Fundo 22
Sumo Dzinobudirira
1-3. Unogona kumutsa kufarira nhau kupfurikidza nomutooi musumo yehurukuro?
1 Inomutsa fariro. Sumo yehurukuro inofanira kumutsa fariro munhau yacho. Inofanira kubata ngwariro yavateereri vako ndokuvagadzirira kurangarira zvakanaka zvinotevera. Kuti uite izvozvi, zvinokosha kuti uratidze ukoshi hwenhau yako kuvateereri.
2 Imwe yenzira dzakanakisisa yokumutsa nayo fariro muhurukuro ndeyokuita kuti vateereri vako vabatanidzwe. Vaite kuti vazive kuti mashoko aya anokosha kwavari, kuti ane chokuita noupenyu hwavo. Mukuita kudaro unofanira kutangira pazvinozivikanwa navateereri vako. Izvi zvinoreva kuti zvaunotaura zvinofanira kuva zvinozivikanwa nevakateerera. Ungava muenzaniso, kana kuti chinetso, kana kuti nhevedzano yemibvunzo. Asi nguva dzose chinofanira kuva chimwe chinhu chichava chakarovedzeka kuvateereri vako kuitira kuti vagone kuchinzwisisa ndokuchishandisira kwavari vamene.
3 Kungava kuri madikanwa, mune zvimwe zviitiko, kukurira rusaruro musumo yako. Kana nhau iri kukurukurwa ichiitiranwa nharo zvikuru, izvi zvingava zvechokwadi zvikuru. Muzviitiko zvakadaro sumo yako inokosha kana uchizobata vateereri vako kutozosvikira ufakazi hunosimbisa pfundo rako hwagona kufukidzwa zvinobudirira. Muushumiri hwapaimba neimba kazhinji kazhinji zvinobvira kukurira chirambidzo chenguva dzose kupfurikidza nokutanga kuchitaura nokungwarira pakutaura ipapo wopfuurira namashoko aunoshuva kukurukura.
4-6. Zvimwe zvinhu zvichabetsera sumo dzedu kumutsa fariro?
4 Zvaunotaura nguva dzose zvinokosha zvikuru. Asi kuti umutse fariro kupfurikidza nesumo yako, mataurire aunozviita zvichida anokosha zvikuru kupfuura murunenge rumwe rutivi rwupi norwupi rwehurukuro. Nokuda kwechikonzero ichi sumo yako inoda kufanogadzirirwa nokungwarira kwete bedzi zvauchataura asi mutoo waunoda kukurukura nawo.
5 Kazhinji kazhinji, mitsetse yamashoko mipfupi, iri nyore ichaita donzo rako zvakanakisisa musumo yacho. Sezvo kusarudza mashoko kuchikosha kwazvo mukuita vavariro yako munguva pfupi inowanika nokuda kwesumo, ungazviwana zvichibetsera kugadzirira mitsetse yamashoko miviri yokutanga kana kuti mitatu nokungwarira zvikuru. Inyore pazvinhu zvako zvaunonyora kuitira kuti ugone kuirava, kana kuti izive nomusoro kuitira kuti mashoko ako okuzarura agova nesimba rose raanofanira kuva naro neraanoda. Kunze kwezvo, izvi zvichakupa chivimbo chikuru pakutanga uye mukana wokuwana dzikamo yakakwana yokuti upfuurire usingaravi.
6 Mamwe mashoko mashomanene bedzi pamusoro pokupiwa kwesumo yako, kunyange zvazvo anokupa zano asati achizoitira hanya mapfundo iwawa pamusoro pevara rokutaura iri. Kana uchitya, nonoka ndokutaura nenzwi rakaderera. Taura nechivimbo, asi dzivisa murangariro upi noupi wokuva anonyanyisa. Chimiro chakadaro chingarasa vateereri vako pamavambo.
7. Unofanira kugadzirira sumo yako rini?
7 Kunyange zvazvo sumo yehurukuro iri iyo chinhu chinotanga kupiwa, inowanzogadzirirwa zvinobudirira zvikurusa pashure pokunge mutumbi wehurukuro wanyatsorongwa. Ikoku kuchakubvumira kuziva zvingava zvakanakisisa zvokutaura kuti usume zvakafanira mashoko awagadzirira.
**********
8-10. Tinogona kuita sei kuti sumo dzedu dzikodzerane nomusoro?
8 Yakakodzera musoro. Sumo yako ichatungamirira munhu nenzira inobudirira kana bedzi yakakodzera musoro. Kungwarira kukuru kunofanira kushandiswa kuti ushandise musumo zvinobetsera bedzi donzo rako mukutaura. Chokwadika, inofanira kuva inotsinhirana nechiremera cheshoko roUmambo uye yakarongedzerwa kusagumbura avo vangava vaenzi vari muvateereri.
9 Sumo yako haisati ichingofanira bedzi kutungamirira munhau yekurukurirano yako, asi inofanira kupa nomutoo wakajeka rutivi rwakati rwemashoko auchabata nawo. Izvi zvinoreva kuganhurira nhau yako kumusoro wakananga uye ipapo, nenzira yakati, kuzivisa musoro iwoyo kazhinji sezvinobvira musumo yako. Kana ukasadudza musoro zvakananga, mune zvimwe zviitiko, ungashandisa mashoko makurusa kana kuti omusoro musumo yako. Neiyi nzira vateereri vako havasati vachizokukarira kufukidza mamwe mativi akati enhau yacho ayo musoro wehurukuro yako ungakarakadza.
10 Hurukuro dzose dzinofanira kuva mubatanidzwa wakakwana, dzisati dzichitanga nechimwe chinhu ndokupedzisa nechimwe chinhu. Kupfuurirazve, iyi nhau yesumo yakakodzerana nomusoro inofanira kudzikamiswa nokuita kuti sumo imutse fariro. Namamwe mashoko, musoro unofanira kusaregwa nokuda bedzi kwenhau yakanaka pakutanga. Donzo rehurukuro rinofanira kudzora mukusarudza mashoko ako. Uye rinofanira kukodzerana uye kubvumirana nomutumbi wehurukuro.
**********
11-14. Tinogona kuziva munzirai kana sumo iri yourefu hwakafanira?
11 Yourefu hwakafanira. Sumo inofanira kuva yakareba sei? Hakuna mhinduro yakananga ichakodzera mamiriro ose ezvinhu. Urefu hwesumo hunotsamira panguva yakagoverwa nhau yacho imene, donzo rehurukuro yacho, vateereri vanobatanidzwa nezvimwe zvokurangarira zvizhinji zvakafanana.
12 Kutaura idi, mukuteerera hurukuro, kazhinji kazhinji kunofanira kuva kwakaoma, nokuda kwokupfuurira, kuita musiyano wakajeka zvikuru pakati pesumo nomutumbi. Ichi chinetso anokupa zano achava nacho mukutarisira iri vara pakasiri kako keZano Rokutaura. Mudzidzi ari wose anoshandisa mashoko esumo akati muhurukuro yake, asi anopa zano achafarira ichi: Sumo yacho iri kudzungaira zvikuru here, ine udzame kwazvo, irefu kwazvo zvokuti vateereri vako vanova vasina kuterama usati wapinda muufakazi hukuru hunofanira kupiwa here?
13 Sumo inofanira kupfuurira iri munhevedzano chaiyoiyo, ine nhevedzano uye inokurumidza yomufungo kunhau yacho pasina kurega mavara anomutsa fariro. Inofanira kuva yakakwana, isina mikaha. Ikoku kunoda mufungo wokungwarira, nemhaka yokuti kana mavambo ako ari kure zvikurusa nenhau zvokuti inorayira tsananguro refu uye ine udzame, ipapo kungava kwakanakisisa kuhwirudzura sumo yako uye zvichida kuwana pfundo idzva rokutanga.
14 Kana kwakaoma kuwana musiyano mukuru pakati pesumo nomutumbi wehurukuro yako, ipapo sumo yako ndeyourefu hwakafanira. Kucharatidzira kuti wapinza zvakanaka kwazvo vateereri vako mumashoko avari kuteerera muufakazi hwako vasingazivi chaizvoizvo. Kune rumwe rutivi, kana vakavamba kushamiswa kuti uchasvika rini kupfundo, ipapo unogona kuva nechokwadi kuti sumo yako yakanyanyoreba. Ikoku kunowanzova utera mumharidzo dzapasuo nesuo, panowanzova nokudikanwa kwokusiyanisa urefu hwesumo dzako uchibva pane rimwe suo uchienda pane rimwe.
15, 16. Sumo yehurukuro inofanira kuva yakareba sei apo inenge iri rutivi rwokusiyirana?
15 Apo unenge uchikurukura hurukuro bedzi papurogiramu, kana kuti kukurukura hurukuro yomudzidzi, sumo yako ingareba zvikuru kupfuura pane dzimwe nhambo. Asi kana hurukuro yako iri rutivi rwokusiyirana, kana kuti kana iri rutivi rwapamusangano webasa, ipapo sumo yako inogona kuva pfupi uye yakananga nemhaka yokuti rutivi rwechinhu chimwe chatosumwa. Nguva yakawanda inopedzwa zvisiri madikanwa nesumo refu, dzakaoma. Mutumbi wehurukuro ndiwo uchapa mifungo yaunofanira kupa.
16 Mupfupiso, sumo yako inongofanira kutanga bedzi, kumutsa fariro uye kutungamirira munhau yauchakurukura. Ita izvi nokukurumidza zvikuru sezvinoshanda ipapo ndokupinda mupfundo chairoiro renhau yako.