RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 29
  • Chikonzero Nei Mosesi Akatiza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Mosesi Akatiza
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
  • Gwenzi riri kubvira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Gwenzi Raipfuta Moto
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mosesi—Munhu Chaiye Here Kana Kuti Wokufungidzira?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 29
Mozisi anobuda muIjipiti achitiza

NHAU 29

Chikonzero Nei Mosesi Akatiza

TARIRA Mosesi achitiza Egipita. Ungaona varume vari kumutandanisa here? Unoziva here kuti nei vachida kuuraya Mosesi? Ngationei kana tingagona kuwana.

Mosesi akakurira mumba yaFarao, mubati ushe weEgipita. Akava murume akachenjera kwazvo uye mukuru. Mosesi aiziva kuti akanga asiri muEgipita, asi kuti vabereki vake chaivo vaiva varanda vechiIsraeri.

Rimwe zuva, ava namakore 40, Mosesi akatema kundoona kuti vanhu vokwake vakadini. Mabatirwe avaiitwa anga akaipisisa. Akaona muEgipita achirova muranda wechiIsraeri. Mosesi akatarisa tarisa, paakaona kusina munhu anoona, akarova muEgipita, ndokufa. Mosesi ndokuvanza chitunha chake mujecha.

Mangwana wacho Mosesi akaendazve kundoona vanhu vokwake. Akafunga kuti angavabetsera kuti vagorega kuvazve varanda. Asi akaona varume vechiIsraeri vaviri vachirwa, saka Mosesi akati kune mumwe aiva nemhaka: ‘Unorovereiko hama yako?’

Murumeyo akati: ‘Ndianiko akakuita mubati ushe wedu nomutongi? Uchandiuraya sokuuraya kwawakaita muEgipita uya here?’

Zvino Mosesi akatya. Akaziva kuti vanhu vakanga vawana chaakanga aitira muEgipita. Kunyange Farao akanzwa nezvakwo, ndokutuma vanhu kundouraya Mosesi. Ndokusaka Mosesi aitofanira kutiza muEgipita.

Apo Mosesi akabva Egipita, akaenda kure kunyika yeMidhiani, akasangana nemhuri yaJetero ikoko, ndokuroora mumwe wavanasikana vake ainzi Zipora. Mosesi akava mufudzi ndokutarisira makwai aJetero. Kwamakore 40 akagara munyika yeMidhiani. Zvino akanga ava namakore 80. Zvino rimwe zuva, achingunotarisira makwai aJetero, chinhu chinoshamisa chakachinja upenyu hwose hwaMosesi chakaitika. Vhura peji, tigoona chiri chishamiso ichi.

Eksodho 2:11-25; Mabasa 7:22-29.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe