Fundo 18
Kuvandudza Mhinduro Dzako
1, 2. Nei tose tichifanira kuzvishandisa kuti tipe mhinduro dzakanaka?
1 VaKristu vose vanofanira kusakurira mano okupa mhinduro dzakanaka. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” (VaK. 4:6) Uye ndokwomuzvarirwo kuti tivavarire kuvandudza mhinduro dzedu. Patinopindura zvakanaka, zvinotifadza zvechokwadi: “Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!”—Zvir. 15:23.
2 Iwe umene unonzwa kudikanwa kwokuvandudza mhinduro dzako here? Unogutswa zvizere nokutora rutivi kwako mumisangano yeungano here? Kana kuti pane kuvandudza kwakati here, kunoti kukaitwa, kwaizokuunzira chaizvoizvo mufaro mukuru? Muushumiri hwako hwomumunda, pane nguva here apo unoda kuti kudai wanga wabata mamwe mamiriro ezvinhu zvakasiyana? Izvozvi zvinoitika kwatiri tose, naizvozvo zvinobetsera kuti tirangarire pamwe chete mavandudzire atingaita mhinduro dzedu.
3, 4. Mhatsa yetsinhiro ingapiwa sei pamubvunzo mumwe mukati momusangano?
3 Misangano yeungano. Muungano zhinjisa dzezvapupu zvaJehovha kunocherechedzwa kuti vamwe vanhu vanogara vakagadzirira mhinduro dzemibvunzo inobvunzwa pafundo yeNharireyomurindi, pafundo yebhuku yeungano kana kuti muhwirudzuro yokutaura paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Iyi haisi tsaona. Vangave vachishandisa makore okufunda nokusonganirana navanhu vaJehovha; asi, mune zvinoitika zvizhinjisa, gadziriro yapanguva ino chinhu chikuruwo. Kunyange vanhu vachangobva kusonganira vanogona kupa mhinduro dzakanaka kupfurikidza nokuva nechokwadi chokufanofunda mashoko acho.—Zvir. 15:28.
4 Kana uri wokutanga kutsinhira pamubvunzo, kunowanzova kwakanaka kuupindura zvakanaka, uchipa mhinduro yakananga. Asi kana mumwe munhu atopindura mubvunzo wacho, usafunga kuti kurukurirano yacho inofanira kugumira ipapo. Nokuda kwetsinhiro dzokuwedzera pamubvunzo mumwe chetewo, unogona kuita chipi nechipi chezvinhu izvi: Kudza mhinduro yacho, ratidza kuti magwaro ari mundima ane chokuita sei nemhinduro yacho, kana kuti ratidza kuti nhau iri kukurukurwa inotapura sei upenyu hwedu timene. Kana mashoko acho achitaura nezvamamiriro ezvinhu enyika kana kuti miitiro yorudzidziso rwenhema, ungatsinhira pamusoro pechakaitika kana kuti mamiriro ezvinhu omunzvimbomo anosimbisa uchokwadi hwezvinotaura ndima yacho. Izvozvi zvinopfumisa kurukurirano yacho.
5. Nei zvakanaka kupindura nokupfupikisa uye namashoko omunhu amene?
5 Mhinduro dzinowanzova dzinokosha zvikuru uye dzinorovererwa zvikuru kwazvo paavo vari kuteerera apo dzinenge dziri pfupi uye dzakananga. Mhinduro dzakadaro dzine mufungo muzviitiko zvizhinjisa. Apo mumwe munhu anobata-bata pfungwa dzendima yose, hapana chinotanhamara uye vateereri havawanzozoona mhinduro yakananga yomubvunzo. Uyewo, mhinduro dziri mumashoko omutsinhiri amene dzinowanzobetsera zvikurusa. Kutsinhira nomutoo uyu kunoyamura munhu ari kupindura kuita mashoko acho ake amene, uye mashoko anoshandiswa kazhinji kazhinji anobetsera vamwe kubata pfungwa dzingave dzavanzvenga. Hurukuro dzako muchikoro choushumiri dzinokubetsera kukudziridza mano aya.
6. Tinogona sei kuvandudza pamusoro pokuva vakagadzirira mhinduro dzedu apo mubvunzo unobvunzwa?
6 Unogona kuvandudzawo here mukuva akagadzirira mhinduro? Ikoku kunobatanidza kugadzirira pachine nguva mberi. Asi usaita gadziriro iyoyo apo ndima inenge ichiraviwa kana kuti apo vamwe vanenge vachitsinhira, nemhaka yokuti ucharasikirwa nokubetsera kukuru kwomusangano wacho. Kuite muitiro kufanomaka mhinduro dzako. Kana watara mashoko mashomanene bedzi anokosha panzvimbo pezvikamu zvirefu zvamashoko kana kuti mitsetse, ipapo kungokanda ziso pamashoko iwayo anokosha kuchadzosa mufungo wacho kundangariro yako uye uchave wakagadzirira kupindura. Kana mubvunzo pandima wakakamurwa kuva mativi a“a” na“b”, chiratidzo mumucheto chokuti ndorwupi rutivi rwamashoko rwuri nokuda kwa“a” uye kuti ndorwupi rwuri rutivi rwamashoko rwuri nokuda kwa“b” chichakubetsera kudzivisa kuenda mberi kwomuitisi nemhinduro dzako. Kunyange kana mashoko acho asina mibvunzo yakagadzirirwa, apo kunenge kuchizova nokutora rutivi kwavateereri zvinobetsera kumaka aunofunga kuva mapfundo anokosha. Izvi zvichaita kuti zvibvire kutsinhira nomuzvarirwo, uye naizvozvo zvichaparira kurukurirano ine upenyu. Pashure pokupindura kamwe mumusangano, usarega, uchigumisa kuti unogona kusiyira vamwe kupindura kwose kwasara. Iva anodisa kutsinhira wakasununguka.
7. Nei tose tichifanira kunzwa tine mutoro wokutsinhira mumisangano?
7 Vamwe vangava vachitya kupa mhinduro, vachifunga kuti vamwe vanogona kutsinhira zviri nani. Asi Bhaibheri rinotikurudzira kunzwisisa mutoro wedu womunhu oga wokugoverana. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; . . . ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane.” (VaH. 10:23-25) Kupfurikidza nokupindura tinomutsira mwoyo yavamwe kurudo namabasa akaisvonaka, tichifadza mwoyo yavo nokuvakurudzira. Ipapowo isu tinobetserwa nokuti tinowana mufaro wokupa uye naizvozvo tinowana kurudziro yomunhu oga.
8-12. Ipa zvikarakadzo pamusoro pamabatirwe angaitwa zvirambidzo muushumiri hwomumunda.
8 Kupindura zvirambidzo muushumiri hwomumunda. Uchawana kuti uchava nechinetso chiduku mukupindura mibvunzo muushumiri hwapaimba neimba kana uchigarofunda somunhu oga uye uchigaropinda misangano. Asi kana usingazivi mhinduro yomubvunzo unobvunzwa, usazengurira kuudza saimba izvozvo. Ipapo zvipire kutsvaka mashoko acho wozodzoka. Kana munhu wacho ari wapachokwadi, achafara kuita kuti udaro.
9 Kunze kwemibvunzo yakadaro, padzimwe nguva ungasangana nezvirambidzo. Uchazvibata sei? Usati wapindura zvirambidzo kunobetsera kuziva chimwe chinhu pamusoro pokufunga kwomunhu wacho. Ungabvunza chinoparira kuramba kwake. Somuenzaniso, munhu angaramba achiti akanzwa kuti haudaviri Kristu, asi chaizvoizvo anongovhiringidzwa zvake nemhaka yedzidziso yoUtatu. Zvirambidzo zvizhinji mugumisiro wokusanzwisisa kwakadaro. Zvinokosha kusvika pakunzwisisana pamusoro perevo yamashoko anokosha musati matanga kurukurirano. Kutaura idi, ikoku kungapindura chirambidzo chacho ndokuita kuti kupfuurira kukurukura pfundo racho kusave kuri madikanwa.
10 Zvakanakawo apo zvirambidzo zvinomutswa, kubata nhau yacho seinokufadzai mose, pazvinobvira, panzvimbo pokuiita sechimwe chinhu chinokuitai vakakavadzani. Naizvozvo panzvimbo pokurangarira chirambidzo sechisingafadzi kana kuti chinonyangadza, rangarira chirambidzo chacho sepfundo rinonetsa saimba chaizvoizvo. Uchirangarira izvozvi, ungamuudza kuti unofara kuti amutsa nhau yacho. Irangarire sekiyi yokupfuuridzira kurukurirano yacho, sechimwe chinhu chingazarura ndangariro yomunhu kuti agogamuchira zvokwadi dzeBhaibheri. Kuregererei kurovedza izvi muchikoro choushumiri, uchibatanidza muhurukuro dzako mamiriro ezvinhu anoda kuti ugonane nezvirambidzo?
11 Padzimwe nguva apo unenge uchitaura nemunhu anofarira mumwe munhuwo zvake anomutsa zvirambidzo kuitira kuti adzongonyedze kurukurirano yenyu. Mumamiriro ezvinhu akadaro, ungadzorera munhu ari kuramba musengwa wokupa ufakazi. Jesu Kristu akashandisa mibvunzo kupindura mibvunzo kuti anyaradze vashori vaiedza kudzonyongedza kuparidza kwake. (Mat. 22:41-46) Naizvozvo zvakanaka kurangarira kuti musengwa wokupa ufakazi nomutoo wakafanira uri pamunhu anotaura imwe nhau. Somuenzaniso, kana saimba akakuudza kuti: “Vanhu imi hamudaviri Utatu,” nechimiro chenzwi chinoratidzira kuti chitendero chakadaro chinodikanwa kune vaKristu, ungati: “Ndinodavira chinhu chiri chose chinodzidziswa neBhaibheri. Mungandiratidzawo here muBhaibheri chikonzero nei ini ndichifanira kudavira dzidziso iyoyo?” Ipapo musengwa wokupa ufakazi wava pane mumwe wacho kuti atsigire chaanoti ndicho chokwadi.
12 Mhinduro ine chiremera zvikurusa kumunhu upi noupi anoti anobvuma Magwaro ndeinotorwa zvakananga muShoko raMwari amene. Rinotendesa zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chatingataura somunhu oga. Chokwadika, pakupa mhinduro, nguva dzose ramba wakaterama uye ratidzira unyoro, pasinei zvapo nomurangariro waari kukubvunza. Izvi zvakafanira mushumiri waMwari.
13, 14. Pafundo dzeBhaibheri dzapamusha, mibvunzo inobva kumudzidzi ingabatwa sei?
13 Pafundo dzeBhaibheri. Pafundo dzeBhaibheri panowanzova namamiriro ezvinhu oushamwari, akasununguka, anoparira kurangarira nhau. Naizvozvo, pashure pokunge wapindura mubvunzo womudzidzi, muitiro wakanaka kubvunza kana agutswa. Kungava kuti mamwe mapfundo achiri asina kujeka mundangariro yake. Kana usina chokwadi nemhinduro yakati, zvipire kunomutsvakira. Kana imwe betsero ichidikanwa, unogona kubvunza muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru. Yeuka, apo unobetsera mumwe munhu kuti anzwisise zvakadzama shoko reBhaibheri ungave uri kupinza munhu iyeye munzira inoenda kuupenyu, kungofanana naFiripo muevhangeri akayamura mukuru mukuru weEtiopia kupfurikidza nokupindura mibvunzo yake.—Mabasa 8:26-39.
14 Pashure penguva yakati zvingava zviri nani kusapindura mibvunzo yose inomutswa pafundo yeBhaibheri, asi kuchengeta mimwe ichafukidzwa mumamwe mashoko enyu efundo. Uyewo, uchirangarira kufambira mberi kwomudzidzi amene, zvakanaka kumuratidza mawanirwe emhinduro kupfurikidza nokuita nzvero amene. Ungamunongedzera kubetsero dzefundo yeBhaibheri dzakadai semaindekisi ezvinyorwa zveSosaiti kana kuti kuganhuro rakakodzera riri muna Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ipapo mubvunze gare gare kuti akawana mashoko api, uye manzwisisire aakaaita. Rangarira kukura kwake mumudzimu, kwete kungopindura mibvunzo yake.
15-18. Murangariroi watinofanira kuva nawo apo tinokumbirwa kuti tizopindura mibvunzo yavakuru vakuru?
15 Apo unodanwa pamberi pevakuru vakuru. Apo aikurukura nhau yechitambudzo, muapostora Petro akati: “Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa. Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Pet. 3:14, 15) Pane nhambo apo tingakumbirwa kuti tidzivirire pamberi pamatare edzimhosva kana kuti vamiriri vomutemo avo vane chiremera chokutibvunza zvatinodavira uye chikonzero nei tichidavira nenzira iyeyo. “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo yenyu,” anopa zano kudaro muapostora. Iva nechokwadi chokuti kutsi kwemwoyo wako unopa Ishe Jesu Kristu rukudzo rukurusa, nzvimbo inoyera, isingafaniri kushatswa. Ipapo hapasati pachizova nechikonzero chefunganyo. Kana tikafadza Munhu akazodzwa naMwari saMambo pamusoro papasi rose, hapana chikonzero chokunetseka pamusoro pokuti vanhu vari munzvimbo dzapamusoro vangaita sei.
16 Kunyange zvakadaro, mutsinhirano nezano rinooneswa pana VaRoma 13:1-7, remekedza avo vane chiremera. Kunyange apo ari kukubvunza anoratidzika kuva anokupomera vavariro dzisina kururama kana kuti anotaura kuti anorwisana nezvapupu zvaJehovha, usatsiva nemhinduro yehasha. (VaR. 12:17, 21; 1 Pet. 2:21-23) Rangarira kuti uripo kuti upupurire. Zvingaita here kuti mumwe wevakuru vakuru ava aite chimwe chinhu? Zvingaguma zvisinei nemurangariro wakanaka zvikuru kubasa rokuparidza here? Ita kuti mufambiro wako nokutaura kwako zvive mufananidzo wakanaka wenzira yechokwadi.—Mat. 10:18-20.
17 Pangavawo nenguva apo kunenge kuri kuchenjera kutaura zvishomanene zvikuru. Ungada hako kuisa musengwa wokupa ufakazi pavashori, sezvakaita muapostora Pauro paakanga achitongwa. (Mabasa 24:10-13) Kana kuti ungatosarudza kunyarara hako. Iyoyi ingava nzira yakanakisisa kana vanhu vakaipa vachitsvaka kuti ukanganise kutaura kana kuti kutamba newe nepo vasina chishuvo chapachokwadi chokuti mibvunzo yavo ipindurwe. (Ruka 23:8, 9) Kana kuti, ungakurangarira kuva kuchenjera kunyarara nemhaka yokuti vari kutsvaka, kupfurikidza newe, kukuvadza Zvapupu biyako. Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Ndichachengeta muromo wangu netomu, kana wakaipa ari pamberi pangu.” (Pis. 39:1, 2) Zvikurukuru munyika mune chishoro chinotyisa kuchiKristu chechokwadi mune kudikanwa kwokukwanisa kusiyanisa “nguva yokunyarara” ne“nguva yokutaura.”—Mup. 3:7.
18 Richitsinhira pamusoro pamano okupindura mibvunzo avabatiri vaJehovha, rimwe pepanhau reBritain rakati: “Chinhu chiri chose chinoitwa neChapupu chinotsigirwa nechikonzero chaMagwaro. Zvirokwazvo, dzidziso yazvo huru kubvumwa kweBhaibheri serechokwadi zvakakwana, sezvariri uye chose chose. Uye imomu munoratidzika kuva mune simba ravo rechipiri; vanogona kubudisa mhinduro yemibvunzo yose.” Shoko raMwari uye kuvimba kwedu naro kunoita kuti kubvirire mano edu kupindura mibvunzo yavanhu inotambudza. Mbiri yose norukudzo zvinoenda kuna Iye. Asi kupfurikidza nokutsvaka kuvandudza mhinduro dzedu tinounza mbiri huru kuna Jehovha, tinowedzera mufaro wedu pachedu uye tinotungamirira vamwe kupinda munzira yorugare naMwari.