RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 3 pp. 14-15
  • Nei Kuziva Mhinduro Yacho Kuchikosha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kuziva Mhinduro Yacho Kuchikosha?
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uchawedzera kunakidzwa neupenyu
  • Uchawana mazano anokubatsira muupenyu
  • Uchawana mhinduro dzemibvunzo yako
  • Uchava netariro yeramangwana
  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?
    Mukai!—2015
  • Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 3 pp. 14-15
Mumwe mukomana nevasikana vakagara vakatarisa shiri dziri mumuti.

Nei Kuziva Mhinduro Yacho Kuchikosha?

Nei zvichikosha kuti uzive kana kuine Musiki? Kana paine zvawakaona zvinokuratidza kuti zvechokwadi Mwari ariko, zvakanakawo kuti uongorore uchapupu hunoratidza kuti ndiye akanyora Bhaibheri. Uye kana ukavimba nezvinotaurwa muBhaibheri, uchaona kuti richakubatsira pazvinhu zvakaita sezvinotevera.

Uchawedzera kunakidzwa neupenyu

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “[Mwari] akaita zvakanaka, achikupai mvura yekudenga nemwaka inobereka zvibereko, achikugutsai nezvekudya uye achizadza mwoyo yenyu nemufaro.”—Mabasa 14:17.

ZVAZVINOREVA: Zvinhu zvese zvakasikwa zvinoita kuti unakidzwe neupenyu zvipo zvawakapiwa neMusiki. Pauchawedzera kuziva kuti munhu uyu akakupa zvipo izvi anokuda, uchawedzerawo kumutenda.

Uchawana mazano anokubatsira muupenyu

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uchanzwisisa chinonzi kururama, kutonga zvakarurama uye kusasarura, nzira yezvinhu zvese zvakanaka.”—Zvirevo 2:9.

ZVAZVINOREVA: Sezvo ari iye akakusika, Mwari anoziva zvaunoda kuti ufare. Kana ukadzidza Bhaibheri, uchaonawo zvinhu zvakawanda zvinogona kukubatsira muupenyu hwako.

Uchawana mhinduro dzemibvunzo yako

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uchawana ruzivo pamusoro paMwari.”—Zvirevo 2:5.

ZVAZVINOREVA: Kuziva kuti Musiki ariko kuchakubatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai seyekuti: Tinoraramirei? Nei tichitambura? Chii chinoitika kana tafa? Unogona kuwana mhinduro dzinogutsa muBhaibheri.

Uchava netariro yeramangwana

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “‘Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”—Jeremiya 29:11.

Ona vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? neimwe inonzi Ndiani Akanyora Bhaibheri? Mavhidhiyo aya anowanika pawebsite inonzi jw.org. Kuti uwane mavhidhiyo aya unogona kuenda pakanzi tsvaga wonyora kuti “Bhaibheri Mwari” kana kuti “akanyora Bhaibheri.”

ZVAZVINOREVA: Mwari anovimbisa kuti mune ramangwana achabvisa vanhu vakaipa, kutambura, uye rufu. Kana uchibvuma zvinovimbiswa naMwari, tariro yauinayo ichakubatsira kuti ukwanise kutsungirira matambudziko aunosangana nawo zuva nezuva.

Kuziva kuti Musiki ariko kwakabatsira sei vamwe?

Cyndi.

“Ndinoramba ndichishamiswa pandinoona kubatsirwa kwatinoitwa naMwari pazvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu. Anotibatsira kuti tizive zvinonyanya kukosha muupenyu, zvatingaita kuti tiwirirane nevamwe, uye zvatingaita kuti tive shamwari yake.”—Cyndi, U.S.A.

Elise.

“Kuziva kuti Musiki ariko kunoita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa uye ndifare. Sezvo ndichitenda muna Mwari, handimboshayi zvekuita. Pane zvinhu zvakawanda zvandinogona kudzidza nezvake, nezvezvaakasika, uye nezveShoko rake.”—Elise, France.

Peter.

“Kushandisa zvinhu zviri muBhaibheri zvatinodzidziswa neMusiki wedu kuri kuita kuti ndiwedzere kuva munhu anofara. Zvinondibatsira kuti ndisava munhu anongoshora-shora, asi ndibatsire vamwe, uye ndigutsikane muupenyu. Zvandibatsirawo kuva baba vakanaka.”—Peter, Netherlands.

Liz.

“Ndisati ndaziva nezvaMwari, ndaigara ndichinonoka kubasa, ndairaramira kudya nekurara. Ndakanga ndisinganakidzwi neupenyu! Iye zvino ndava kuona kuti upenyu chipo chakanaka chatakapiwa, chatinofanira kunakidzwa nacho uye kukoshesa.”—Liz, Estonia.

Adrien.

“Ndiri munhu anogara achingozvidya mwoyo. Asi kuziva kuti zvinhu zvakadai seuipi, kusabatwa zvakanaka, uye kutambura zvichapera kuri kundibatsira kuti nditsungirire.”—Adrien, France.

Inzwa kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo inokosha yeupenyu. Ona vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?—Vhidhiyo Refu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe