RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 27
  • Mambo Akaipa Anodzora Egipita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mambo Akaipa Anodzora Egipita
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuyambuka Gungwa Dzvuku
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehovha Ndianiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mamwe Matambudziko 6 Anotevera
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 27
VaIsraeri vari muIjipiti vachishandiswa sevaranda

NHAU 27

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

VANHU vari pano vari kumanikidza vanhu kushanda. Tarira murume ari kurova mumwe wavashandi netyava! Vashandi ndevemhuri yokwaJakobho, uye vanonzi vaIsraeri. Uye varume vanovamanikidza kushanda vaEgipita. VaIsraeri vava varanda veEgipita. Ikoku kwakaitika sei?

Kwamakore mazhinji mhuri huru yaJakobho yakagara murugare muEgipita. Josefa, aiva munhu anoisvokosha muEgipita aitevedzera Farao Mambo, aivatarisira. Asika zvino Josefa akafa. Uye Farao mutsva, asina kuda vaIsraeri, akava mambo muEgipita.

Nokudaro uyu Farao akaipa akaita vaIsraeri varanda. Uye akaisa vanhu vokuvatarisira vasina tsitsi uye vanoutsinye. Vaimanikidza vaIsraeri kushanda nesimba kwazvo kuvaka maguta aFarao. Asika vaIsraeri vakapfuurira kuwedzera. Pashure pechinguvana vaEgipita vakatya kuti vaIsraeri vaizonyanyowandisa ndokuva vakasimba zvikuru.

Varanda vachiIsraeri vachiitirwa utsinye nevaIjipiti

Unoziva chakaitwa naFarao here? Akataura navakadzi vaibetsera mamai echiIsraeri paaibereka vana vawo, achiti: ‘Munofanira kuuraya mukomana ari wose anoberekwa.’ Asi ava vaiva vakadzi vakanaka, nokudaro havati vaizouraya vanavo.

Nokudaro Farao akapa uyu murayiro kuvanhu vake vose: ‘Torai vakomana vose vechiIsraeri mugovauraya. Regai vasikana bedzi vararame.’ Ko chakanga chisiri chinhu chakaipa here ichecho chokurayira? Ngationei kuti kamwe kavakomana kakaponeswa sei.

Eksodho 1:6-22.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe