anoona zviri muchadenga nemichina yokuongorora kuti vasayendisiti vakawanda vanoziva kuti zvose zvakasikwa hazvina kugara zviripo. Yakava nemavambo, uye iri kukura. Izvi zvinorevei? Inzwa muongorori wenyeredzi Sir Bernard Lovell anoti: “Kana pane imwe nhambo munguva yakapfuura, zvose zvakasikwa zvaiva pedyo nomugariro mumwe muduku-duku nouremu husingayereki, tinofanira kubvunza kuti chii chaivapo izvo zvisati zvavapo . . . Tinofanira kutarisana nedambudziko reMavambo.”
11. (a) Chadenga chakakura sei? (b) Kururama kuri muchadenga kunoratidzei?
11 Magadzirirwe ezvose zvakasikwa, kubatanidza pasi redu, anoratidza kugadziridza kunoshamisa. Somuenzaniso, zvinhu zviviri zvinoshamisa zvezuva redu nedzimwe nyeredzi kushanda zvakanaka kwenguva refu nokugadzikana. Mapoka enyeredzi ari muchadenga chinooneka anofungidzirwa panguva ino anotangira pamabhiriyoni 50 (50 000 000 000) kusvika kumabhiriyoni 125. Uye boka redu renyeredzi rinonzi Gwara Renzou rine mabhiriyoni nemabhiriyoni enyeredzi dzirimo. Zvino funga: Tinoziva kuti injini yemotokari inoda mafuta nemhepo zvakakwana. Kana une motokari, ungahaya makanika akarovedzwa kuti agadzire injini yayo, kuitira kuti motokari yako ifambe zvakanyatsonaka. Kana kururama kwakadaro kuchikosha kuinjini zvayowo, zvakadini, somuenzaniso, nezuva redu rino“pisa” zvakanaka? Zvakajeka kuti, masimba makuru anobatanidzwa akanyatsogadzirwa kuti upenyu huvepo pasi pano. Izvozvo zvakangoerekana zvaitika here? Jobho wekare akabvunzwa kuti: “Ndiwe wakazivisa mitemo inodzora matenga here, kana kuronga mitemo yezvakasikwa zviri panyika here?” (Jobho 38:33, The New English Bible) Hapana munhu akazviita. Saka kururama kwacho kwakabvepi?—Pisarema 19:1.
12. Nei zvine pfungwa kufunga kuti Munhu akangwara ane simba ndiye akasika zvisikwa?
12 Zvingadaro zvakabva kune chimwe chinhu kana kuti kune mumwe Munhu asingagoni kuonekwa nemaziso evanhu here? Funga nezvemubvunzo uyu maererano nesayenzi yemazuva ano. Vaongorori venyeredzi vakawanda vava kubvuma kuti kune zvinhu zvokudenga zvine simba kwazvo—makomba matema. Makomba matema aya haagoni kuonekwa, asi nyanzvi dzine chokwadi chokuti ariko. Zvichienzaniswa, Bhaibheri rinoshuma kuti mune imwe nzvimbo mune zvisikwa zvine simba zvisingagoni kuonekwa—zvisikwa zvomudzimu. Kana vanhu vane simba vakadaro, vasingaonekwi variko, hazvikoshi here kuti kururama kwakaziviswa nezvose zvakasikwa kwakatangwa noMunhu akangwara ane simba?—Nehemia 9:6.
13, 14. (a) Sayenzi yakati kudii chaizvo nezvemavambo oupenyu? (b) Kuvapo kwoupenyu pasi pano kunoratidza chii?
13 Uchapupu hwechipiri hungabatsira vanhu kubvuma Musiki hunobatanidza mavambo oupenyu. Kubvira panguva yakaedzwa zvinhu naLouis Pasteur, zvakabvumwa kuti upenyu hahungovipo kubva pasina chinhu nokungozviuyirawo. Saka upenyu hwepasi pano hwakatanga sei? Muma1950, vasayendisiti vakaedza kuratidza kuti hungava hwakatanga zvishoma nezvishoma mune rimwe gungwa rapakutanga apo mhoteredzo yokutanga yakanga ichingoramba ichirohwa nemheni. Zvisinei, uchapupu hwomunguva pfupi yapfuura hunoratidza kuti mavambo akadaro oupenyu hwapasi angasabvira nokuti mhoteredzo yakadaro haina kubvira yavapo. Saka, vamwe vasayendisiti vari kutsvaka mamwe matsananguriro ari nani. Asi vari kutadzawo kuratidza chatiri kuda chacho here?
14 Apedza makumi emakore achidzidza pamusoro pezvakasikwa zvose noupenyu huri mazviri, musayendisiti wokuBritain Sir Fred Hoyle akataura kuti: “Panzvimbo pokubvuma kubvira kuduku kwokufungidzira kwokuti upenyu hwakavapo nemasimba asingaoneki ezvakasikwa, zvinoita sezviri nani kufungidzira kuti mavambo oupenyu chiito chaicho chokungwara.” Hungu, patinodzidza zvakawanda nezvezvinhu zvinoshamisa zvoupenyu, ndipo pazvinova nomusoro zvikuru kuti hwakabva kune Munhu mumwe akangwara.—Jobho 33:4; Pisarema 8:3, 4; 36:9; Mabasa 17:28.
15. Nei zvinganzi wakasiyana?
15 Saka pfungwa yokutanga inobatanidza zvose zvakasikwa, uye chechipiri, kwakabva upenyu huri pasi pano. Cherekedza chechitatu—kusiyana kwedu nezvimwe zvinhu. Munzira dzakawanda vanhu vose vakasiyana, saka zvinoreva kuti newewo wakasiyana. Zvinodaro sei? Zvimwe wakanzwa kuti uropi hwave huchienzaniswa nekombiyuta ine simba. Zvisinei, chaizvoizvo, zvichangobva kuwanwa zvinoratidza kuti kuenzanisa uku hakuna kukwana. Mumwe musayendisiti wepaMassachusetts Institute of Technology akati: “Makombiyuta anhasi haatomboenzani nomunhu ane makore mana pakukwanisa kwawo kuona, kutaura, kufamba, kana kushandisa pfungwa. . . . Zvakafungidzirwa kuti kukwanisa kubudisa mashoko kwekombiyuta huru ine simba kupfuura dzose chaiyo kwakaenzana negadziriro yetsinga yehozhwe—kachikamu kaduku-duku kesimba riri mukombiyuta huru iri mukati medehenya [rako].”
16. Kugona kwako mutauro kunoratidza chii?
16 Mutauro mano aunawo nemhosva yepfungwa dzako. Vamwe vanhu vanotaura mitauro miviri, mitatu, nyange yakawanda, asi mano okutaura nyange mumwe chaiwo anotiita kuti tisiyane. (Isaya 36:11; Mabasa 21:37-40) Vanapurofesa R. S. naD. H. Fouts vakabvunza kuti: “Munhu oga . . . ndiye anokwanisa kukurukurirana achishandisa mutauro here? . . . Mhuka dzose dzakakwirira dzinotaurirana ne- . . . majangariko, munhuwi, kurira, kuchema nenziyo, uye nyange kutamba kwenyuchi. Nepo mhuka kunze kwomunhu hadziiti sedzakaumba mutauro une girama. Uye zvingava zvinokosha zvikuru, mhuka hadzinyori mifananidzo inomiririra chimwe chinhu. Zvadzingatogona kuita kubharangidza.” Chokwadi, vanhu chete ndivo vanogona kushandisa pfungwa kuti vataure mutauro nokunyora mifananidzo ine zvainoreva.—Enzanisa naIsaya 8:1; 30:8; Ruka 1:3.
17. Musiyano upi unokosha uripo pakutarisa kwemhuka mugirazi nekwemunhu?
17 Uyezve, unoziva zvauri; unoziva zviri kuitika kwauri. (Zvirevo 14:10) Wati wamboona shiri, imbwa, kana katsi ichitarira mugirazi ndokuchohonya, kuhon’era, kana kuti kurwisa here? Inofunga kuti iri kuona imwe mhuka, isingazivi kuti ndiyo. Kusiyana neizvozvo, iwe paunotarira mugirazi, unoziva kuti ndiwe. (Jakobho 1:23, 24) Ungaongorora chitarisiko chako kana kunetseka kuti uchazotaridzika sei mumakore mashomanana achatevera. Mhuka hadzidaro. Hungu, pfungwa dzako dzinokuita kuti usiyane nezvimwe. Ndiani anofanira kutendwa? Pfungwa dzako dzakavapo sei, kana dzisina kubva kuna Mwari?
18. Zvii zvinogona kuitwa nepfungwa dzako zvinokusiyanisa nemhuka?
18 Pfungwa dzako dzinokubvumirawo kuti unzwisise mifananidzo nenziyo uye kuvawo nepfungwa yetsika. (Eksodho 15:20; Vatongi 11:34; 1 Madzimambo 6:1, 29-35; Mateo 11:16, 17) Nei iwe uye kwete mhuka? Dzinonyanya kushandisa pfungwa dzadzo kuti dzitarisire zvadzinongoda panguva iyoyo—kuwana zvokudya, kutsvaga hadzi kana mukono, kana kuti kugadzira dendere. Vanhu voga ndivo vanofunga zvinopfuura zvenguva ino. Vamwe vanotofunga kuti zvavanoita zvichaita sei kunharaunda yavo kana kuvazukuru vavo munguva ichazouya iri mberi. Nei? Muparidzi 3:11 inoti nezvevanhu: “[Musiki] wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo.” Hungu, kukwanisa kwako kufunga nezvezvinoreva nguva isingagumi kana kuti kufungidzira upenyu husina magumo kunokosha.
Rega Musiki Awedzere Zvinoreva Upenyu
19. Ipfungwa ipi ine mativi matatu yaungashandisa pakubatsira vamwe kufunga nezveMusiki?
19 Tataura nezvenharaunda nhatu chete: kururama kunoonekwa pane zvose zvakasikwa, kwakabva upenyu huri pasi pano, nokusiyana kusingarambiki kwepfungwa dzomunhu, nezvadzinogona kuita zvakawanda-wanda. Zvinhu zvitatu izvi zvinotaura nezvechii? Ndiyo pfungwa yaungashandisa kuti ubatsire vamwe kuti vataure chimwe chinhu pakupedzisira. Ungatanga kubvunza kuti: Zvose zvakasikwa zvakava nemavambo here? Vakawanda vangabvuma kuti zvinawo. Ibva wabvunza kuti: Mavambo iwayo akanga asina chakakonzera here, kana kuti akakonzerwa? Vanhu vakawanda vanoona kuti mavambo ezvose zvakasikwa akakonzerwa. Izvi zvinotungamirira kumubvunzo wokupedzisira: Mavambo acho akakonzerwa nechimwe chinhu chisingagumi here kana kuti nomumwe Munhu asingagumi? Nhau dzacho dzataurwa zvakajeka uye zvine musoro kudaro, vakawanda vangaitwa kuti vagumise kuti: Kunofanira kuva noMusiki! Izvozvo zvazvakadaro, hazvibviri here kuti upenyu huve nezvahunoreva?
20, 21. Nei kuziva Musiki kuchikosha kuti tiwane zvinoreva upenyu?
20 Kuvapo kwedu kwose, kubatanidza pfungwa yedu yetsika netsika yacho pachayo zvinofanira kubatanidzwa noMusiki. Dr. Rollo May akambonyora kuti: “Marongerwe etsika akakwana chete ndeayo akavakirwa pane chokupedzisira chinorehwa noupenyu.” Izvozvo zvinofanira kuwanikwa kupi? Akapfuurira achiti: “Marongerwe okupedzisira acho rudzi rwaMwari. Nheyo dzaMwari ndidzo nheyo dzinotsigira upenyu kubva pamavambo ezvakasikwa kusvikira kumagumo.”
21 Saka, tinogona kunzwisisa zvakanaka kuti nei munyori wepisarema akanga achiratidza kuzvininipisa nouchenjeri paakakumbira Musiki kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari muponesi wangu.” (Pisarema 25:4, 5) Zvaakaziva Musiki zviri nani, upenyu hwomunyori wepisarema chokwadi hwaizodai hwakareva zvakawanda, hwakava nechinangwa, uye hwakava nekwahwakananga. Zvakafanana zvinogona kuitika kune mumwe nomumwe wedu.—Eksodho 33:13.
22. Chii chinobatanidzwa pakuziva nzira dzoMusiki?
22 Kuziva “nzira” dzoMusiki kunobatanidza kuziva zvitori nani zvaakaita, unhu hwake nenzira dzake. Asi Musiki zvaasingaoneki uye ane simba rinotyisa, tingamuziva sei zviri nani? Nyaya inotevera ichataura nezvazvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Achitaura nezvezvakaitika mumisasa yevasungwa yeNazi, Dr. Viktor E. Frankl akaona kuti: “Kutsvaka kwomunhu chinorehwa noupenyu ndiro simba guru riri muupenyu hwake uye kwete ‘kungopawo zvikonzero zvenhema’ nemusikirwo,” semhuka. Akawedzera kuti makumi emakore pashure pehondo yenyika yechipiri, kuongorora kwakaitwa muFrance “kwakaratidza kuti 89 muzana yevanhu vakabvunzwa yakabvuma kuti munhu anoda ‘chimwe chinhu’ chokuraramira.”
Ungapindura Sei?
◻ Nei tichifanira kuwana zvinopfuura mashoko esayenzi pamusoro pezvose zvakasikwa?
◻ Pakubatsira vamwe kufunga nezveMusiki, ungataura nezvechii?
◻ Nei kuziva Musiki kuchikosha kuti uwane zvinoreva upenyu zvinogutsa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Iwe Unoti Kudii?
Zvinhu Zvose
↓ ↓
Hazvina Kuva Zvakava
Nemavambo Nemavambo
↓ ↓
Hazvina Kukonzerwa Zvakakonzerwa
↓ ↓
Nechimwe CHINHU Nomumwe MUNHU
Chisina Magumo Asina Magumo
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kukura nokururama kunoonekwa muchadenga kwakaita kuti vakawanda vafunge nezveMusiki
[Kwazvakatorwa]
Mapeji 15 ne18: Jeff Hester (Arizona State University) and NASA