RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lffi chidzidzo 2
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka
    Dzimwe Nyaya
  • Chii Chinoita Kuti Tive Netariro Mugore ra2023?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Zvaungaita Kuti Uve Netariro Muna 2024—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
lffi chidzidzo 2
Chidzidzo 2. Zuva riri kuoneka richibuda uri mumunda wegorosi.

CHIDZIDZO 02

Bhaibheri Rinotipa Tariro

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Pasi rese vanhu vanosangana nematambudziko anoita kuti vasuruvare, vazvidye mwoyo uye varwadziwe. Pane zvawakambosangana nazvo zvakaita kuti unzwewo saizvozvo here? Pamwe uri kutambura nekurwara kana kuti uchangobva kufirwa. Saka ungava nemubvunzo wekuti, ‘Matambudziko achazombopera here?’ Bhaibheri rinotipa mhinduro inogutsa yemubvunzo iwoyo.

1. Itariro ipi yatinowana muBhaibheri?

Bhaibheri rinotsanangura kuti chii chiri kukonzera matambudziko azere munyika uye rine mashoko akanaka ekuti kwasara nguva pfupi kuti matambudziko aya apere. Bhaibheri rinotivimbisa “ramangwana rakanaka netariro.” (Verengai Jeremiya 29:11, 12.) Zvarinotivimbisa zvinotibatsira kuti tisaore mwoyo patinenge tiri mumatambudziko uye kuti tive nemufaro usingaperi.

2. Bhaibheri rinoti ramangwana richange rakadii?

Bhaibheri rinoti mune ramangwana “hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” (Verengai Zvakazarurwa 21:4.) Panenge pasisina zvinhu zvinoita kuti vanhu vatambure zvakadai seurombo, kusabatwa zvakanaka, zvirwere, uye rufu. Bhaibheri rinovimbisa kuti vanhu vachararama nekusingaperi muParadhiso vachifara pano panyika.

3. Ungaita sei kuti uve nechokwadi chekuti zvinovimbiswa neBhaibheri zvichazadziswa?

Vanhu vakawanda vane tariro yekuti zvinhu zvichanaka, asi havana chokwadi kuti zvichazozadziswa here. Asi zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatozadziswa. Tinogona kuwedzera kuvimba nezvarinotaura kana ‘tikanyatsoongorora Magwaro.’ (Mabasa 17:11) Kudzidza kwauchaita Bhaibheri kuchakubatsira kusarudza kana uchida kuvimba nezvarinotaura nezveramangwana.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora zvimwe zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana. Ona kubatsirwa kuri kuitwa vanhu netariro iri muBhaibheri.

Mapikicha ari kuratidza kusiyana kwakaita zvinhu zviriko mazuva ano nezvazvichange zvakaita mune ramangwana. Pikicha imwe neimwe iri kudzokororwa pazasi apa.

4. Bhaibheri rinopa vanhu tariro yekurarama nekusingaperi vasina matambudziko

Ona zvinhu zvinotevera zvinovimbiswa neBhaibheri. Ndedzipi vimbiso dzawanyanya kufarira? Nei uchidaro?

Verengai mavhesi akaiswa pavimbiso idzodzo, mozokurukura mibvunzo inotevera:

  • Magwaro aya anogona kukubatsira kuti uve netariro here? Unofunga kuti anogona kuita kuti hama neshamwari dzako dzivewo netariro here?

Chimbofungidzira uchirarama munyika

ISINA . . .

MUNHU WESE . . .

  • kuchema, kukwegura kana kufa.—Isaya 25:8.

  • achiona hama neshamwari dzake dzakanga dzafa dzichimutswa pano panyika.—Johani 5:28, 29.

  • kurwara kana kuremara.—Isaya 33:24; 35:5, 6.

  • aine utano hwakanaka uye simba reudiki.—Jobho 33:25.

  • munhu anobatwa zvisina kunaka.—Isaya 32:16, 17.

  • aine zvekudya zvakawanda, musha wakanaka, uye basa rinogutsa.—Pisarema 72:16; Isaya 65:21, 22.

  • hondo.—Pisarema 46:9.

  • aine rugare.—Pisarema 37:11.

  • kurwadziwa nekufunga zvakamboitika kare.—Isaya 65:17.

  • achirarama nekusingaperi asina zvinomunetsa.—Pisarema 37:29.

Mukomana airwara apora uye ari kumbundira amai vake. Murume ainge akwegura ava nesimba zvakare uye ari kusunda bhara rine zvirimwa. Vana vaitambura vachishaya zvekudya uye vachifondotswa nebasa vava kudyara zvirimwa uye kutamba bhora. Mukadzi akanga akaora mwoyo asingafari, iye zvino ava musikana ari kunyemwerera.

5. Zvinovimbiswa neBhaibheri zvinogona kuchinja upenyu hwako

Vanhu vanoodzwa mwoyo uye vanoshatiriswa nematambudziko ari panyika. Vamwe vanotoita zvekurwa kuti vachinje zvinhu. Ona muvhidhiyo inotevera kuti vimbiso yemuBhaibheri iri kubatsira sei vakawanda. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Ndaida Kurwisa Rusaruro (4:07)

Mapikicha: Mapikicha akatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Ndaida Kurwisa Rusaruro.’ 1. Rafika ainhonga donje nevamwe vanhu verudzi rwake paakanga achiri mudiki. 2. Rafika ari kufara kuona vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vari pamwe chete pagungano reZvapupu zvaJehovha raakatanga kupinda.
  • Muvhidhiyo iyi, Rafika ainetseka nenyaya yei?

  • Kunyange zvazvo dambudziko racho risina kupera, Bhaibheri rakamubatsira sei?

Tariro iri muBhaibheri yeramangwana inogona kutibatsira kuti tisaora mwoyo uye tifare pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Verengai Zvirevo 17:22 uye VaRoma 12:12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofunga kuti mashoko etariro ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuchinja upenyu hwako here? Nei uchidaro?

VAMWE VANOTI: “Zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana ndezvekunyepa.”

  • Nei uchifunga kuti zvinokosha kuti uzvionere wega zvarinotaura?

PFUPISO

Bhaibheri rinotipa tariro yeramangwana uye rinotibatsira kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo patinofunga nezveramangwana rine mufaro.

Kudzokorora

  • Nei vanhu vachida tariro?

  • Bhaibheri rinotii nezveramangwana?

  • Kuva netariro kunokubatsira sei iye zvino?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvimwe nezvekubatsira kwazvinoita kuva netariro.

“Tariro—Ine Basa Here?” (Mukai!, May 8, 2004)

Ona kuti tariro yeramangwana inogona sei kubatsira vanhu vane chirwere chisingarapiki.

“Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Uine Dambudziko Reutano?” (Nyaya iri paIndaneti)

Paunenge uchiona vhidhiyo iyi yemumhanzi, fungidzira uine mhuri yako muchifara muri muParadhiso inovimbiswa neBhaibheri.

Fungidzira Nguva Yacho (3:37)

Verenga unzwe kuti mumwe murume airwira kodzero dzevanhu akachinja sei upenyu hwake paakadzidza nezvetariro iri muBhaibheri yeramangwana.

“Handichafungi Kuti Ndinofanira Kuchinja Nyika” (Nharireyomurindi, July 1, 2013)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe