Fundo 21
Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
1-3. Nei mashoko akananga achidikanwa kuita kuti hurukuro yako ive inorayiridza?
1 Hurukuro dzakafanira dzinotanga negadziriro yokushingaira, uye izvozvo zvinoda nguva nenhamburiko. Asi zvinotusa sei! Unowedzera dura rako rezivo yakarurama uye une chimwe chinhu chinobetsera chaizvoizvo chokugoverana navateereri vako. Panzvimbo pokutaura usinganangi, une udzame hunojekesa hwokupa, uye unoziva kuti zvauri kutaura zvakarurama. Izvi zvinovaka kuonga Shoko raMwari kwavateereri, naizvozvo zvinokudza Jehovha. Kurangarira kwedu mashoko anorayiridza zvikurukuru kunobatanidza zvaunotaura muhurukuro yako. Rangarira nokupfupikisa mativi akasiyana-siyana enhau yacho. Ndiro pfundo rokutanga pakasiripi keZano Rokutaura.
2 Mashoko Akananga. Hurukuro isinganangi inoshayiwa ukoshi nechiremera. Haina kujeka. Inosiya vateereri vasina chokwadi. Kana pfungwa dzichizoyeukwa dzinofanira kuva dzakananga, dzakarurama. Ikoku kunopa ufakazi hwekunzvera nokuziva nhau yacho.
3 Iri vara rinogona kuwanwa mugadziriro, kupfurikidza nokubvunza kuti, Nei? Rini? Kupi? zvichingodaro. Kazhinji kazhinji hazvina kukwana kuti chimwe chinhu chakaitika. Ipa mazita enzvimbo, misi zvichida zvikonzero. Hazvina kukwana kutaura zvokwadi dzakati. Ratidza kuti nei dziri dzechokwadi; ratidza chikonzero nei kudziziva kuchikosha. Kana uchipa murayiridzo, tsanangura nzira iyo chinhu chinofanira kuitwa nayo. Kuti kukudziridzwa kwakakura sei kworudzi urwu kunokosha kuchazivikanwa nezvinotozivikanwa nevateereri. Naizvozvo rangarira vateereri kuti uve nechokwadi chokuti udzame hwakadini hungadikanwa.
4-6. Kuti hurukuro yako ive inorayiridza kuvateereri vako vakati, zvinhui zvaunofanira kurangarira?
4 Anorayiridza kuvateereri vako. Angarayiridza vamwe vateereri angasawedzera chinhu kuzivo yerimwe boka, kana kuti angatovasiya vari murima chose chose. Sezviri pachena, ipapo, mashoko acho anofanira kukodzera vateereri vakati. Somuenzaniso, muhurukuro inotaura nezvamaitirwe ebasa redu, mashoko acho angakurukurwa nomutoo wakasiyana chose chose pamusangano webasa kupfuura mukutaura kumunhu ari kugadzirira kuzvitsaurira kuna Jehovha, kana kuti muhurukuro inokurukurirwa boka renyika.
5 Zvinhu izvozvi zvinofanirawo kurangarirwa mumigove yakasiyana-siyana muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Mashoko anopiwa muhurukuro ipi neipi inogoverwa anofanira kurangarirwa pamusoro pevateereri, marongero uye donzo rehurukuro. Zvinhu izvozvi zvichazivikanwa norudzi rwehurukuro uye marongero ayo mukurukuri anenge aronga. Chokwadika, hurukuro yokurayira ichava hurukuro inokurukurwa kuungano. Dzimwe hurukuro dzingasiyana, marongero acho acharatidzira vateereri vacho nedonzo. Muzviitiko zvose, vose vari vaviri mudzidzi neanopa zano vanogona kuzvibvunza kuti, Mashoko acho akodzereswa vateereri vakati vanobatanidzwa mumharidzo yacho here? Vateereri vacharayiridzwa nokudzidziswa nawo here?
6 Mugadziriro zvibvunze kuti, Chii chandinoda kuita muhurukuro iyi? Munhu uyu kana kuti boka rinotoziva zvakawanda zvikuru sei zvezvandinoda kutaura? Ifandesheni yakadii yandinofanira kuisa mapfundo iwawa asati agona kujekeswa? Ndaizoataura sei nenzira yakasiyana kuboka rakasiyana chose chose? Kuenzanisa kazhinji kazhinji kunojekesa mirangariro yedu. Edza masvikiro akasiyana-siyana kumapoka akasiyana-siyana mugadziriro yako kuti unzwe chete musiyano mukurangarira vateereri nokuita kuti mashoko acho ave anorayiridza kuvateereri vauchataura kwavari.
7, 8. Tinogona sei kuita kuti hurukuro dzedu dzive dzinoshanda?
7 Mashoko oukoshi hunoshanda. Kune zvakawanda zvinofanira kudzidzwa, asi hazvisi zvose zvinoshanda. Kwatiri, mashoko anorayiridza ndeezvinhu zviya zvatinofanira kuziva nokuda kwokurarama kwechiKristu, nokuda kwoushumiri hwedu. Tinoda kuziva mashandisirwe amashoko aya atakawana.
8 Mudzidzi, mugadziriro, uye mutariri wechikoro, mukupa zano, vangarangarira pfundo iri kupfurikidza nokubvunza kuti: Inheyo dzipi dzinotungamirira dzichafanira kuwanwa muhurukuro yacho? Mashoko acho angagona kushandiswa mukuita zvisarudzo here? Mashoko anopiwa anogona kukodzereswa ushumiri hwomumunda here? Anokudza Shoko raMwari ndokunongedzera kudonzo rake here? Hurukuro shomanene dzinogona kupa mashoko ose awa, asi kuti ave anoshanda, mashoko anopiwa anofanira kuva anoshandisika munzira yakati navanzwi.
9-11. Nei kutaura kwakarurama kuchikosha kwazvo?
9 Kutaura kwakarurama. Zvapupu zvaJehovha isangano rechokwadi. Tinofanira kuda kutaura chokwadi ndokuva vakarurama chose chose muudzame huri hwose panguva dzose. Zvinofanira kuva zvakadaro kwete pamusoro bedzi pedzidziso asiwo mukunokora mashoko kwedu, zvatinotaura pamusoro pavamwe kana kuti marondedzerere atinovaita, uyewo munhau dzinobatanidza mashoko esayenzi kana kuti zviitiko zvenhau.
10 Kutaura kusina kururama kunokurukurirwa vateereri kungadzokororwa uye chikanganiso chacho chokudzwa. Kusarurama kunozivikanwa navateereri kunomutsa mibvunzo pamusoro pechiremera chomukurukuri pane mamwe mapfundo, zvichida kunyange kutomutsa mibvunzo pamusoro pouchokwadi hweshoko rimene. Munhu achangobva kufarira anonzwa kutaura kwakadaro, uye achinge anzwa murangariro wakasiyana uchitaurwa pane imwe nhambo, angagumisa kuti pane kupesana kwomufungo pakati pezvapupu zvaJehovha ndokurega kusonganira pasina kunyange kuzivisa chikonzero chake.
11 Anopa zano haafaniri kutsoropodza mashoko anotaurwa nomudzidzi, zvikurukuru munhu mutsva muchokwadi uye naizvozvo asati asimba zvizere muzvinhu zvakadzama zvikuru zveShoko raMwari. Panzvimbo pezvo, achabetsera nokungwarira pakutaura kugadzira kufunga kwomudzidzi ndokumuratidza kuvandudza kwaangaita kururama kwemashoko ake kupfurikidza nekufanogadzirira nokungwarira.
12, 13. Ko mashoko okuwedzera okujekesa anokosherei?
12 Mashoko okuwedzera anojekesa. Mifungo inopiwa somugumisiro wokufungisisa kana kuti inowanzwa muimwe nzvero pamusoro penhau inogona kubetsera zvikuru hurukuro uye pane dzimwe nguva inogona kudzivisa kudzokororwa kusingarayiridzi kwamashoko akatorovedzeka kuvateereri. Inowedzera utsva kumharidzo, inonyandura fariro yavateereri, uye inogona kuita kuti nhau yakarovedzeka zvikuru ive inofadza zvirokwazvo. Uyewo, inopa mukurukuri chivimbo. Anosvika hurukuro yake nembavarira inoparirwa nokuziva kuti ane chimwe chinhu chakati siyanei zvishoma chokupa.
13 Ngozi inofanira kudziviswa kufungidzira kwomunhu oga. Zvinyorwa zveSosaiti zvinofanira kushandiswa uye kuvimbwa nazvo. Nzvera maindex eSosaiti, uye mashoko omuzasi memagwaro. Iva nechokwadi kuti zvaunotaura zviri kujekesa, kwete kureva nhema.
**********
14-16. Chii chinofanira kuitwa mukugadzirira hurukuro kuitira kutaura zvinhu nenzira iri nyore?
14 Mukugadzirira mashoko ako kunokoshawo kungwarira mataurire auchaita zvauchataura. Izvi ndizvo izvo kasiripi keZano Rokutaura kanonongedzera se“Akajeka, anonzwisisika.” Kukundikana kungwarira zvakakwana izvi kunogona kukudzivisa kusvika vateereri vako, kana kuti kungavadzivisa kuchengeta zvavanonzwa. Kuna mativi matatu makuru eiyi nhau okurangarira.
15 Ataurwa nenzira iri nyore. Izvi hazvirevi kuti zvikamu zvamashoko zvinofanira kufanofungwa. Asi pfungwa dzichapiwa dzinofanira kunzverwa uye zvinhu chaizvo zvakati zvinofanira kurangarirwa. Kazhinji kazhinji izvi zvichaguma nehurukuro yakasimba uye kutaura mifungo kuri nyore, inotaurwa mumutauro wakajeka. Nhau yakaoma mundangariro yomukurukuri ichaoma mukupa.
16 Gadziriro inoitwa nguva yapera inofanira kudziviswa. Pfundo rimwe nerimwe rehurukuro rinofanira kufungwa zvakakwana zvikuru kusvikira rapfava uye rajeka kumukurukuri. Kuhwirudzurwa kwamapfundo iwawa mugadziriro yokukurukura kuchaarodza kwazvo mundangariro make zvokuti achabuda nyore apo anenge ave kudikanwa uye achava akajeka zvikuru kuvateereri sokumukurukuri.
17, 18. Nei mashoko asina kurovedzeka achifanira kutsanangurwa?
17 Mashoko asina kurovedzeka atsanangurwa. Kufunda kwedu Magwaro uye zvinyorwa zveWatch Tower Society kwakatipa mashoko asingazivikanwi zvikuru kuavo vasina kurovedzana nebasa redu. Kudai taizotsanangurira vateereri vakati zvokwadi dzeBhaibheri, tichishandisa mashoko akadai saiwawa, uzhinji hwezvatinotaura hwaizorasika kana kuti zvimwe kutaura kwedu kwaizova kusinganzwisisiki chose chose.
18 Rangarira vateereri vako. Vanonzwisisa zvakadini? Vanoziva zvakawanda sei nezvebasa redu? Mangani amashoko awa avachanzwisisa zviri nyore sezvinoita mukurukuri? Mashoko akadai sookuti “ubati ushe hwaMwari,” “vakasarira,” “mamwe makwai,” kunyange “Armagedhoni” uye “Umambo,” anogona kupa mufungo wakasiyana kundangariro yomuteereri kana kuti kusatongoreva chinhu. Kunyange mashoko akadai sookuti “mweya,” “hero” uye “kusafa,” anofanira kujekeswa kana muteereri asina kurovedzana nebasa redu. Asi kana hurukuro iri kukurukurirwa ungano, mashoko akadai saiwawa haafaniri kutsanangurwa. Naizvozvo marongero acho anofanira kurangarirwa.
19, 20. Tinogona sei kudzivisa kuva namashoko akanyanyowanda?
19 Mashoko asina kunyanyowanda. Hurukuro ingava namashoko akanyanyowandisa zvokuti uzhinji hwamashoko hunonyanyowandira vateereri uye kunzwisisa kunogomadzwa kana kuti kunorashika chose chose. Kuti uite donzo rehurukuro, mashoko akawanda haafaniri kuwedzerwa anopfuura anogona kukudziridzwa zvakajeka munguva yakagoverwa. Haafaniri kutaurwa akawanda kupfuura anogona kugamuchirwa nenzira ine mufungo navateereri. Kupfuurirazve, mashoko anopiwa kumunhu wechienzi kana kuti munhu achangobva kufarira angafanira kuva nyore zvikuru mukuenzanisa namashoko enhau imwe cheteyo apo inopiwa kuungano. Panowo, anopa zano anofanira kurangarira vateereri vari kutaurirwa nomukurukuri.
20 Mudzidzi achaziva sei kuti mashoko akawanda sei okuisa muhurukuro? Kuenzanisa kuchabetsera mugadziriro. Nzvera zvaunofanira kupa. Mangani amapfundo iwawa achave achitozivikanwa navateereri, kunyange zvisina kuzara? Mangani achava ari matsva chose chose? Kana fandesheni yezivo yaunotova nayo yakakura zvikuru, zvakawanda zvinogona kuvakirwa pairi munguva yakapiwa. Asi kana pachidokuva nechinhu chisingazivikanwi pamusoro penhau inofanira kukurukurwa, ipapo ngwariro huru inofanira kushandiswa pamusoro pokuti zvingani zvichataurwa uye kuti zvichatora nguva yakareba sei kutsanangura mapfundo iwawa kusvika pakunzwisiswa zvizere navateereri.