RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 11 pp. 54-58
  • Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Taura ‘Zvakanaka Zvinovaka’
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kutaura Mashoko Anofadza Echokwadi
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Taura ‘Zvakanaka, Zvinovaka’
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 11 pp. 54-58

Fundo 11

Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose

1. Chii chichaita kuti kutaura kwedu kuve kunofadza kuna Jehovha?

1 “Mashoko omuromo wangu . . . ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha.” (Pis. 19:14) Kuti ikoku kuve kwechokwadi kwatiri, tinofanira kutaura pamusoro pezvinhu zvakarurama uye nomutoo unokodzera mubatiri waMwari. Tinoda kuti kutaura kwedu kubvumikise kuti isu tiri vabatiri vakatendeka vaMwari zuva riri rose, kwete bedzi apo tinenge tiri paHoro yoUmambo kana kuti tiri muushumiri hwomumunda. Ipapo mutauro watinoshandisa mumisha medu, kubasa, kuchikoro, ucharatidzira nenzira yakanaka ushumiri hwedu.—2 VaK. 6:3.

2, 3. Nei mataurire edu nokusarudzwa kwamashoko zvichikosha?

2 Mataurire edu anokosha. Ikoku kunobatanidza kunyange chitarisiko chechiso chedu nechimiro chenzwi. Mufaro wedu savabatiri vaJehovha unofanira kuoneka pazviso zvedu. Ushamwari nokunyemwerera kwoushamwari zvinokwezva vanhu. Nepo zvokwadi dzeBhaibheri dzatinotaura pamusoro padzo dzakakomba, idzo dzinofadzawo. Naizvozvo iva ane mbavarira! Chitarisiko “chokusakatara” hachikodzeri shoko redu retariro.

3 Sezvaunozvirovedzanisa nokutaura kwakanaka uchaziva kuti mashoko uye zvitarisiko zvine “unhu.” Zvinogona kuva zvinovava kana kuti zvinotapira, zvakapfava kana kuti zvakaoma, zvoushamwari kana kuti zvoutsinye, zvinovaka kana kuti zvinoparadza. Kusarudza shoko rakarurama kana kuti kutaura, ipapoka, kunokosha zvikuru. Kwakadaro zvikurukuru apo mashoko echokwadi, mashoko akanaka oUmambo, anobatanidzwa.

4. Tinogona sei kuwedzera mashoko atinoziva?

4 Kuwanza mashoko aunoziva. Mashoko anogona kushandiswa mukurumbidza Jehovha haashayikwi, seizvo kutarisa duramanzwi ripi neripi kucharatidza. Asika mubvunzo ndouyu: Unosanoshandisa sei dura ramashoko anowanika? Pakurava unonzvera mashoko ausinganzwisisi zvizere here, kana kuti zvichida unoatara kuti ugoanzvera apo unopedza nyaya yacho? Ikoku kuchakubetsera kuwedzera mashoko aunoziva. Uchawanawo kuti kune mashoko mazhinji aunoziva asi usingaashandisi mukutaura kwezuva riri rose. Ita nhamburiko yokungwarira yokuashandisa pakunenge kwakakodzera. Zvirokwazvo zvinokubetsera somushumiri wechiKristu kana kuti mudzidzi kuramba uchisakurira mano okutaura zvakanaka.

5, 6. Chii chichatiyamura kudzidza kushandisa mashoko nenzira yakafanira?

5 Dzidza kushandisa shoko rakarurama. Mashoko maviri angava nerevo dzakafanana asi dzakati siyanei zvishoma, okushandisa mumamirire ezvinhu akasiyana-siyana. Kana ukacherechedza izvozvi uchadzivisa kugumbura vateereri vako, uye kuvandudza kujeka kwokutaura kwako. Kushandisa duramanzwi rakanaka kunobetsera. Mamwe maduramanzwi anoronga pasi peshoko rimwe nerimwe zvose zviri zviviri masynonym aro (mashoko anoreva zvakafanana, kunyange zvazvo asina kufanana) uye maantonym (mashoko anoreva zvakati pesanei). Nokudaro unowana kwete bedzi mashoko akasiyana-siyana nokuda kwomufungo mumwe chetewo, asiwo revo dzakasiyana-siyana. Ikoku kunobetsera zvikuru apo unenge uchitsvaka shoko rakarurama nokuda kwemamirire ezvinhu akarurama. Kushandiswa kweshoko rakarurama kunokudzivisawo kuti usashandise mashoko akawandisa asiri madikanwa, uye kunokubetsera kusvika kumufungo. Mashoko akawandisa anoviga mifungo. Naizvozvo zvirovedze kutaura namashoko mashomanene. Apo unokuita zvakanaka, ipapo vamba kusiyanisa kutaura kwako namashoko anorondedzera anowedzera uchokwadi nerevo.

6 Sezvaunowedzera mashoko aunoziva, rega kufunga bedzi maererano namashoko matsva, asi rangarira mashoko ane miitiro yakati: zviito zvinoratidzira simba; zvipauro izvo zvinopa uchokwadi; mashoko okuchinja anobetsera kudzivisa kufinha; mashoko anoratidza ushamwari uye ane mutsa. Mukurava zvinyorwa zveSosaiti unogona kucherechedza mhatsa huru yamashoko uye zvikamu zvamashoko zvokusarudza.

7, 8. Tinofanira kungwarira ngozii pamusoro pamashoko akawanda atinoziva?

7 Donzo ramashoko aunoziva akawanda, chokwadika, harisati riri rokuvhaira. Vavariro yedu ndeyokupa mashoko, kwete kuorora vanzwi vedu isu pachedu. Murangariro wedu unofanira kuva wakafanana nouya wakataurwa nomuapostora Pauro wokuti: “Pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi.” (1 VaK. 14:9, 19) Kana kutaura kwomunhu kwakanyanyooma zvokusagona kunzwisiswa kungasva zvako kwava norurimi rwokumwe. Nenzira yakafanana, kuchenjera kudzivisa kudzamisa nenzira isiri madikanwa naavo vasati vachizokoshesa udzame hwacho. Kunyange mukurukuriranowo zvayo hatifaniri kuedza kuorora vateereri kupfurikidza nokutaura kwakaoma kunzwisisa uye mashoko marefu. Kunokosha zvikuru kuti vateereri vedu vanzwisise zvatinotaura. Yeuka, maererano naZvirevo 15:2, “rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo kwadzo.” Kusarudzwa kwamashoko akanaka, mashoko anonzwisiswa nyore nyore, kunobetsera kuita kuti kutaura kwedu kuve kunozorodza uye kunonyandura panzvimbo pokuva kunofinha uye kusingafadzi.—VaK. 4:6.

8 Kunokoshawo kudzidza kutaura mashoko zvakarurama. Adudze zvakafanira. Unogona kutarisa duramanzwi, uyewo cherechedza kuti vamwe vanodudza sei mashoko akati. Ikoku kuchakubetsera kudzivisa kusangwarira mukududza. Dzimwe ngozi dzinofanira kudziviswa mukutaura kwezuva riri rose ndedzokudhonzwa kwamashoko uye kugurwa kwemigumo yamashoko. Usataura nomumazino ako. Shandisa mataurire akanaka. Shama muromo wako kuti ududze zvakajeka.

9-12. Tinofanira kudzivisa rudzii rwokutaura, uye nei?

9 Mutauro wokudzivisa. Shoko raMwari rinotitungamirira pamusoro pokuti rudzii rwokutaura rwokudzivisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Muapostora Pauro anotipa zano, somuenzaniso, kudzivisa “zvisina kufanira,” zvakadai so“kunemera.” (VaEf. 5:3, 4) Tinofanira kudzivisa mashoko okunemera neakaipa. Pauro akanyorawo kuti: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.” (VaEf. 4:29) Naizvozvo vaKristu vanofanira kudzivisa mashoko okutuka uye kutaura kwakaipa. Vamwe vanhu vanofunga kuti mutauro wakadaro unoita kuti zvavanotaura zvive zvakasimba. Asi kune mashoko akanaka akawanda ane simba. Hapana kudikanwa kwokutevedzera kutaura kunonyadzisa kwavanhu vakadaro apo tinotaura kwavari. Mutauro wakapfava ungava unobetsera, asi unofanira kuva wakachena uye wakarurama.

10 Kunofanira kudziviswawo ndiko kutaura kwakati uye mataurire anobonderana nokushandiswa kwegirama. Kutaura kwakadaro kunowanzoshandiswa navavaraidzi venyika kana kuti kukurumbiriswa munziyo dzazvino uno. Vanhu vanoda kutevedzera ivava. Asi hakuna kunaka kuti vaKristu vagamuchire mataurire akadaro. Kuita kudaro kungaita kuti tinzi tiri venyika nemararamire ayo. Vatengesi vemirimo navamwe avo vane mararamire ari outsotsi kana kuti ounzenza vanowanzova namashoko avo vamene, vachishandisa mashoko nenzira isinganzwisiswi nyore nyore nomuteereriwo zvake. Asi mupimo wedu wokutaura haufaniri kutapurwa nepesvedzero dzakadaro dzenyika.—VaR. 12:2.

11 VaKristu vanofanira kuva vanongwarira kuti vadzivise mutauro usakafanira. Vamwe vanhu vanoshandisa mashoko okuti “Mwari” uye “Ishe,” uyewo “Jesu” uye “Kristu,” kungowedzera simbiso kukutaura, kana kuti sokutsiva shoko rokutuka. Mamwe mashoko akadai sa“gosh,” “golly” “gee” anongova mashoko anotsiva, akatorwa muna “God” (Mwari) na“Jesus” (Jesu), uye naizvozvo akaipa samashoko okukatyamadzwa.—Eks. 20:7; Mat. 5:34-37.

12 Izvo vanhu vanotaura uye vanoita zvingatishatirisa padzimwe nguva. Kunyange zvakadaro, kwaizova kusina kufanira kuti muKristu apindure nokutaura kwokutsamwa kana kuti kwokutuka. Muapostora anoti: “Bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.” (VaK. 3:8) Naizvozvo kunyange zvazvo kutaura kwavamwe kuchikushatirisa, nzira yokuchenjera ndeyokudzora kurangarira kwako.—Zvir. 14:29; Jak. 3:11.

13-16. Chii chichatibetsera kuvandudza girama yedu uye mataurire edu?

13 Girama yakafanira. Vamwe vanhu vangaziva kuti girama yavo haina kunakisisa. Zvichida vakakurira mune imwe nyika kana kuti vakashayiwa mikana yedzidzo huru yokuchikoro apo vakanga vari vaduku. Havafaniri kuodzwa mwoyo; panzvimbo pezvo, vanofanira kuita nhamburiko yapachokwadi yokuvandudza, vachiita kudaro nokuda kwamashoko akanaka. Pane matanho anobetsera anogona kuitwa. Somuenzaniso, kurava kwemhuri kunopa mikana yokuita ruramiso dzakadaro. Zvizhinji zvatinoziva pamusoro pegirama tinodzidza kupfurikidza nokunzwa vamwe vachitaura. Naizvozvo sanoteereresa apo hama dzakakura mumudzimu, dzakasanofunda dzinotaura. Apo unorava Bhaibheri uye zvinyorwa zveSosaiti, ngwarira marukirwe emitsetse yamashoko nechimiro chamashoko anoshandiswa mumamirire ezvinhu akasiyana-siyana. Ronga kutaura kwako umene mutsinhirano neiyi mienzaniso yakanaka.

14 Vaduku vanofanira kushandisa mukana wokudzidza girama yakanaka nematauriro apo vanenge vachipinda chikoro. Chero bedzi usina chokwadi nechikonzero chomutemo wegirama uyu kana kuti uyo, tsvaka mamwe mashoko kune mudzidzisi wako. Une chikonzero chakanaka chokuomerera, nokuti unoda kuva mushumiri anobudirira wamashoko akanaka.

15 Vavarira kushandisa mutauro wakanaka zuva riri rose. Munhu anofarira miitiro isina kunaka yokutaura mukurukurirano dzake dzezuva riri rose haagoni kukarira kukwanisa kutaura zvakanaka panhambo dzinokosha. Kunoda rovedzo. Asi kana uchishandisa kutaura kwakanaka mumamirire ezvinhu enguva dzose oupenyu, ipapo kuchaitika nyore nyore uye nenzira yomuzvarirwo kwauri apo unenge uri pachikuva kana kuti apo unenge uchipupura kuvamwe pamusoro pechokwadi chaMwari.

16 Kurovedza kutaura kwakanaka zuva riri rose kunobetsera kuzadza ndangariro dzedu nemwoyo namashoko anofadza atinogona kutaura nawo kuonga kwedu madonzo akaisvonaka aJehovha anoitwa noumambo hwake. Ipapo tichawana chokwadi chamashoko aJesu ari pana Ruka 6:45 anoti: “Munhu wakanaka unobudisa zvakanaka pafuma yakanaka yomwoyo wake.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe