Uchapindura Sei?
1. Patinobvunzwa mubvunzo, nei tichifanira kufunga nezvomuenzaniso waJesu?
1 Kusvikira iye zvino, vanhu vachiri kungoshamisika nemapinduriro aiita Jesu mibvunzo. Patinobvunzwa mibvunzo yakasiyana-siyana tiri muushumiri, tingaita zvakanaka kutevedzera Jesu.—1 Pet. 2:21.
2. Chii chingatibatsira kuti tibudirire kupindura mubvunzo?
2 Tanga Wateerera: Jesu aifunga nei munhu wacho akanga abvunza. Pane dzimwe nguva izvi zvingada kuti tibvunze mibvunzo kuti tione zviri kunyatsofungwa nemunhu wacho. Munhu anobvunza kuti, “Munotenda muna Jesu here?” angava achinetseka kuti nei usingachengeti Krisimasi. Kana ukaziva zviri kunetsa ari kubvunza, ungabudirira chaizvo kukurukura naye.—Ruka 10:25-37.
3. Chii chatinacho chingatibatsira kuwana mhinduro dzinobva muMagwaro dzinogutsa?
3 Pindura Uchishandisa Shoko raMwari: Kazhinji zvakanaka kushandisa Bhaibheri kupindura mubvunzo wacho. (2 Tim. 3:16, 17; VaH. 4:12) Bhuku raKurangarira ne“Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana” iri muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene zvakabatsira pakupa mhinduro chaiyo inodiwa. Kunyange zvazvo ari kubvunza asingabvumi zvinotaura Bhaibheri, ungakwanisa kumuudza uchingwarira zvinodzidziswa neMagwaro. Kurudzira munhu wacho kunyatsofunga nezveuchenjeri hwakaratidzwa kuti hwakarurama huri muBhaibheri. Kana ukatevedzera Jesu, mhinduro dzako dzichava se“maapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha”—mhinduro dzacho dzicharatidza kuremekedza, dzichange dzakanaka, uye dzichikosha.—Zvir. 25:11.
4. Ndepapi pazvakanyanya kunaka kusaedza kupindura mibvunzo yese yese?
4 Tinofanira Kupindura Mibvunzo Yese Yese Here? Kana usingazivi mhinduro yomubvunzo, usanyara kutaura kuti: “Handizivi, asi ndinogona kunotsvaka mhinduro yomubvunzo wenyu ndozodzoka nezvandinenge ndawana.” Kuzvininipisa kwakadaro nokufarira munhu wacho kungaita kuti saimba ati uzodzoka. Kana ukaona kuti mubvunzo wacho ndewevanhu vanoshora vangave vachiedza kutanga kuitisana nharo newe, tevedzera Jesu nokusataura zvakawanda. (Ruka 20:1-8) Saizvozvowo, kana munhu asingafariri chokwadi akaedza kukakavadzana newe, gumisa kukurukurirana kwacho uchimuremekedza woshandisa nguva yako kutsvaka vanonyatsofarira.—Mat. 7:6.
5. Jesu akaratidza muenzaniso upi pakupindura mibvunzo?
5 Jesu aiziva kuti kuvimba naJehovha kwaikosha pakuita basa rake ‘rokupupurira chokwadi,’ iro raisanganisira kupindura mibvunzo yevanhu vaida kunyatsoziva. (Joh. 18:37) Tine ropafadzo chaiyo yokutevedzera Jesu pakupindura vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi”!—Mab. 13:48.