RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 17 p. 46-p. 47 ndim. 2
  • Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chimwe Chinhu Chikuru Kupfuura Upfumi hweIjipiti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Maponeserwe Akaitwa Mosesi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kutenda Kwevabereki Kunotuswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mosesi—Munhu Chaiye Here Kana Kuti Wokufungidzira?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 17 p. 46-p. 47 ndim. 2
Mozisi achiri mudiki uye awanikwa nemwanasikana waFarao, uku Miriyemu akavatarisa ari pedyo

CHIDZIDZO 17

Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha

KuIjipiti, mhuri yaJakobho yakatanga kuzivikanwa sevaIsraeri. Jakobho naJosefa pavakanga vafa, mumwe Farao akatanga kutonga. Farao wacho akatya kuti vaIsraeri vakanga vava kuva nesimba rakawanda kupfuura vaIjipiti. Saka akaita kuti vaIsraeri vave varanda. Akavamanikidza kuti vagadzire zvidhinha uye kuti vashande zvakaoma muminda. Asi vaIjipiti pavaiwedzera kuvamanikidza kuti vashande zvakaoma, vaIsraeri vaitoramba vachiwanda. Farao haana kuzvifarira, saka akarayira kuti vanakomana vese vevaIsraeri vaurayiwe pavaingozvarwa. Chimbofungidzira kutya kwaiita vaIsraeri!

Mumwe mukadzi wechiIsraeri ainzi Jokebhedhi, akabereka mwanakomana ainge akanaka chaizvo. Kuti achengetedze mwana wacho, akamuisa mubhasikiti achibva ariviga mutsanga dzaiva murwizi rwaNire. Miriyemu, hanzvadzi yemwana wacho, akaramba ari pedyo achida kuona kuti chii chaizoitika.

Mwanasikana waFarao akauya kuzogeza murwizi rwaNire akabva aona bhasikiti riya. Mukati maro akaona mwana aichema, achibva amunzwira tsitsi chaizvo. Miriyemu akati: ‘Ndoenda kunotsvaga mukadzi anogona kukurererai mwana uyu here?’ Mwanasikana waFarao paakati zvinoita, Miriyemu akabva anoshevedza amai vake, Jokebhedhi. Mwanasikana waFarao akati kuna Jokebhedhi: ‘Ndirererei mwana uyu, uye ndichakubhadharai.’

Mozisi ari kumhanya

Mwana wacho paakati kurei, Jokebhedhi akaenda naye kune mwanasikana waFarao, uyo akamupa zita rekuti Mozisi achibva amuchengeta semwanakomana wake. Mozisi akarerwa semwana wamambo uye aigona kuwana zvese zvaaida. Asi Mozisi haana kumbokanganwa Jehovha. Ainyatsoziva kuti akanga ari werudzi rwevaIsraeri kwete rwevaIjipiti. Saka akasarudza kunamata Jehovha.

Ava nemakore 40, Mozisi akafunga kubatsira vanhu vekwake. Paakaona muIjipiti achirova muranda wechiIsraeri, Mozisi akarova muIjipiti wacho kusvikira afa, achibva amuviga mujecha. Farao paakazviziva akaedza kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza akaenda kunyika yeMidhiyani. Jehovha akamuchengeta ari ikoko.

“Nekutenda, Mozisi . . . akaramba kunzi mwanakomana wemwanasikana waFarao, achisarudza kubatwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari.”—VaHebheru 11:24, 25

Mibvunzo: VaIsraeri vaibatwa sei muIjipiti? Nei Mozisi akatiza kubva kuIjipiti?

Genesisi 49:33; Eksodho 1:1-14, 22; 2:1-15; Mabasa 7:17-29; VaHebheru 11:23-27

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe