RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 24 pp. 122-126
  • Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Bhaibheri Kwakurudzirwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kurava uye Kushandisa Magwaro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 24 pp. 122-126

Fundo 24

Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri

1, 2. Nei tichifanira kutungamirira vateereri vedu kuBhaibheri?

1 Chishuvo chedu muushumiri ndechokutungamirira ngwariro yomunhu ari wose kuShoko raMwari, Bhaibheri. Rine shoko ratinoparidza, uye tinoda kuti vanhu vazive kuti chatinotaura hachisati chiri chomumusoro wedu timene asi chinobva kuna Mwari. Vanhu vanoda Mwari vane chivimbo muBhaibheri. Apo rinovaravirwa, vanoteerera uye vanofungisisa zano raro. Asi apo vanotora kopi yavo vamene yeBhaibheri ndokuzviravira, mufungo unodzamiswa zvikuru. Naizvozvo, muushumiri hwomumunda, apo mamiriro ezvinhu anoita kuti kubvire, kuchenjera kukurudzira saimba kutora kopi yake amene yeBhaibheri ndokutarira magwaro pamwe newe. Nenzira yakafanana pamisangano yeungano, kana vose vakakurudzirwa kushandisa Bhaibheri ravo, vatsva zvikuru vachaziva nyore nyore zvikuru kuti ndimo munobva zvitendero zvedu, uye vose vachabetserwa nokusimbisa kwakawedzerwa kwokuona.

2 Naizvozvo, uchava nebetsero yakasimba mukuzadzika donzo rako mukutaura kana avo vari muvateereri vako, pari pose pakunoshanda, vakatevera kurava kwako Magwaro mumaBhaibheri avo vamene. Kana vachiita kana kuti kwete kuchatsamira patambanuko huru kana uchivapa rukurudziro rwakafanira. Ikoku ndiko kunonongedzerwa kwakuri pakasiripi kako keZano Rokutaura se“Vateereri vakurudzirwa kushandisa Bhaibheri.”

3, 4. Tinogona sei kuita ikoku nomutoo unobudirira?

3 Kupfurikidza nechikarakadzo. Imwe yenzira dzakanakisisa ndeyokupa chikumbiro chakananga kuvateereri chokushandisa Bhaibheri; uyu mutoo unowanzoshandiswa. Padzimwe nguva migumisiro mimwe cheteyo inogona kuwanwa kupfurikidza nokungotaura bedzi apo magwaro anowanikwa usati waarava; zvichida seizvi: “Zvino sezvatinorava 2 Timotio 3:1-5, fungai nezvemamiriro ezvinhu munharaunda ino chaimo.” Ipapo, sezvaunotendeukira kurugwaro rwacho iwe umene, ringa-ringa kuti uone kana vateereri vari kushandisa chikarakadzo chacho. Kazhinji kazhinji ivo vachavambawo kutsvaka rugwaro rwacho.

4 Kuri kumukurukuri kusarudza kuti ndaapi, kana api neapi aripo, Magwaro ayo anoda kusimbisa kupfurikidza nokuita kuti vateereri vaatsvake. Tarira vateereri vako. Farira kuona kana ivo vachikutevera. Kunyange kana nokuda kwechikonzero chakati iwe uchidikanwa kukurukura hurukuro yokurava, unogona kuwanzobata magwaro makuru nenzira yakadaro zvokuti vateereri vacharava newe mumaBhaibheri avo.

5, 6. Tsanangura chikonzero nei kuchibetsera kubvumidza nguva yokuti vateereri vawane magwaro atinoronga kurava.

5 Kupfurikidza nokubvumira nguva yokuwana rugwaro. Kungodudza rugwaro hakuna kukwana. Kana ukarurava ibvei wopfuurira kune rumwe vateereri vasati vava nenguva yokuruwana, pakupedzisira vachaora mwoyo ndokurega. Cherechedza vateereri vako, uye apo voruzhinji vanenge vawana rugwaro rwacho, ipapo runogona kuraviwa.

6 Kunowanzova kune mufungo kududza rugwaro rwawakaronga kurava pachine nguva mberi yakakwana kuitira kuti nguva inokosha igorega kurashika kupfurikidza nokutindika-tindika kurefu kana kuti “kutaura zvimwe” zvisiri madikanwa apo vateereri vanenge vari kutsvaka rugwaro rwacho. Bva kutindika kwakakodzera pano kwakafanira. Kune rumwe rutivi, kana kududza kukaitwa pakuvamba musumo yako kurugwaro rwacho, unofanira kurangarira kuti zvimwe zvezvinhu zvaunotaura hazvisati zvichizosanoteverwa. Naizvozvo muchinoitika chakadaro zvinhu zviya zvakakodzera chibvumikiso chapachine nguva mberi zvingafanira kutaurwa kududza kusati kwaitwa.

**********

7-18. Mitooi inogona kushandiswa kusuma Magwaro nomutoo unobudirira?

7 Magwaro anoshandiswa muhurukuro anowanzova mapfundo makuru ehurukuro. Zvibvumikiso zvinovakirwa paaya magwaro. Kuti iwo achabetsera zvikuru sei kuhurukuro yacho, ipapoka, kunotsamira pamashandisirwe ayo anoitwa nomutoo unobudirira. Naizvozvo nhau yokuti “Magwaro asumwa zvakafanira,” yakanyorwa pakasiripi kako keZano Rokutaura, inokosha kurangarira.

8 Pane mhatsa huru yenzira dzinogona kusumwa nadzo Rugwaro, kuraviwa uye kushandiswa. Pane dzimwe nguva, somuenzaniso, kusumwa kworugwaro hakusati kuchingotungamirira bedzi mukurava asiwo kunoita kushandiswa kwaro, zvokuti kurava kumene kunoita kuti pfundo risimbe. Kune rumwe rutivi, mamwe magwaro anoshandiswa nomugumisiro unobudirira apo kunenge kusina shoko resumo rinotaurwa, somuenzaniso, somukuvamba mumene mehurukuro.

9 Kudzidza masumirwe amagwaro nomutoo unobudirira, nzvera zvinoita vakurukuri vane ruzivo rwokuzviwanira. Edza kuziva nzira dzakasiyana-siyana dzinosumwa nadzo magwaro. Rangarira kubudirira kwadzo. Mukugadzirira hurukuro dzako umene rangarira pachine nguva mberi chichaitwa norugwaro rwacho, zvikurukuru kana rwuri rugwaro rukuru rwepfundo guru. Ronga kusumwa kwarwo nokungwarira kuti rugoshandiswa nenzira inobudirira. Hezvino zvikarakadzo zvishomanene:

10 Mubvunzo. Mibvunzo inoda mhinduro. Inonyandura kufunga. Inobvumira rugwaro uye kushandiswa kwarwo kugovera mhinduro. Somuenzaniso, mukukurukura kuisirwa ropa, ungave uchisuma Mabasa 15:28, 29, pashure pokunge wasimbisa chirambidzo maererano naMagwaro echiHebheru. Ungagona kusuma rugwaro rwacho kupfurikidza nokubvunza kuti, “Asi chirambidzo chimwe chetechi chinoshanda pavaKristu here? Cherechedzai ichi chisarudzo chine chiremera chomutumbi unodzora weungano yapakuvamba sezvo ivo vakasundwa nomudzimu mutsvene.”

11 Kutaura kana kuti nheyo, kunofanira kutsigirwa norugwaro runosumwa. Somuenzaniso, muhurukuro pamusoro pousindimari ungati: “Kunyange kusarudza kwedu shamwari chinhu chinokosha mune ungava murangariro wedu kune chakarurama nechisina kururama.” Ipapo ungagona kurava mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 15:33 sechitsigiro chokutaura kwako.

12 Kududza Bhaibheri sechiremera. Zvikurukuru nokuda kwamagwaro maduku ungangoti chete: “Cherechedzai chinotaura Shoko raMwari pane iri pfundo.” Ichi chisakiso chakakwana chokutarira nekariro rugwaro rwacho uye chinogovera chikonzero chakajeka chokurushandisa.

13 Chinetso. Muhurukuro pamusoro pe“hero” ungati: “Kana munhu achifanira kutambura mumarimi asingagumi omoto, ikoko kungareva kuti iye anofanira kuva anoziva pashure porufu. Asi cherechedzai zvinotaurwa naMuparidzi 9:5, 10.”

14 Chisarudzo chine mativi akawanda. Kana mubvunzo wakananga kana kuti chinetso chikava chakanyanyoomera vateereri vakati, ipa zvinobvira zvinoverengeka uye bvumira rugwaro nokushanda kwarwo kugovera mhinduro. Mukutaura nemuKaturike ungada kushandisa Mateo 6:9 kuratidza kuti munyengetero unofanira kunangidzirwa kuna ani nenzira yakafanira. Mubvunzo wakananga kana kuti chinetso chingatendeudzira ndangariro yasaimba wako kurutivi rusina kururama, naizvozvo ungati: “Kune mifungo mizhinji pamusoro penhau yokuti tinofanira kunyengetera kuna ani. Vamwe vanoti Maria, vamwe vanoti kune mumwe wa‘vasande,’ asi vamwe vanoti tinofanira kunyengetera kuna Mwari bedzi. Hechino chakataurwa naJesu.”

15 Chakaitika chenhau. Kudai waifanira kushandisa VaHebheru 9:12 muhurukuro pamusoro porudzikinuro kuratidza kuti Jesu, kupfurikidza nokupa ropa rake amene, “akatiwanira rudzikinuro rusingaperi,” ungakuwana kuri madikanwa kusuma kurava kwako rugwaro kupfurikidza nokutsanangurwa kupfupi kwe“Nzvimbo tsvene” iri mutabhenakeri, iyo, Pauro anoratidzira kuti, yakafananidzira nzvimbo yakapinda Jesu.

16 Mashoko akapoteredza. Pane dzimwe nguva kurongwa kworugwaro sezvinotsanangurwa mundima dzakapoteredza kunobetsera mukusuma rugwaro. Somuenzaniso, mukushandisa kwako rugwaro rwuri pana Ruka 20:25 kuratidza chinorehwa nokuti “Ipai Kesari zvaKesari,” ungawana betsero mukutsanangura kushandisa kwaJesu mari ine runyoro rwaKesari, sokurondedzerwa kunoitwa nhoroondo yacho mumashoko akapoteredza.

17 Mubatanidzwa. Chokwadika, mibatanidzwa yemitoo iyoyi inobvirawo uye inowanzova inobetsera.

18 Kusuma kunofanira kunyandura fariro yakakwana kurayira ngwariro apo rugwaro runoraviwa uye kunofanira kunangidzira ngwariro pachikonzero chako chokushandisa rugwaro rwacho.

19, 20. Tinogona sei kuziva kana tanyandura kariro yorugwaro rwadudzwa?

19 Kukarira magwaro kwanyandurwa. Unogona sei kuziva apo unenge wanyandura kukarira rugwaro? Zvikurukuru kupfurikidza nokuita kwavateereri, asiwo kupfurikidza nenzira yaunosuma nayo rugwaro rwacho. Kana vateereri vakasiyiwa mumhepo nemhaka yokuti wakundikana kurava rugwaro pashure pokurusuma, kana kuti wasiya mubvunzo usina kupindurwa musumo yako, ipapo unogona kuva nechokwadi chokuti wanyandura fariro murugwaro. Chokwadika, sumo inofanira kutsinhirana nenhau uye norugwaro runofanira kusumwa. Uye rugwaro rumene kana kuti zvimwe kushandiswa kunotevera kunofanira kupindura mubvunzo uyo sumo yasiya wakazaruka.

20 Kusuma rugwaro kungafananidzwa nokurira kwehwamanda kunotangira chiziviso. Muridzi haasati achizvipa kuti aridze rwiyo rwose. Panzvimbo pezvo, kurira kunonyandura kwehwamanda yake kunonangidzira fariro yose uye ngwariro pachiziviso chacho. Ruchisumwa neiyi nzira, rugwaro rwako rwakasarudzwa ruchanzwiwa zvinofadza zvikuru nebetsero.

21. Nei tichifanira kunangidzira ngwariro pachikonzero chedu chokushandisa rugwaro?

21 Ngwariro yanangidzirwa pachikonzero chokushandisa rugwaro. Nepo kusuma rugwaro kungasiya mubvunzo usina kupindurwa, zvisinei, kunofanira kugovera chikonzero chakati chokuratidza chikonzero nei rugwaro rwacho rwakakodzera uye rwakafanirwa nengwariro yakakwana. Somuenzaniso, mukurukurirano yapasi somusha wechigarire womunhu ungave uchigadzirira kushandisa Zvakazarurwa 21:3, 4. Pamwe chete nechibvumirano chako chokutanga ungati: “Zvino muurwu rugwaro rwunotevera, Zvakazarurwa 21:3, 4, tsvaka nzvimbo umo tende yaMwari ichava apo kutambura uye rufu zvinenge zvisati zvichitongovapozve.” Hauna kunyandura bedzi kariro kupfurikidza nokusiya chimwe chinhu chokuti rugwaro ruzivise, asi wanangidzirawo ngwariro parutivi runokosha rworugwaro rwako, rwaunogona kushandisa nyore nyore kuchibvumikiso chako pashure pokurava rugwaro. Kupfurikidza nokudarozvo kutungamirira ngwariro kuchiri mukati chaichoicho morugwaro, unosimbisa ukoshi hweShoko raMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe