RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 20 pp. 100-108
  • Zano Rinovaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zano Rinovaka
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 20 pp. 100-108

Fundo 20

Zano Rinovaka

1, 2. Nei tichitsvaka zano, uye tinorigamuchira munzirai?

1 Vanamati vaMwari wechokwadi vakangogara vachitarisira nhungamiro kwaari munzira dzavo dzose vasingazenguriri. Nechivimbo mumwe wavezvemapisarema eBhaibheri akanyora kuti: “Muchandiperekedza nezano renyu.” (Pis. 73:24) Uye Jeremia mumunyengetero wapachokwadi akashandisa mashoko aya: “Hakuna chinhu chingakukonai imi; . . . [Mwari wechokwadi, NW], iye mukuru, Mwari une simba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake; wakakura panjere, une simba pakubata.”—Jeremia 32:17-19.

2 Nhasi zano raJehovha rinouya kuvanamati vake vechiKristu kupfurikidza neShoko rake rakanyorwa uye kupfurikidza nesangano ravabatiri vake vechokwadi. Naizvozvo avo vanonyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vanokurumidza kuziva kuti zano ravanogamuchira uye chimiro chendangariro charinopiwa nacho zvinodzorwa nenheyo dzakaisvonaka dzeBhaibheri.

3-5. Tsanangura magadzirirwe akaitwa kasiripi keZano Rokutaura uye mashoko ari muFundo 21 kusvikira ku37 kuti zvishandiswe pamwe chete.

3 Zano rinofambira mberi. Seyamuro kuna vose vari vaviri vadzidzi nomutariri wechikoro, kasiripi keZano Rokutaura kanogoverwa. Kakarongwa mapfundo makumi matatu namatanhatu ayo achabetsera vadzidzi kukudziridza mano avo okupa chokwadi nenzira inobudirira. Mashoko anobetsera papfundo rimwe nerimwe achawanwa ari muchimiro chepfupiso muFundo 21 kusvikira ku37 dzebhuku rino, fundo yakati ichiratidzirwa nenhamba iri pakasiripi keZano Rokutaura. Fundo idzodzi dzinogoverwa zvakananga nokuda kwokushandiswa pamwe nakasiripi kezano. Muzviitiko zvizhinjisa mavara maviri kana kuti matatu anowirirana zvikuru anobatanidzwa kuva Fundo imwe, nepfungwa yokuti kwaizova kwakanaka kuashandira panguva imwe cheteyo.

4 Kwaizova kunobetsera kuti avo vachangobva kunyoresa muchikoro vagadzirire zvakanaka, vachirangarira mapfundo akarongwa pakasiripi keZano Rokutaura. Nokuda kwehurukuro yavo yokutanga muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, mutariri wechikoro (kana kuti mumwe anopa zano kana vakanyoresa vakawanda) acharumbidza bedzi mapfundo ayo anoita zvakanaka. Pashure pezvo, anopa zano wacho achapa ngwariro nenzira inofambira mberi papfundo rezano rinoda ngwariro zvikurusa kuvandudza mharidzo yomudzidzi, uye achagovera mudzidzi wacho zvakananga kuti ashandire papfundo iroro muhurukuro yake inotevera. Anopa zano achazivisa mudzidzi mumwe nomumwe apo anenge agadzirira kupfuurira kune mamwe mapfundo ari pakasiripi kezano.

5 Vamwe vakurukuri vari kudzidza vangafambira mberi nokukurumidza zvikuru, nepo vamwe vangada kushandira papfundo rimwe chete panguva panzvimbo pokuedza kubata mapfundo anofukidzwa muFundo imwe ipi neipi yakazara. Kutaura idi, vamwe vadzidzi vanganyatsopiwa zano rokupa hurukuro dzinoverengeka vachishandira papfundo rimwe rakaoma, kuitira kuti vagonyatsobata vara rokutaura rinenge richibatanidzwa vasati vapfuurira kune rimwe.

6, 7. Zano richapiwa nomutariri wechikoro pamapfundoi?

6 Zano rinopiwa pashure pehurukuro yomudzidzi imwe neimwe rinofanira kuva romutsa, rakagadzirirwa kubetsera mudzidzi kuti arambe achivandudza mano ake okutaura. Zano ripi neripi rinopiwa kumukurukuri anopa hurukuro yokurayira kana kuti mapfundo makuru eBhaibheri, zvisinei, rinopiwa vari voga pashure pechikoro. Mukurukuri uyu achapiwa zano zvikurukuru kana akapfuura nguva yakagoverwa. Mukurukuri wehurukuro yokurayira anofanira kuvavarira kupa hurukuro yomuenzaniso muzvinhu zvose, uye zano rinopiwa vari voga ringasadikanwa.

7 Zano rinofanira kupiwa kazhinji kazhinji pamapfundo ayo mudzidzi akamboudzwa kuti ashandire. Chokwadika, kana rumwe rutivi rwakati rwehurukuro yacho rwakanaka zvikuru, anopa zano wacho angazvibatanidza zvirokwazvo murumbidzo yake, asi haazomaki kasiripi kezano papfundo iroro. Zviratidzo zvinofanira kushandiswa zvakaita sezvinotevera: “S” (Shandira pane iri) apo kumwe kushandira pavara rakati rokutaura kungava kunobetsera; “W” (Wavandudzika) apo mudzidzi anenge akatoshandira papfundo kanenge kamwe kare ndokupa ufakazi hwekuvandudzika asi angagona kuzorishandira zvinobetsera pane imwe nguva; “Z” (Zvakanaka) apo vara riri kurangarirwa rakaratidzirwa zvakanaka zvakakwana zvokuda kupfuurira kufundo yamamwe mavara okutaura pakugadzirira mugove unotevera muchikoro. Apo mudzidzi anenge ane mugove wokurava, anopa zano achapa mapfundo ezano anokodzerana akanakisisa norudzi urwu rwemugove.

8-10. Mukumaka kasiripi kezano, mutariri wechikoro anofanira kurangarirei kuitira kuti akukurudzire kufambira mberi?

8 Nzwisiso yakati inofanira kushandiswa nomutariri wechikoro kuti aite zvakanakisisa nezano rinopiwa. Kana mukurukuri wacho ari mutsva zvikuru, chinodikanwa zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho ikurudziro. Vamwe vadzidzi, vave nenguva refu vari muchikoro, vangava vanoshingaira mukugadzirira hurukuro dzavo, vachipa ngwariro kumavara okutaura avanogoverwa kushandira, asi vangave nemano akaganhurirwa. Muzviitiko zvakadaro, kana vara rakati rokutaura richiratidzirwa kunyange zvishoma, mutariri wechikoro angarimaka “Z” pakasiripi kezano ndokubvumira mudzidzi kupfuurira kune rimwe vara rinoda ngwariro.

9 Pane rumwe rutivi, mumwe mukurukuri angava ane ruzivo rwokuzviwanira rukuru zvikuru kana kuti mano omuzvarirwo makuru, asi, zvichida nemhaka yokumanikidzwa nerimwe basa, angave asina kuwana nguva yokufunda mavara okutaura akagoverwa uye somugumisiro angave asina kuita zvakanaka sezvaaigona kudai aita. Muchiitiko chakadai seichi zvichapinganidza kufambira mberi kwemudzidzi chaizvoizvo kana mutariri wechikoro akamaka “Z” pakasiripi kezano ndokumuudza kuti apfuurire achienda kune chimwewo chinhu. Kana hurukuro yacho yanga iri yorudzi rwokuti vara rakagoverwa ringagona kudai raratidzirwa, anopa zano acharimaka “S” (Shandira pane iri) nomutoo womutsa ndokupa betsero yakati yomunhu oga kumudzidzi kumubetsera kufambira mberi. Neiyi nzira vadzidzi vachakurudzirwa kusaita hurukuro imwe neimwe kungoti zvivabve, asi chiratidzo mukufambira mberi kwavo savakurukuri.

10 Rangarira kuti kurovedza kutaura uku kunofambira mberi. Usakarira kuva mukurukuri ane unyanzvi nezuva rimwe. Muitiro wapashoma nepashoma, asi unogona kukurumidziswa nenhamburiko yokushingaira. Kana uchizofungisisa zvikarakadzo zvinopiwa mupurogiramu iyi yokurovedza kutaura ndokubatikana mukugadzirira migove yako, kufambira mberi kwazvo kuchakurumidza kuonekwa navacherechedzi vose.—1 Tim. 4:15.

11-16. Inhungamiroi idzo anopa zano anoedza kutevera kuitira kuti ave anovaka nezano rake?

11 Anopa zano. Mutariri wechikoro anofanira kufunda nokungwarira mashoko anofundwa evhiki imwe neimwe kuitira kuti agokwanisa kuziva kana mashoko akagoverwa afukidzwa zvakanaka uye kuti agokwanisa kururamisa kusarurama kupi nokupi. Haafaniri kutongosvika, zvisinei, padanho rokuti haagoni kufarikanya hurukuro nemhaka yokunyanyotsoropodza nzira iyo mashoko anopiwa nayo. Iyewo anofanira kubetserwa nezvokwadi dzakaisvonaka dzinotaurwa.

12 Mukupa zano iye anowanzotanga neshoko rokurumbidza nhamburiko yomudzidzi. Ipapo anopfuurira kutsinhira pamusoro pamapfundo ari pakasiripi kezano ari kushandirwa nomukurukuri. Kana rimwe pfundo richida kupfuurira kurangarirwa, kusimbisa hakufaniri kuiswa zvikuru kwazvo pautera hwomukurukuri, asi panzira iyo kuvandudza kungaitwa nayo. Nokudaro zano racho richavaka mukurukuri navamwe varipo.

13 Hazvina kukwana kungoudza mukurukuri kuti aita zvakanaka kana kuti anofanira kushandirazve pavara rakati rokutaura. Zvichabetsera munhu ari wose anenge aripo kana anopa zano achizotsanangura chikonzero nei ranga rakanaka kana kuti chikonzero nei raida kuvandudzwa uye nzira yokuvandudza nayo. Mukuwedzera, zvichava zvinobetsera kana akasimbisa zvikonzero nei vara rokutaura riri kukurukurwa richidikanwa kwazvo muushumiri hwomumunda kana kuti mumisangano yeungano. Izvi zvichanyandura ungano yose kuti inzwisise pfundo racho uye zvichakurudzira mudzidzi kupfuurira kuringwarira.

14 Harisi basa reanopa zano kuhwirudzura hurukuro yomudzidzi. Zano rake rinofanira kuva pfupi uye rakananga, achiriganhurira nokungwarira kumaminiti maviri nokuda kwehurukuro imwe neimwe yomudzidzi. Neiyi nzira zano uye zvikarakadzo hazvizodzikatidzwi nemashoko akawandisa. Uyewo, zvakakodzera kunongedzera mudzidzi kumapeji ari mubhuku rino paanogona kuwana mashoko okuwedzera pamusoro penhau yakurukurwa.

15 Zvikanganiso zviduku mukududza mashoko kana kuti girama hazvisi zvinhu zvikuru zvinofanira kutariswa. Panzvimbo pezvo anopa zano anofanira kuitira hanya tapuro yose zvayo yemharidzo yomukurukuri. Mashoko acho akafanira uye anorayiridza here? Akanyatsorongwa uye ari nyore kubata here? Mapire acho ndeapachokwadi, okutendeka, anopwisa here? Chitarisiko chake chechiso uye majangariko ake zvinoratidza kuti iye anodavira zvaari kutaura uye kuti anoitira hanya zvikuru kuita kuti zvokwadi dzakaisvonaka dzinzwisiswe navanzwi vake kupfuura zvaari kuita pamusoro pokuorora kwaari kuita here? Kana izvi zvinhu zvinokosha zvikanyatsotarisirwa, zvikanganiso zvishomanene zvokududza mashoko nezvikanganiso zvegirama hazvimbozocherechedzwi navateereri.

16 Zano rinopiwa muchikoro choushumiri nguva dzose rinofanira kupiwa nomutoo womutsa, unobetsera. Panofanira kuva nechishuvo chikuru chokuyamura mudzidzi. Rangarira unhu hwomunhu achapiwa zano. Haatani kushatirwa here? Ane dzidzo yakaganhurirwa here? Pane zvikonzero zvokuregerera utera hwake here? Zano rinofanira kuita kuti munhu anopiwa zano anzwe abetserwa, kwete atsoropodzwa. Iva nechokwadi chokuti anonzwisisa zano racho uye kuva nomufungo kwaro.

17-19. Kuti afambire mberi zvikuru pahurukuro imwe neimwe, mudzidzi anofanira kuitei asati agadzirira hurukuro imwe neimwe uye pashure pokuikurukura?

17 Kubetserwa nezano. Apo unogoverwa hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rangarira kuti chikonzero chako chokupa hurukuro hachisi chokufukidzira ungano mashoko anorayiridza bedzi, asiwo kuvandudza mano ako okutaura. Kuti ubudirire murutivi urwu, zvinokosha kuti upedze nguva yakati uchinzvera mavara okutaura awakakumbirwa kushandira. Rava nokungwarira Fundo iri mubhuku rino inobata nepfundo riri kushandirwa, kuitira kuti uzive nzira iyo rinofanira kutapura nayo gadziriro yako uye nzira yokuratidzira nayo vara rokutaura mukukurukura kwako. Kukuyamura, mativi makuru evara rokutaura rimwe nerimwe akanyorwa nemavara matema mubhuku rino. Izvi ndizvo zvinhu zvikuru zvokurangarira.

18 Pashure pokunge wakurukura hurukuro yako, teereresa zano rinotaurwa rinopiwa. Rigamuchire nokuonga. Ipapo shandira pamapfundo anoda ngwariro. Kana uchida kukurumidzisa kufambira mberi kwako, usamirira kutozosvikira wava neimwe hurukuro. Funda mashoko ari mubhuku rino anokurukura mapfundo aunofanira kushandira. Edza kushandisa zvikarakadzo zvacho mukurukurirano yako yezuva nezuva. Uye panozosvika nguva yaunopa hurukuro yako yomudzidzi inotevera ungave waabata zvakanaka.

19 Mudzidzi ari wose anofanira kuvavarira kuvandudza hurukuro imwe neimwe inotevera yaanopa papurogiramu yechikoro. Chokwadi, izvi zvichareva nhamburiko inopfuurira, asi zvirokwazvo zvichaunza chikomborero chaJehovha. Nokuda kwaavo vangawana betsero hurusa mukurovedza kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, pane revo yakati iri mumashoko aZvirevo 19:20: “Teerera kana uchirayirirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.”

[Chati iri papeji 104, 105]

ZANO ROKUTAURA

Mukurukuri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

(Zita Rakakwana)

Zviratidziro: S - Shandira pane iri

W - Wavandudzika

Z - Zvakanaka

Musi Nha. yeHurukuro

Mashoko anorayiridza (21)*

Akajeka, anonzwisisika (21)

Sumo inomutsa fariro (22)

Sumo yakakodzera musoro (22)

Sumo yourefu hwakafanira (22)

Chimiro chenzwi (23)

Kutindika (23)

Vateereri vakurudzirwa kushandisa Bhaibh. (24)

Magwaro asumwa zvakafanira (24)

Magwaro araviwa nokusimbisa (25)

Kushanda kwaMagwaro kwajekeswa (25)

Kudzokorora kusimbisa (26)

Majangariko (26)

Musoro wehurukuro wasimbiswa (27)

Mapfundo makuru atanhamariswa (27)

Kutarisa vateereri, kushandiswa kwezvin. (28)

Kushandiswa kwendaza (28)

Mashoko: ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

* Nhamba imwe neimwe iri muzvikomberedzo [()] inonongedzera kuFundo iri muBhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari inobata nevara rokutaura rinoratidzirwa.

S-48-CA J.G.

Musi Nha. yeHurukuro

Kudekudza (29)

Vara rekurukurirano (29)

Kududza mashoko (29)

Bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo (30)

Kukudziridza kune mufungo, kunobvumir. (30)

Chibvumikiso chinopwisa (31)

Vateereri vabetserwa kurangarira (31)

Kusimbisa pfungwa (32)

Kusiyanisa inzwi (32)

Mbavarira (33)

Ushamwari, tsitsi (33)

Mienzaniso inokodzera mashoko (34)

Mienzaniso inokodzera vateereri (34)

Mashoko akodzereswa ushumiri hwomum. (35)

Mhedziso yakakodzera, inobudirira (36)

Mhedziso yourefu hwakafanira (36)

Kuchengeta nguva (36)

Chivimbo uye kudzikama (37)

Chitarisiko chako (37)

ONA: Nokuda kwehurukuro imwe neimwe mupi zano achapa zano rakananga, asati achidikanirwa hake kutevera nhevedzano iri pamusoro apa asi achipa ngwariro pamusoro penzvimbo idzo mudzidzi anodikanirwa kuvandudzika padziri. Nzvimbo dzisina kunyorwa dziri pafomu dzingashandiswa nokuda kwokupa zano mudzidzi pamusoro pamapfundo asina kurongwa, akadai sokururama kwokutaura, kusanodudza mashoko, chimiro chomuviri, kusarudzwa kwamashoko, mataurirwe omutauro, tutsika, wirirano, unyanzvi hwokudzidzisa, nevara renzwi apo kudikanwa kunovapo. Mupi zano anofanira kutenderedza bhokisi repfundo rezano rinodikanwa rinotevera apo mudzidzi anopedza kushandira pfundo rezano rakapfuura. Nhamba yefundo yeiri pfundo inofanira kuratidzirwa pasiripi (S-89) inotevera yoMugove Wechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.

[Chati iri papeji 106, 107]

PFUPISO YEMAVARA OKUTAURA

Mashoko anorayiridza (21)

Mashoko akananga

Anorayiridza kuvateereri vako

Mashoko oukoshi hunoshanda

Kutaura kwakarurama

Mashoko okuwedzera anojekesa

Akajeka, anonzwisisika (21)

Ataurwa nenzira iri nyore

Mashoko asina kurovedzeka atsanangurwa

Mashoko asina kunyanyowanda

Sumo inomutsa fariro (22)

Sumo yakakodzera musoro (22)

Sumo yourefu hwakafanira (22)

Chimiro chenzwi (23)

Rinonzwika zvakakwana kuti rinzwikwe zvakanaka

Inzwi rinofanira kukodzera mamiriro ezvinhu

Inzwi rakakodzerana namashoko

Kutindika (23)

Tindika nokuda kwezviratidzo zvokumira

Tindika nokuda kwekuchinjwa kwomufungo

Tindika nokuda kwokusimbisa

Tindika apo mamiriro ezvinhu anokuda

Vateereri vakurudzirwa kushandisa Bhaibheri (24)

Kupfurikidza nechikarakadzo

Kupfurikidza nokubvumira nguva yokuwana rugwaro

Magwaro asumwa zvakafanira (24)

Kukarira magwaro kwanyandurwa

Ngwariro yanangidzirwa pachikonzero chokushandisa rugwaro

Magwaro araviwa nokusimbisa (25)

Mashoko akarurama asimbiswa

Mutoo unobudirira wokusimbisa washandiswa

Magwaro anoraviwa nasaimba

Kushanda kwaMagwaro kwajekeswa (25)

Mashoko anofanira kushandiswa aparadzaniswa

Pfundo resumo rajekeswa

Kudzokororera kusimbisa (26)

Kudzokororwa kwamapfundo makuru

Kudzokororwa kwamapfundo asina kunzwisiswa

Majangariko (26)

Majangariko anorondedzera

Majangariko okusimbisa

Musoro wenhau wasimbiswa (27)

Musoro wakakodzera

Mashoko omusoro kana kuti mufungo wadzokororwa

Mapfundo makuru atanhamariswa (27)

Mapfundo makuru haana kunyanyowanda

Mifungo mikuru yakudziridzwa yakaparadzana

Mapfundo maduku anosimbisa mifungo mikuru

Kutarisa vateereri, kushandiswa kwezvinonyorwa (28)

Kutarisana navateereri

Kutarisa vateereri kupfurikidza nokutaura zvakananga

Kushandiswa kwendaza (28)

Kudekudza (29)

Vara rekurukurirano (29)

Mashoko ekurukurirano ashandiswa

Mutoo wokukurukurirana wokukurukura

Kududza mashoko (29)

Bvumirano kupfurikidza nezvikochekedzo (30)

Kushandisa mashoko anokochekedza

Bvumirano yakakwanira vateereri vako

Kukudziridza kune mufungo, kunobvumirana (30)

Mashoko ari munhevedzano ine mufungo

Mashoko akakodzera bedzi ashandiswa

Hapana mifungo mikuru yasiyiwa

Chibvumikiso chinopwisa (31)

Hwaro hwavanzarikwa

Chibvumikiso chakanaka chapiwa

Kupfupikisa kunobudirira

Vateereri vabetserwa kurangarira (31)

Chinobvumiranwa chachengetwa

Kukudziridzwa kwakakwana kwamapfundo

Kushandisa kwaitirwa vateereri

Kusimbisa pfungwa (32)

Mashoko anopa mufungo ari mumitsetse yamashoko asimbiswa

Mifungo mikuru iri muhurukuro yasimbiswa

Kusiyanisa inzwi (32)

Kusiyanisa simba

Kusiyanisa kukurumidza

Kusiyanisa kukwira

Kusiyanisa inzwi kuti rikodzere mufungo kana kuti murangariro

Mbavarira (33)

Mbavarira yaratidzwa kupfurikidza nokukurukura kune upenyu

Mbavarira yakakodzerana namashoko

Ushamwari, tsitsi (33)

Ushamwari hunooneka muchitarisiko chechiso

Ushamwari netsitsi zvinooneka muchimiro chenzwi

Ushamwari netsitsi zvakodzera mashoko

Mienzaniso inokodzera mashoko (34)

Yakapfava

Kushanda kwajekeswa

Mapfundo anokosha asimbiswa

Mienzaniso inokodzera vateereri (34)

Yatorwa mumamiriro ezvinhu akarovedzeka

Yakanaka

Mashoko akodzereswa ushumiri hwomumunda (35)

Mashoko aitwa kuti anzwisiswe navanhu vose

Mapfundo akakodzera asarudzwa

Ukoshi hunoshanda hwamashoko hwasimbiswa

Mhedziso yakakodzera, inobudirira (36)

Mhedziso inowirirana zvakananga nomusoro wehurukuro

Mhedziso inoratidza vateereri chokuita

Mhedziso yourefu hwakafanira (36)

Kuchengeta nguva (36)

Chivimbo uye kudzikama (37)

Kudzikama kunooneka muchimiro chomuviri

Kudzikama kunoratidzwa nenzwi rakadzorwa

Chitarisiko chako (37)

Zvipfeko zvakafanira uye kutsvinda

Chimiro chakafanira

Zvokushandisa zvakatsvinda

Hapana chitarisiko chechiso chisina kufanira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe