RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 8 p. 11
  • Mienzaniso Inodzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mienzaniso Inodzidzisa
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Yakakodzera
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • “Aisataura Kwavari Pasina Mufananidzo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Dzidzisa Nokunzwisisa Nokunyengetedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Tevedzera Mudzidzisi Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 8 p. 11

CHIDZIDZO 8

Mienzaniso Inodzidzisa

Rugwaro

Mateu 13:34, 35

PFUPISO YECHIDZIDZO: Vandudza madzidzisiro ako kuburikidza nekushandisa mienzaniso iri nyore uye inosvika pamwoyo yevateereri, ichidzidzisa pfungwa dzinokosha.

MAITIRWO AZVO:

  • Shandisa mienzaniso iri nyore. SaJesu, shandisa zvinhu zvidiki pakutsanangura zvinhu zvikuru, uye zvinhu zviri nyore pakutsanangura zvinhu zvakaoma. Usataura zvinhu zvisingakoshi, izvo zvinogona kuita kuti muenzaniso wacho uome. Iva nechokwadi chekuti zvauchataura mumuenzaniso wako zvinonyatsobudisa chidzidzo chacho kuti vateereri vako vasavhiringidzwa nezvinhu zvisinei nepfungwa yauri kutaura.

    Zano

    Cherechedza. Tarisa zvinhu zvakakupoteredza, dzidza zvinyorwa zvesangano raJehovha, uye teerera vadzidzisi vane unyanzvi. Ona kuti mienzaniso ipi yaunogona kuzoshandisawo kuti uvandudze madzidzisiro ako. Nyora mienzaniso yacho woichengeta.

  • Funga vateereri vako. Sarudza mienzaniso yezvinhu zvinofarirwa nevateereri vako uye zvavanoita muupenyu. Chenjerera kuti mienzaniso yako irege kuvanyadzisa kana kuti kuvagumbura.

  • Dzidzisa pfungwa huru. Shandisa mienzaniso pakubudisa pfungwa huru, kwete pazvinhu zvidiki. Ita kuti vateereri vako vasangoyeuka muenzaniso wacho chete, asiwo pfungwa yavadzidza pamuenzaniso wacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe