Fundo 1
Kutaura Mashoko Anofadza Echokwadi
1-3. Kutaura kwomunhu kwakavamba sei, uye kwakakudziridzwa sei?
1 Jehovha ndiye Musiki mukuru wokutaura. Kuna iye kunofanira kuenda mbiri yose nokuda kwouyu mutoo unoshamisa wekurukurirano pakati pezvisikwa zvakangwara. Uye sezvo izvo Mwari anoita zvakanaka, tinogona kuva nechokwadi kuti chipo chake chokutaura chakapiwa kuno munhu pakuvamba chakanga chiri chimwe che‘zvipiwa zvakakwana’ zviya zvinodudzwa muBhaibheri pana Jakobho 1:17. Pamusoro pokutaura kwomunhu, Ludwig Koehler, nyanzvi pamusoro pamashoko, akanyora kuti: “Chinoitika chaizvoizvo mukutaura, kuti kutanga kwenzwisiso kunonyandura sei mweya, . . . kuva shoko rinotaurwa, hatinzwisisi. Kutaura kwomunhu ndichakavanzika; chipo chaMwari, chishamiso.”
2 Nokudaro pakusikwa kwake Adhama akapiwa mashoko. Akavawo namano okuita mashoko matsva. Zvirokwazvo iye akapiwa mano okusanokurukura. Aisagona bedzi kutaura mifungo yake mukutaura kwakanaka, asi aivawo namano okunzwisisa kutaura. Tinoziva ikoku muidi rokuti Mwari akataura kuna Adhama, achipa mirayiridzo kuna iye. Uyewo, Adhama aigona kukurukura naEvha.—Gen. 1:27-30; 2:16-20.
3 Zvisinei, panguva youipi hukuru pasi pano, pashongwe yeBhabheri, Mwari akanyonganisa kutaura kwavanhu. (Gen. 11:4-9) Uye kunodaro kuti nhasi kune mitauro mizhinji, mizhinjisa yayo ine tumitauro twakasiyana-siyana. Dzimwe dzeidzi ndimi dzinotaurwa nemapoka maduku emadzinza uye dzimwe dzinotaurwa namamiriyoni avanhu. Kutaura kwomunhu, semunhu iye amene, kwakabva zvikuru pakukwana kwako kwapakuvamba. Kazhinji kazhinji kutaura kwake kunoshandiswa kuparadzira nhema uye kubvisa vanhu kuna Mwari.
4. Tinofanira kushandisa sei simba redu rokutaura?
4 Isu, savashumiri vaJehovha, kune rumwe rutivi, tinoda kushandisa simba rokutaura zvakarurama. Tine ropafadzo yokutaura kuna vanhu pamusoro paMwari wechokwadi uye kugoverana navo shoko rake rinofadza roupenyu husingagumi munyika itsva yakarurama. Kutibetsera kunosanoita ikoku nenzira inobudirira iri Bhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rinogoverwa.
5, 6. Nei kuchikosha kwazvo kuti zvatinotaura zvive chokwadi?
5 Kutaura mashoko echokwadi. Kushandiswa kwakafanira kwesimba rokutaura kunoda kuti zvatinotaura nguva dzose zvive chokwadi, zvinotsinhirana zvakazara neShoko raMwari. Nhema hadzigoni kupa utano hwomudzimu kune vateereri. Naizvozvo muapostora Pauro nokuchenjera akarayira kuti: “Ramba wakabata muenzaniso wamashoko akanaka awakanzwa kwandiri.” Neiko? Nemhaka yokuti “muenzaniso wamashoko akanaka” iwoyo wakanga wabva kuna Mwari. (2 Tim. 1:13, NW) Pauro akanyevera kuti vamwe vaizo“furatidza nzeve dzavo pazvokwadi,” asi iye akaratidza kuti chinhu chakarurama ndechoku“paridza shoko,” Shoko raMwari. Naizvozvo tinofanira kuomerera kuShoko raMwari rechokwadi, tichirishandisa sehwaro hwokuparidza kwose nokudzidzisa zvatinoita.—2 Tim. 4:1-5.
6 Tinosanoziva kuti shoko rakarurama rinotaurwa panguva yakarurama rinogona kutangisa mumwe munhu kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi kana kuti kumubetsera kurambira munzira. (Zvir. 18:21; Jak. 5:19, 20) Naizvozvo kushandiswa kwakafanira kwamashoko ndekwoukoshi hukuru kune mumwe nomumwe wedu vashumiri, uye Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chinotsvaka kusimbisa iri idi.
7-9. Rudzii rwamashoko anowanzova anobudirira zvikurusa?
7 Kusarudzwa kwamashoko. Mashoko anoitirwa kupa mifungo kana kuti pfungwa zvinobva mundangariro yomukurukuri zvichienda kuvanzwi vake. Ikoku kunogona kuitwa nenzira inobudirira bedzi kana mukurukuri achisarudza mashoko anotaura zvakarurama mifungo yake uye ayo anozivikanwa kana kuti ayo vateereri vanogona kuziva nyore nyore. Kusarudzwa kunobudirira kwamashoko hakuitiki nyore nyore pakutanga. Kunyange Mambo akachenjera Soromoni, mukokorodzi waIsraeri, “akafungisisa uye akasanonzvera, kuti agoronga zvirevo zvizhinji munhevedzano. Mukokorodzi akatsvaka kuwana mashoko anofadza uye kunyorwa kwamashoko akarurama echokwadi.” (Mup. 12:9, 10, NW) Naizvozvo kunoda nhamburiko yendangariro, nzvero nechisarudzo chakanaka kuwana mashoko anodikanwa. Pandima yegumi neimwe yeganhuro rimwe chetero reBhaibheri, kubudirira kwamashoko akasanosarudzwa kunoratidzirwa. “Mashoko avakachenjera” anofananidzwa ne“zvibayiso” izvo zvinosunda ndokukurudzira vanhu mumugwagwa unoenda kuupenyu.
8 Mashoko akapfava ndiimwe yenheyo dzokutanga kudzidza. Mashoko haafaniri kuva akaoma kunzwisisa kana kuti makukutu kuitira kuti kutaura kuve kunobudirira. Kutaura idi, kupfava kunokosha kukunzwisisa uye nokudaro ibetsero huru kukuyeuka. Chii chaigona kuva chakapfava zvikuru bva chine chiremera kupfuura aya mashoko okutanga eChinyorwa cheBhaibheri anoti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika”? Haugoni kuakanganwa. Ndizvo zvakaitawo mhedziso yakasvikwa nomukokorodzi akachenjera pashure pokurangarira kwake kwose: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Mup. 12:13.
9 Tinoda kudzivisa mashoko anoderedza kunzwika kwakajeka kwechokwadi chaMwari. Hatidi ku‘dzikatidza zano kupfurikidza namashoko asine zivo.’ (Jobho 38:2) Nokuti ndianiko uchanzwa ndokunzwisisa “kana hwamanda isingariri kwazvo”?—1 VaK. 14:8.
10, 11. Jesu muenzaniso sei nokuda kwedu mukutaura?
10 Tose tinogona kubetserwa nomuenzaniso wakaisvonaka waKristu Jesu. Kutaura kwake kwakapfava nemienzaniso inobva muzviitiko zvenguva dzose zvoupenyu zvakava nemugumisiro une simba pavateereri. Yeuka hurukuro yake yakapiwa pagomo pedyo neKapernaume, seinoratidzwa muganhuro reshanu kusvikira kune renomwe reEvhangeri yaMateo. Kutaura kune mashoko akaoma kunzwisisa here? Aiwa. Mashoko asina kujeka here? Kwete. Jesu akanga achiitira hanya kupinza chokwadi mundangariro kuti igotapura mwoyo yavanhu. Zvirokwazvo iye akanga ane ndangariro yaBaba vake, Jehovha. Wake ndiwo muenzaniso wakaisvonakisisa pamusoro pokutaura nokuda kwavashumiri vose vaJehovha.
11 Tisatongorerutse mugumisiro une simba wamashoko akajeka, akapfava, akasanosarudzwa echokwadi. Anogona kufadza, anogona kukurudzira, anogona kuitisa chiito. Nezvokutaura kwaJesu nhoroondo iri pana Ruka 4:22 (NW), inotaura kuti vateereri “vose vakavamba kupa uchapupu hwakanaka pamusoro pake uye kushamiswa namashoko anofadza aibuda mumuromo make.” Vaapostora vakewo vakawana vateereri vazhinji vanodisisa. Ikoku pasinei zvapo neidi rokuti vaJudha vakatanhamara venguva iyeyo vaiziva vaapostora ivavo kuva varume “vasina kudzidza, vasingazivi chinhu.” (Mabasa 4:13) Chii chakanga chiri chikonzero chacho? Vakanga vadzidza mutoo wavo kuna Tenzi wavo, Kristu. Iyoyo haizi kurudziro huru nokuda kwavashumiri vaMwari nhasi here, vose vari vaviri vaduku navakuru?
12. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kudzidza kutaura zvakanaka ivo vamene?
12 Vabereki vanogona kuita zvakawanda zvikuru kubetsera vana vavo kuti vataure zvakanaka ivo vamene. Pamba kutaura kwakaisvonaka kwezuva riri rose kunogona kurovererwa, kupfurikidza nezvose zviri zviviri muenzaniso uye kudzidzisa. Nheyo dzeBhaibheri, idzo dzinofanira kutungamirira kutaura kwomunhu, dzinogona kurovererwa mundangariro dzevaduku. (Dheut. 6:6-9) Mhuri zhinji dzinova nemaminiti mashomanene mangwanani mamwe namamwe okukurukura rugwaro rweBhaibheri rwezuva racho runoratidzwa mubhukwana rinonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva, uye padzimwe nguva dzinorava pamwe chete Nharireyomurindi kana kuti Mukai! Iyi irovedzo yakaisvonaka nokuda kwemhuri, ichiwedzera mashoko matsva kumashoko avo nokuratidza mataurirwe anofadza eaya mashoko nokuda kwekurukurirano inobudirira zvikuru navamwe. Neiyi nzirawo mhuri iri kuwana ndangariro yaJehovha pazvinhu, uye kutaura kwavo kucharatidzira ikoko.
13-16. Kubetserwa zvizere neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, chii chatinofanira kuita somunhu oga?
13 Kuita fambiro mberi kupfurikidza nokugoverana muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Nebetsero yekosi yefundo yakarongwa mune iri Bhuku Rinotungamirira, isu tose vanoshuva zvapachokwadi kuenderera mberi muushumiri tichayamurwa kushandisa “mashoko anofadza . . . mashoko akarurama echokwadi.” Pasinei zvapo nezera kana kuti mamirire edzidzo, kana ukavimba nenhungamiro yaJehovha nomudzimu wake unogona kuita fambiro mberi ndokuenderera mberi muushumiri hwechiKristu. Asi kuri madikanwa kuti uite nhamburiko inodikanwa. Unokurudzirwa ku“shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.”—1 Tim. 4:15.
14 Nhamburiko yomumwe nomumwe wedu inobatanidza kusarudza kuva pamisangano yose yeungano yavanhu vaJehovha, uye ipapo kuita maererano nechisarudzo ichocho. Zvikurukuru pamarusando evhiki nevhiki eChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari pachava nebetsero inogoverwa kuti ugogona kuita zano romuapostora Pauro rokuti: “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.”—2 Tim. 2:15.
15 Munhu mumwe nomumwe, munhurume kana kuti munhukadzi, muduku kana kuti mukuru, anopinda misangano yeungano anganyoresa ndokuwana betsero dzeichi chikoro. Unganyoresa kana wakabhabhatidzwa kana kuti kwete. Avo zvichida vasina kudzidza kuchikoro vanofanira kuyeuka kuti Mwari akafanoona kuti shoko roUmambo raizonzwiwa pasina davidzo navazhinji vakachenjera mune zvokunyama, veimba huru, vakadzidza zvikuru mumurangariro wenyika. (1 VaK. 1:26-29) Asi iye akafanozivawo kuti vazhinji vanozvidzwa mumurangariro wenyika vaizoriteerera ndokuripfuuridzira nokudisa kuna vamwe vanhu vane nzara yechokwadi. Kupfurikidza nokunyoresa mune ichi chikoro uye kupfurikidza nokusanodzidza nenzira yokutendeka zvidzidzo zvacho uchatungamirirwa kuzivo ichakugonesa zvirokwazvo kutaura mashoko anofadza echokwadi kune vane mwoyo yakatendeseka. Ikoku kuchava nokuda kwokuvandudzwa kwako umene pamwe chete nokuvandudzwa kwaavo vanokunzwa.
16 Kupfuura zvose, kupfurikidza nokuva mudzidzi anoshingaira weiyi kosi uchave uchitsvaka, kupfurikidza neshoko nechiito, kuwana icho Mambo Dhavhidhi waIsraeri akanyengetera pamusoro pacho kuti: “Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.” (Pis. 19:14) MuKristu ari wose anofanira kuva nechishuvo chakasimba chokukwanisa kutaura zvakanaka, panhambo dzose achishandisa mashoko achava anofadza kuMusiki. Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chinokupa rubatsiro runokosha mukuwana nharidzano iyeyo.