RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 23
  • Maroto aFarao

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maroto aFarao
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Havachazonzwizve Nzara”
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Unomboita Godo Here? Vakoma vaJosefa Vaiva Naro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 23
Farao achirota

NHAU 23

Maroto aFarao

Makore maviri apfuura, Josefa achiri mutorongo. Mudiri haanokumuyeuka. Zvino humwe usiku Farao anorota hope dzinokosha mbiri, uye anoshamisika kuti dzinorevei. Unomuona here avete apo? Mangwana acho anodana vachenjeri vake ndokuvaudza zvinhu zvaakarota. Asi havakwanisi kumuzivisa revo yamaroto ake.

Zvino pakupedzisira mudiri anoyeuka Josefa. Anoti kuna Farao: ‘Pandaiva mutorongo maiva nomurume aigona kuzivisa revo yamaroto.’ Pakarepo Farao anoita kuti Josefa abudiswe mutorongo.

Mombe 7 dzakakora, mombe 7 dzakaonda

Farao anoudza Josefa maroto ake: ‘Ndakaona mhou nomwe dzakakora, dzakaisvonaka. Tevere ndakaona mhou nomwe dzakaonda chaizvo. Uye dzakaonda dzakadya dzakakora.’

‘Muroto rangu repiri ndakaona hura nomwe dzezviyo dzizere, dzaibva dzichitumbuka padzinde. Tevera ndakaona hura nomwe nhete, dzakaoma dzezviyo. Uye hura nhete dzezviyo dzakavamba kumedza hura nomwe dzakanaka dzezviyo.’

Hura dzezviyo dzakatetepa nehura dzezviyo dzakasvika

Josefa anoti kuna Farao: ‘Maroto maviri anoreva chinhu chimwe. Mhou nomwe dzakakora nehura nomwe dzizere dzezviyo zvinoreva makore manomwe, nemhou dzakaonda nomwe nehura nomwe nhete zvinoreva mamwe makore manomwe apo muEgipita muchava nezvokudya zvizhinji. Tevere kuchava namakore manomwe apo zvokudya zvishoma zvichamera.’

Nokudaro Josefa anoudza Farao: ‘Sarudzai munhu akachenjera ndokumuita mutarisiri wokuunganidza zvokudya mumakore manomwe akanaka. Ipapo vanhu havazovi nenzara mumakore manomwe akashata anotevera apo zvokudya zvishoma zvichamera.’

Farao anoda pfungwayo. Anosarudza Josefa kuunganidza zvokudya, nokuzvichengeta. Josefa anova munhu anoisvokosha muEgipita, anotevedzera Farao.

Makore masere pashure, mukati menzara, Josefa anoona varume vachiuya. Unoziva here kuti ndivanaani? Idika, vakoma vake 10! Baba vavo Jakobho avatuma Egipita nokuti vakanga vopererwa nezvokudya kumusha muKanani. Josefa anoziva vakoma vake, asi ivo havamuzivi. Unoziva kuti nei here? Imhaka yokuti Josefa akura, uye akapfeka rudzi rwakasiyana rwezvipfeko.

Josefa anoyeuka kuti achiri mukomana akarota pamsoro pavakoma vake vachiuya kuzomufugamira. Unoyeuka uchirava nezvakwo here? Nokudaro Josefa anoona kuti ndiMwari akamutuma Egipita, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. Unofunga kuti Josefa anoitei? Ngationei.

Genesisi 41:1-57; 42:1-8; 50:20.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe