Fundo 20
Zano Rinovaka
1, 2. Nei tichitsvaka zano, uye tinorigamuchira munzirai?
1 Vanamati vaMwari wechokwadi vakangogara vachitarisira nhungamiro kwaari munzira dzavo dzose vasingazenguriri. Nechivimbo mumwe wavezvemapisarema eBhaibheri akanyora kuti: “Muchandiperekedza nezano renyu.” (Pis. 73:24) Uye Jeremia mumunyengetero wapachokwadi akashandisa mashoko aya: “Hakuna chinhu chingakukonai imi; . . . [Mwari wechokwadi, NW], iye mukuru, Mwari une simba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake; wakakura panjere, une simba pakubata.”—Jeremia 32:17-19.
2 Nhasi zano raJehovha rinouya kuvanamati vake vechiKristu kupfurikidza neShoko rake rakanyorwa uye kupfurikidza nesangano ravabatiri vake vechokwadi. Naizvozvo avo vanonyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vanokurumidza kuziva kuti zano ravanogamuchira uye chimiro chendangariro charinopiwa nacho zvinodzorwa nenheyo dzakaisvonaka dzeBhaibheri.
3-5. Tsanangura magadzirirwe akaitwa kasiripi keZano Rokutaura uye mashoko ari muFundo 21 kusvikira ku37 kuti zvishandiswe pamwe chete.
3 Zano rinofambira mberi. Seyamuro kuna vose vari vaviri vadzidzi nomutariri wechikoro, kasiripi keZano Rokutaura kanogoverwa. Kakarongwa mapfundo makumi matatu namatanhatu ayo achabetsera vadzidzi kukudziridza mano avo okupa chokwadi nenzira inobudirira. Mashoko anobetsera papfundo rimwe nerimwe achawanwa ari muchimiro chepfupiso muFundo 21 kusvikira ku37 dzebhuku rino, fundo yakati ichiratidzirwa nenhamba iri pakasiripi keZano Rokutaura. Fundo idzodzi dzinogoverwa zvakananga nokuda kwokushandiswa pamwe nakasiripi kezano. Muzviitiko zvizhinjisa mavara maviri kana kuti matatu anowirirana zvikuru anobatanidzwa kuva Fundo imwe, nepfungwa yokuti kwaizova kwakanaka kuashandira panguva imwe cheteyo.
4 Kwaizova kunobetsera kuti avo vachangobva kunyoresa muchikoro vagadzirire zvakanaka, vachirangarira mapfundo akarongwa pakasiripi keZano Rokutaura. Nokuda kwehurukuro yavo yokutanga muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, mutariri wechikoro (kana kuti mumwe anopa zano kana vakanyoresa vakawanda) acharumbidza bedzi mapfundo ayo anoita zvakanaka. Pashure pezvo, anopa zano wacho achapa ngwariro nenzira inofambira mberi papfundo rezano rinoda ngwariro zvikurusa kuvandudza mharidzo yomudzidzi, uye achagovera mudzidzi wacho zvakananga kuti ashandire papfundo iroro muhurukuro yake inotevera. Anopa zano achazivisa mudzidzi mumwe nomumwe apo anenge agadzirira kupfuurira kune mamwe mapfundo ari pakasiripi kezano.
5 Vamwe vakurukuri vari kudzidza vangafambira mberi nokukurumidza zvikuru, nepo vamwe vangada kushandira papfundo rimwe chete panguva panzvimbo pokuedza kubata mapfundo anofukidzwa muFundo imwe ipi neipi yakazara. Kutaura idi, vamwe vadzidzi vanganyatsopiwa zano rokupa hurukuro dzinoverengeka vachishandira papfundo rimwe rakaoma, kuitira kuti vagonyatsobata vara rokutaura rinenge richibatanidzwa vasati vapfuurira kune rimwe.
6, 7. Zano richapiwa nomutariri wechikoro pamapfundoi?
6 Zano rinopiwa pashure pehurukuro yomudzidzi imwe neimwe rinofanira kuva romutsa, rakagadzirirwa kubetsera mudzidzi kuti arambe achivandudza mano ake okutaura. Zano ripi neripi rinopiwa kumukurukuri anopa hurukuro yokurayira kana kuti mapfundo makuru eBhaibheri, zvisinei, rinopiwa vari voga pashure pechikoro. Mukurukuri uyu achapiwa zano zvikurukuru kana akapfuura nguva yakagoverwa. Mukurukuri wehurukuro yokurayira anofanira kuvavarira kupa hurukuro yomuenzaniso muzvinhu zvose, uye zano rinopiwa vari voga ringasadikanwa.
7 Zano rinofanira kupiwa kazhinji kazhinji pamapfundo ayo mudzidzi akamboudzwa kuti ashandire. Chokwadika, kana rumwe rutivi rwakati rwehurukuro yacho rwakanaka zvikuru, anopa zano wacho angazvibatanidza zvirokwazvo murumbidzo yake, asi haazomaki kasiripi kezano papfundo iroro. Zviratidzo zvinofanira kushandiswa zvakaita sezvinotevera: “S” (Shandira pane iri) apo kumwe kushandira pavara rakati rokutaura kungava kunobetsera; “W” (Wavandudzika) apo mudzidzi anenge akatoshandira papfundo kanenge kamwe kare ndokupa ufakazi hwekuvandudzika asi angagona kuzorishandira zvinobetsera pane imwe nguva; “Z” (Zvakanaka) apo vara riri kurangarirwa rakaratidzirwa zvakanaka zvakakwana zvokuda kupfuurira kufundo yamamwe mavara okutaura pakugadzirira mugove unotevera muchikoro. Apo mudzidzi anenge ane mugove wokurava, anopa zano achapa mapfundo ezano anokodzerana akanakisisa norudzi urwu rwemugove.
8-10. Mukumaka kasiripi kezano, mutariri wechikoro anofanira kurangarirei kuitira kuti akukurudzire kufambira mberi?
8 Nzwisiso yakati inofanira kushandiswa nomutariri wechikoro kuti aite zvakanakisisa nezano rinopiwa. Kana mukurukuri wacho ari mutsva zvikuru, chinodikanwa zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho ikurudziro. Vamwe vadzidzi, vave nenguva refu vari muchikoro, vangava vanoshingaira mukugadzirira hurukuro dzavo, vachipa ngwariro kumavara okutaura avanogoverwa kushandira, asi vangave nemano akaganhurirwa. Muzviitiko zvakadaro, kana vara rakati rokutaura richiratidzirwa kunyange zvishoma, mutariri wechikoro angarimaka “Z” pakasiripi kezano ndokubvumira mudzidzi kupfuurira kune rimwe vara rinoda ngwariro.
9 Pane rumwe rutivi, mumwe mukurukuri angava ane ruzivo rwokuzviwanira rukuru zvikuru kana kuti mano omuzvarirwo makuru, asi, zvichida nemhaka yokumanikidzwa nerimwe basa, angave asina kuwana nguva yokufunda mavara okutaura akagoverwa uye somugumisiro angave asina kuita zvakanaka sezvaaigona kudai aita. Muchiitiko chakadai seichi zvichapinganidza kufambira mberi kwemudzidzi chaizvoizvo kana mutariri wechikoro akamaka “Z” pakasiripi kezano ndokumuudza kuti apfuurire achienda kune chimwewo chinhu. Kana hurukuro yacho yanga iri yorudzi rwokuti vara rakagoverwa ringagona kudai raratidzirwa, anopa zano acharimaka “S” (Shandira pane iri) nomutoo womutsa ndokupa betsero yakati yomunhu oga kumudzidzi kumubetsera kufambira mberi. Neiyi nzira vadzidzi vachakurudzirwa kusaita hurukuro imwe neimwe kungoti zvivabve, asi chiratidzo mukufambira mberi kwavo savakurukuri.
10 Rangarira kuti kurovedza kutaura uku kunofambira mberi. Usakarira kuva mukurukuri ane unyanzvi nezuva rimwe. Muitiro wapashoma nepashoma, asi unogona kukurumidziswa nenhamburiko yokushingaira. Kana uchizofungisisa zvikarakadzo zvinopiwa mupurogiramu iyi yokurovedza kutaura ndokubatikana mukugadzirira migove yako, kufambira mberi kwazvo kuchakurumidza kuonekwa navacherechedzi vose.—1 Tim. 4:15.
11-16. Inhungamiroi idzo anopa zano anoedza kutevera kuitira kuti ave anovaka nezano rake?
11 Anopa zano. Mutariri wechikoro anofanira kufunda nokungwarira mashoko anofundwa evhiki imwe neimwe kuitira kuti agokwanisa kuziva kana mashoko akagoverwa afukidzwa zvakanaka uye kuti agokwanisa kururamisa kusarurama kupi nokupi. Haafaniri kutongosvika, zvisinei, padanho rokuti haagoni kufarikanya hurukuro nemhaka yokunyanyotsoropodza nzira iyo mashoko anopiwa nayo. Iyewo anofanira kubetserwa nezvokwadi dzakaisvonaka dzinotaurwa.
12 Mukupa zano iye anowanzotanga neshoko rokurumbidza nhamburiko yomudzidzi. Ipapo anopfuurira kutsinhira pamusoro pamapfundo ari pakasiripi kezano ari kushandirwa nomukurukuri. Kana rimwe pfundo richida kupfuurira kurangarirwa, kusimbisa hakufaniri kuiswa zvikuru kwazvo pautera hwomukurukuri, asi panzira iyo kuvandudza kungaitwa nayo. Nokudaro zano racho richavaka mukurukuri navamwe varipo.
13 Hazvina kukwana kungoudza mukurukuri kuti aita zvakanaka kana kuti anofanira kushandirazve pavara rakati rokutaura. Zvichabetsera munhu ari wose anenge aripo kana anopa zano achizotsanangura chikonzero nei ranga rakanaka kana kuti chikonzero nei raida kuvandudzwa uye nzira yokuvandudza nayo. Mukuwedzera, zvichava zvinobetsera kana akasimbisa zvikonzero nei vara rokutaura riri kukurukurwa richidikanwa kwazvo muushumiri hwomumunda kana kuti mumisangano yeungano. Izvi zvichanyandura ungano yose kuti inzwisise pfundo racho uye zvichakurudzira mudzidzi kupfuurira kuringwarira.
14 Harisi basa reanopa zano kuhwirudzura hurukuro yomudzidzi. Zano rake rinofanira kuva pfupi uye rakananga, achiriganhurira nokungwarira kumaminiti maviri nokuda kwehurukuro imwe neimwe yomudzidzi. Neiyi nzira zano uye zvikarakadzo hazvizodzikatidzwi nemashoko akawandisa. Uyewo, zvakakodzera kunongedzera mudzidzi kumapeji ari mubhuku rino paanogona kuwana mashoko okuwedzera pamusoro penhau yakurukurwa.
15 Zvikanganiso zviduku mukududza mashoko kana kuti girama hazvisi zvinhu zvikuru zvinofanira kutariswa. Panzvimbo pezvo anopa zano anofanira kuitira hanya tapuro yose zvayo yemharidzo yomukurukuri. Mashoko acho akafanira uye anorayiridza here? Akanyatsorongwa uye ari nyore kubata here? Mapire acho ndeapachokwadi, okutendeka, anopwisa here? Chitarisiko chake chechiso uye majangariko ake zvinoratidza kuti iye anodavira zvaari kutaura uye kuti anoitira hanya zvikuru kuita kuti zvokwadi dzakaisvonaka dzinzwisiswe navanzwi vake kupfuura zvaari kuita pamusoro pokuorora kwaari kuita here? Kana izvi zvinhu zvinokosha zvikanyatsotarisirwa, zvikanganiso zvishomanene zvokududza mashoko nezvikanganiso zvegirama hazvimbozocherechedzwi navateereri.
16 Zano rinopiwa muchikoro choushumiri nguva dzose rinofanira kupiwa nomutoo womutsa, unobetsera. Panofanira kuva nechishuvo chikuru chokuyamura mudzidzi. Rangarira unhu hwomunhu achapiwa zano. Haatani kushatirwa here? Ane dzidzo yakaganhurirwa here? Pane zvikonzero zvokuregerera utera hwake here? Zano rinofanira kuita kuti munhu anopiwa zano anzwe abetserwa, kwete atsoropodzwa. Iva nechokwadi chokuti anonzwisisa zano racho uye kuva nomufungo kwaro.
17-19. Kuti afambire mberi zvikuru pahurukuro imwe neimwe, mudzidzi anofanira kuitei asati agadzirira hurukuro imwe neimwe uye pashure pokuikurukura?
17 Kubetserwa nezano. Apo unogoverwa hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rangarira kuti chikonzero chako chokupa hurukuro hachisi chokufukidzira ungano mashoko anorayiridza bedzi, asiwo kuvandudza mano ako okutaura. Kuti ubudirire murutivi urwu, zvinokosha kuti upedze nguva yakati uchinzvera mavara okutaura awakakumbirwa kushandira. Rava nokungwarira Fundo iri mubhuku rino inobata nepfundo riri kushandirwa, kuitira kuti uzive nzira iyo rinofanira kutapura nayo gadziriro yako uye nzira yokuratidzira nayo vara rokutaura mukukurukura kwako. Kukuyamura, mativi makuru evara rokutaura rimwe nerimwe akanyorwa nemavara matema mubhuku rino. Izvi ndizvo zvinhu zvikuru zvokurangarira.
18 Pashure pokunge wakurukura hurukuro yako, teereresa zano rinotaurwa rinopiwa. Rigamuchire nokuonga. Ipapo shandira pamapfundo anoda ngwariro. Kana uchida kukurumidzisa kufambira mberi kwako, usamirira kutozosvikira wava neimwe hurukuro. Funda mashoko ari mubhuku rino anokurukura mapfundo aunofanira kushandira. Edza kushandisa zvikarakadzo zvacho mukurukurirano yako yezuva nezuva. Uye panozosvika nguva yaunopa hurukuro yako yomudzidzi inotevera ungave waabata zvakanaka.
19 Mudzidzi ari wose anofanira kuvavarira kuvandudza hurukuro imwe neimwe inotevera yaanopa papurogiramu yechikoro. Chokwadi, izvi zvichareva nhamburiko inopfuurira, asi zvirokwazvo zvichaunza chikomborero chaJehovha. Nokuda kwaavo vangawana betsero hurusa mukurovedza kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, pane revo yakati iri mumashoko aZvirevo 19:20: “Teerera kana uchirayirirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.”
[Chati iri papeji 104, 105]
ZANO ROKUTAURA
Mukurukuri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
(Zita Rakakwana)
Zviratidziro: S - Shandira pane iri
W - Wavandudzika
Z - Zvakanaka
Musi Nha. yeHurukuro
Mashoko anorayiridza (21)*
Akajeka, anonzwisisika (21)
Sumo inomutsa fariro (22)
Sumo yakakodzera musoro (22)
Sumo yourefu hwakafanira (22)
Chimiro chenzwi (23)
Kutindika (23)
Vateereri vakurudzirwa kushandisa Bhaibh. (24)
Magwaro asumwa zvakafanira (24)
Magwaro araviwa nokusimbisa (25)
Kushanda kwaMagwaro kwajekeswa (25)
Kudzokorora kusimbisa (26)
Majangariko (26)
Musoro wehurukuro wasimbiswa (27)
Mapfundo makuru atanhamariswa (27)
Kutarisa vateereri, kushandiswa kwezvin. (28)
Kushandiswa kwendaza (28)
Mashoko: ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
* Nhamba imwe neimwe iri muzvikomberedzo [()] inonongedzera kuFundo iri muBhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari inobata nevara rokutaura rinoratidzirwa.
S-48-CA J.G.
Musi Nha. yeHurukuro
Kudekudza (29)
Vara rekurukurirano (29)
Kududza mashoko (29)
Bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo (30)
Kukudziridza kune mufungo, kunobvumir. (30)
Chibvumikiso chinopwisa (31)
Vateereri vabetserwa kurangarira (31)
Kusimbisa pfungwa (32)
Kusiyanisa inzwi (32)
Mbavarira (33)
Ushamwari, tsitsi (33)
Mienzaniso inokodzera mashoko (34)
Mienzaniso inokodzera vateereri (34)
Mashoko akodzereswa ushumiri hwomum. (35)
Mhedziso yakakodzera, inobudirira (36)
Mhedziso yourefu hwakafanira (36)
Kuchengeta nguva (36)
Chivimbo uye kudzikama (37)
Chitarisiko chako (37)
ONA: Nokuda kwehurukuro imwe neimwe mupi zano achapa zano rakananga, asati achidikanirwa hake kutevera nhevedzano iri pamusoro apa asi achipa ngwariro pamusoro penzvimbo idzo mudzidzi anodikanirwa kuvandudzika padziri. Nzvimbo dzisina kunyorwa dziri pafomu dzingashandiswa nokuda kwokupa zano mudzidzi pamusoro pamapfundo asina kurongwa, akadai sokururama kwokutaura, kusanodudza mashoko, chimiro chomuviri, kusarudzwa kwamashoko, mataurirwe omutauro, tutsika, wirirano, unyanzvi hwokudzidzisa, nevara renzwi apo kudikanwa kunovapo. Mupi zano anofanira kutenderedza bhokisi repfundo rezano rinodikanwa rinotevera apo mudzidzi anopedza kushandira pfundo rezano rakapfuura. Nhamba yefundo yeiri pfundo inofanira kuratidzirwa pasiripi (S-89) inotevera yoMugove Wechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.
[Chati iri papeji 106, 107]
PFUPISO YEMAVARA OKUTAURA
Mashoko anorayiridza (21)
Mashoko akananga
Anorayiridza kuvateereri vako
Mashoko oukoshi hunoshanda
Kutaura kwakarurama
Mashoko okuwedzera anojekesa
Akajeka, anonzwisisika (21)
Ataurwa nenzira iri nyore
Mashoko asina kurovedzeka atsanangurwa
Mashoko asina kunyanyowanda
Sumo inomutsa fariro (22)
Sumo yakakodzera musoro (22)
Sumo yourefu hwakafanira (22)
Chimiro chenzwi (23)
Rinonzwika zvakakwana kuti rinzwikwe zvakanaka
Inzwi rinofanira kukodzera mamiriro ezvinhu
Inzwi rakakodzerana namashoko
Kutindika (23)
Tindika nokuda kwezviratidzo zvokumira
Tindika nokuda kwekuchinjwa kwomufungo
Tindika nokuda kwokusimbisa
Tindika apo mamiriro ezvinhu anokuda
Vateereri vakurudzirwa kushandisa Bhaibheri (24)
Kupfurikidza nechikarakadzo
Kupfurikidza nokubvumira nguva yokuwana rugwaro
Magwaro asumwa zvakafanira (24)
Kukarira magwaro kwanyandurwa
Ngwariro yanangidzirwa pachikonzero chokushandisa rugwaro
Magwaro araviwa nokusimbisa (25)
Mashoko akarurama asimbiswa
Mutoo unobudirira wokusimbisa washandiswa
Magwaro anoraviwa nasaimba
Kushanda kwaMagwaro kwajekeswa (25)
Mashoko anofanira kushandiswa aparadzaniswa
Pfundo resumo rajekeswa
Kudzokororera kusimbisa (26)
Kudzokororwa kwamapfundo makuru
Kudzokororwa kwamapfundo asina kunzwisiswa
Majangariko (26)
Majangariko anorondedzera
Majangariko okusimbisa
Musoro wenhau wasimbiswa (27)
Musoro wakakodzera
Mashoko omusoro kana kuti mufungo wadzokororwa
Mapfundo makuru atanhamariswa (27)
Mapfundo makuru haana kunyanyowanda
Mifungo mikuru yakudziridzwa yakaparadzana
Mapfundo maduku anosimbisa mifungo mikuru
Kutarisa vateereri, kushandiswa kwezvinonyorwa (28)
Kutarisana navateereri
Kutarisa vateereri kupfurikidza nokutaura zvakananga
Kushandiswa kwendaza (28)
Kudekudza (29)
Vara rekurukurirano (29)
Mashoko ekurukurirano ashandiswa
Mutoo wokukurukurirana wokukurukura
Kududza mashoko (29)
Bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo (30)
Kushandisa mashoko anokochekedza
Bvumirano yakakwanira vateereri vako
Kukudziridza kune mufungo, kunobvumirana (30)
Mashoko ari munhevedzano ine mufungo
Mashoko akakodzera bedzi ashandiswa
Hapana mifungo mikuru yasiyiwa
Chibvumikiso chinopwisa (31)
Hwaro hwavanzarikwa
Chibvumikiso chakanaka chapiwa
Kupfupikisa kunobudirira
Vateereri vabetserwa kurangarira (31)
Chinobvumiranwa chachengetwa
Kukudziridzwa kwakakwana kwamapfundo
Kushandisa kwaitirwa vateereri
Kusimbisa pfungwa (32)
Mashoko anopa mufungo ari mumitsetse yamashoko asimbiswa
Mifungo mikuru iri muhurukuro yasimbiswa
Kusiyanisa inzwi (32)
Kusiyanisa simba
Kusiyanisa kukurumidza
Kusiyanisa kukwira
Kusiyanisa inzwi kuti rikodzere mufungo kana kuti murangariro
Mbavarira (33)
Mbavarira yaratidzwa kupfurikidza nokukurukura kune upenyu
Mbavarira yakakodzerana namashoko
Ushamwari, tsitsi (33)
Ushamwari hunooneka muchitarisiko chechiso
Ushamwari netsitsi zvinooneka muchimiro chenzwi
Ushamwari netsitsi zvakodzera mashoko
Mienzaniso inokodzera mashoko (34)
Yakapfava
Kushanda kwajekeswa
Mapfundo anokosha asimbiswa
Mienzaniso inokodzera vateereri (34)
Yatorwa mumamiriro ezvinhu akarovedzeka
Yakanaka
Mashoko akodzereswa ushumiri hwomumunda (35)
Mashoko aitwa kuti anzwisiswe navanhu vose
Mapfundo akakodzera asarudzwa
Ukoshi hunoshanda hwamashoko hwasimbiswa
Mhedziso yakakodzera, inobudirira (36)
Mhedziso inowirirana zvakananga nomusoro wehurukuro
Mhedziso inoratidza vateereri chokuita
Mhedziso yourefu hwakafanira (36)
Kuchengeta nguva (36)
Chivimbo uye kudzikama (37)
Kudzikama kunooneka muchimiro chomuviri
Kudzikama kunoratidzwa nenzwi rakadzorwa
Chitarisiko chako (37)
Zvipfeko zvakafanira uye kutsvinda
Chimiro chakafanira
Zvokushandisa zvakatsvinda
Hapana chitarisiko chechiso chisina kufanira