Fundo 34
Mienzaniso Yakakodzera
1, 2. Nokupfupikisa ratidza izvo mienzaniso inoita kuhurukuro.
1 Apo mukurukuri anoshandisa mienzaniso, anoroverera chaizvoizvo mifananidzo ine revo mundangariro dzavateereri vake. Mienzaniso inonyandura kufarira uye inosimbisa mifungo inokosha. Inonyandura mano okufunga kwemunhu ndokuita kuti kuve nyore zvikuru kunzwisisa mifungo mitsva. Mienzaniso inosarudzwa zvakanaka inobatanidza kufadza ndangariro yakangwara nokufadza kurangarira. Mugumisiro wacho ndewokuti shoko rinoendeswa kundangariro nesimba risingawanzova rinobvira nokutaurwa kwakapfava kweidi. Asi ikoku ndokwechokwadi bedzi kana mienzaniso ichikodzera. Inofanira kukodzera mashoko ako.
2 Panhambo nenhambo, muenzaniso unogona kushandiswa kudzivisa kufungira zvakaipa kana kuti rusaruro. Unogona kubvisa zvirambidzo dzidziso inomutsa nharo isati yasumwa. Somuenzaniso, ungati, “Hakuna baba vangaisa ruoko rwomwana wavo pachitofu chinopisa somutoo wechirango.” Muenzaniso wakadaro unosuma dzidziso ye“hero” nokukurumidza ungaita kuti mufungo wenhema worudzidziso we“hero” uve wakaipa naizvozvo ndokuiswa parutivi nenzira iri nyore zvikuru.
3-6. Mienzaniso ingatorwa kupi?
3 Mienzaniso inogona kuva nezvimiro zvizhinji. Inogona kuva zvakafanana, zvokuenzanisa, zvokusiyanisa, zvokufananidzira zvakaitika zvomunhu oga, mifananidzo. Inogona kusarudzwa ichibva muzvakawanda. Inogona kubata nezvinhu zvipenyu kana kuti zvisina upenyu zvechisiko. Inogona kuvakirwa pamabasa avateereri, pamiitiro yavanhu kana kuti mavara, zvinhu zvomumba, kana kuti mabasa avanhu akadai sedzimba, ngarava, zvichingodaro. Muenzaniso upi kana upi ungashandiswa, zvisinei, unofanira kusarudzwa nemhaka yenhambo yacho uye mashoko, kwete bedzi nemhaka yokuti iwo muenzaniso unodikanwa zvikuru nomukurukuri.
4 Heri shoko renyevero. Rega kunyanyowanza mienzaniso muhurukuro. Ishandise, asi rega kunyanyoishandisa.
5 Kushandiswa kwakafanira kwemienzaniso unyanzvi. Kunoda unyanzvi uye ruzivo rwokuzviwanira. Asi kubudirira kwayo hakugoni kutaurwa kupfuura izvozvi. Kuti udzidze kushandisa mienzaniso unofanira kudzidza kufunga maererano nemienzaniso. Sezvaunorava, cherechedza mienzaniso inoshandiswa. Sezvaunotarira zvinhu, funga nezvazvo maererano nokurarama kwechiKristu uye ushumiri. Somuenzaniso, kana ukaona ruva riri muchirongo rinoratidzika kuva raoma uye rasvava, ungafunga kuti, “Ushamwari hwakafanana nomuti. Kuti ukure unofanira kudiridzwa.” Vamwe vanhu nhasi vanotarira mwedzi maererano bedzi nokuenda kuchadenga. MuKristu anoutarira sebasa ramaoko aMwari, nyika yomuchadenga yakasikwa Naye, chinhu chinogara nokusingaperi, chimwe chinhu chinotapura upenyu hwedu hwezuva riri rose, chichiparira mafungu kuti adzikire ndokuyerera.
6 Mukugadzirira hurukuro, kana mienzaniso yakapfava isingayeukwi nyore nyore, nzvera mashoko anowirirana muzvinyorwa zveWatch Tower Society. Ona kana mienzaniso ichishandiswa imomo. Funga nezvamashoko makuru ari muhurukuro yacho uye mifananidzo yaanopa kundangariro yako. Vakira pana iyoyi. Asi yeuka, muenzaniso usingakodzeri wakaipa zvikuru kupfuura kusatongova nomuenzaniso. Pakurangarira “Mienzaniso inokodzera mashoko,” kwakarongwa pafomu reZano Rokutaura, pane mativi anoverengeka enhau yacho okuyeuka.
7-9. Nei mienzaniso yakapfava ichibudirira kwazvo?
7 Yakapfava. Muenzaniso wakapfava uri nyore zvikuru kuyeuka. Unotsigira chibvumikiso panzvimbo pokutsausa nemhaka yokuoma kwawo. Mienzaniso yaJesu yakanga ichiwanzova yamashoko mashomanene. (Somuenzaniso, ona Mateo 13:31-33; 24:32, 33.) Kuti ugova wakapfava, mashoko acho anofanira kunzwisiswa. Kana muenzaniso uchida tsananguro huru, mutwaro wakakurisa. Urege kana kuti upfavise.
8 Jesu akashandisa zvinhu zviduku kutsanangura zvinhu zvikuru, zvinhu zviri nyore kutsanangura zvinhu zvakaoma. Muenzaniso unofanira kuiswa muchiono nyore nyore, usina zvinhu zvakanyanyowanda zvinopiwa panguva imwe chete. Unofanira kuva wakananga uye wakajeka. Mienzaniso yakadaro haishandiswi zvisakafanira nyore nyore.
9 Muenzaniso unova wakanakisisa kana uchiwirirana chose chose namashoko awakagadzirirwa kuenzanisira. Kana rutivi rwakati rwomuenzaniso rwusina kukodzera, kungava kuri nani kusarwushandisa. Mumwe munhu achafunga nezvamativi asina kukodzera uye iwo ucharasikirwa nokushanda kwawo.
10, 11. Ratidza chikonzero nei kushandisa mienzaniso kuchifanira kujekeswa.
10 Kushanda kwajekeswa. Kana kushanda kwomuenzaniso kusingaitwi, vamwe vangawana pfundo racho asi vazhinji havazoriwani. Mukurukuri anofanira kuita kuti muenzaniso wacho ujeke mundangariro make ndokuziva donzo rawo. Anofanira kutaura nenzira yakapfava mune ukoshi hwomuenzaniso wacho. (Ona Mateo 12:10-12.)
11 Muenzaniso unogona kushandiswa munzira dzakati. Unogona kushandiswa kusimbisa nheyo inotaurwa nenzira yakapfava muenzaniso usati washandiswa kana kuti zvimwe pashure pawo. Unogona kushandiswa kupfurikidza nokusimbisa migumisiro yechibvumikiso chinoratidzirwa nomuenzaniso. Kana kuti unogona kushandiswa kupfurikidza nokungokwevera ngwariro kuzvakafanana zvamapfundo omuenzaniso wacho nechibvumikiso.
12-14. Chii chichabetsera kusarudza uri muenzaniso wakakodzera?
12 Mapfundo anokosha asimbiswa. Rega kushandisa muenzaniso nemhaka bedzi yokuti wangofunga nezvawo. Nzvera hurukuro yacho kuti uzive ari mapfundo makuru ipapo ndokusarudza mienzaniso yokubetsera kuasimbisa. Kana mienzaniso ine simba ikashandiswa pamapfundo maduku, vateereri vangayeuka mapfundo maduku panzvimbo pemakuru. (Ona Mateo 18:21-35; 7:24-27.)
13 Muenzaniso hausati uchifanira kudzikatidza chibvumikiso. Ungava icho vateereri vanoyeuka, asi sezvo muenzaniso unoyeukwa kundangariro pfundo rawakagadzirirwa kusimbisa rinofanira kuyeukwawo. Kana rikasadaro, muenzaniso wava wakatanhamara zvikuru.
14 Mukugadzirira hurukuro uye kusarudza mienzaniso, yera ukoshi hwomuenzaniso wacho uchienzanisa namapfundo anofanira kusimbiswa. Unosimbisa mapfundo iwawa here? Unoatanhamarisa here? Unoita kuti mapfundo acho ave nyore zvikuru kunzwisisa nokuyeuka here? Kana usingadaro, hausati uri muenzaniso wakakodzera.
**********
15, 16. Tsanangura chikonzero nei mienzaniso ichifanira kukodzera vateereri.
15 Mienzaniso haisati ichingofanira bedzi kukodzera mashoko asi inofanira kukodzereswa navateereri vako. Ikoku kwakarongwa kwakaparadzana pafomu rezano se“Mienzaniso inokodzera vateereri.” Apo Natani akakumbirwa kururamisa Dhavhidhi muchivi chake naBhati-shebha, akasarudza muenzaniso womurombo negwayana rake rimwe. (2 Sam. 12:1-6) Muenzaniso uyu wakanga usati uchingova bedzi wokungwarira pakutaura, asi waikodzera Dhavhidhi, sezvo akanga ave ari mufudzi. Iye akanzwisisa pfundo racho pakarepo.
16 Kana vazhinjisa vavanhu vari muvateereri vakwegura, mienzaniso ingafadza bedzi vanhu vaduku haisati ichifanira kushandiswa. Asi kuboka ravadzidzi vapakoreji, mienzaniso yakadaro ingakodzera zvakakwana. Pane dzimwe nguva mienzaniso inogona kubatwa nayo mumirangariro miviri yakapesana nokuda kwaavo vari muvateereri, vakadai savakuru navaduku, varume navakadzi.
17-19. Kuti mienzaniso ifadze vateereri vako, inofanira kutorwa kupi?
17 Yatorwa mumamiriro ezvinhu akarovedzeka. Kana uchishandisa zvinhu zviripo mukuita mienzaniso, ichava yakarovedzana navateereri vako. Jesu akaita izvozvi. Kumukadzi aiva patsime akafananidza mavara ake anopa upenyu nemvura. Akashandisa zvinhu zviduku muupenyu, zvisati zviri zvechienzi. Mienzaniso yake yaipa nyore nyore mufananidzo kundangariro dzaavo vaiva muvateereri vake, kana kuti yaivayeuchidza pakarepo nezvezvakaitika kwavari muupenyu hwavo vamene. Akashandisa mienzaniso kudzidzisa.
18 Zvakafanana nhasi. Vadzimai vepamba vangaziva nezvenyika yebhizimisi, asi unoita zviri nani kana ukaenzanisira tsinhiro dzako nezvinhu zviri muupenyu hwavo hwezuva riri rose, vana vavo, mabasa avo epamba uye zvinhu zvinoshandiswa pamusha.
19 Inobudirirawo ndiyo mienzaniso yakavakirwa pane chimwe chinhu chiri chomunzvimbomo chaizvoizvo, zvichida chomunzvimbo iyeyo yakati bedzi. Zvinoitika zvazvino uno zvinosanozivikanwa munzanga yacho, zvakadai sezvinhu zviri munhau dzomunzvimbomo, zvakakodzerawo kana zvakanaka.
20-22. Dudza ngozi inofanira kudziviswa mukushandiswa kwemienzaniso.
20 Yakanaka. Muenzaniso upi noupi unoshandiswa unofanira kukodzera kurukurirano yeBhaibheri. Sezvinooneka, mienzaniso haisati ichifanira kuva “yakaipa,” ndiko kuti, pamusoro petsika. Dzivisa kutaura kune revo mbiri kana kungakanganiswa kunzwisiswa. Muitiro wakanaka kutevera ndouyu: Kana usina chokwadi, urege.
21 Mienzaniso haisati ichifanira kugumbura zvisiri madikanwa munhu upi noupi ari muvateereri vako, zvikurukuru avo vachangobva kusonganira. Nokuda kweichi chikonzero, kwaisazova kwakanaka kumutsa nhau dzedzidziso kana kuti dzinomutsa nharo dzisiri chaizvoizvo kubvumiranwa mukurukurirano yako. Somuenzaniso, ungasashandisa muenzaniso wakadai sekuisirwa ropa kana kuti kukwazisa mureza kana rakadaro risiri pfundo guru rehurukuro yacho. Mumwe munhu angatsauswa uye kunyange kugumburwa. Kana pfundo rehurukuro yako riri rokukurukura nhau dzakadaro, izvozvo zvakasiyana. Ipapo une mukana wokurangarira pamusoro padzo ndokupwisa vateereri vako. Asi usakurira donzo rako kupfurikidza nokubvumira mienzaniso yako kuita kuti vateereri vako vafungire zvakaipa zvokwadi dzinokosha dzauri kukurukura.
22 Naizvozvo shandisa nzwisiso mukusarudza mienzaniso yako. Iva nechokwadi chokuti yakakodzera. Ichava yakadaro kana ichikodzera zvose zviri zviviri mashoko ako navateereri vako.