RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 35
  • Jehovha Anopa Mitemo Yake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anopa Mitemo Yake
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 5—Dheuteronomio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Gwenzi riri kubvira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 35
Mozisi achipiwa mutemo waMwari paGomo reSinai

NHAU 35

Jehovha Anopa Mitemo Yake

Inenge mwedzi miviri vabva Egipita, vaIsraeri vanosvika kuGomo reSinai, rinonziwo Horebhi. Iyi inzvimbo imweyo apo Jehovha akataura kuna Mosesi ari mugwenzi rinopfuta mwoto. Vanhu vakadzika misasa pano ndokugara kwechinguvana.

Vanhu zvavanomirira pasi, Mosesi anokwira gomo. Pamusoro pegomo ipapo, Jehovha anoudza Mosesi kuti Anoda kuti vaIsraeri vaterere Iye uye kuva rudzi Rwake chairwo. Mosesi paanoburuka, anoudza vaIsraeri zvataurwa naJehovha. Vanhu vanoti vachaterera Jehovha, nokuti vanoda kuva rudzi rwake.

Zvino Jehovha anoita chinhu chechienzi. Anotugusa pamusoro pegomo noutsi, anoparira kutinhira kukuru. Anotaurawo kuna vanhu: ‘Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa muEgipita.’ Tevere anoraira: ‘Usanamata vamwe vamwari vapi nevapi kunze kwangu bedzi.’

Mwari anopa vaIsraeri mimwe mirairo mipfumbamwe, kana mitemo. Vanhu vanotya kwazvo. Vanoudza Mosesi kuti: ‘Taura kwatiri, nokuti tinotya kuti kana Mwari akataura kwatiri tingafa.’

Pashure Jehovha anoudza Mosesi: ‘Kwira kwandiri mugomo. Ndichakupa mabwe mairi akaserera andanyora paari mitemo yandinoda kuti vanhu vachengete.’ Zvino Mosesi anokwirazve mugomo. Anogarako kwamazuva 40 nousiku.

Mwari ane mitemo mizhinji kwazvo nokuda kwavanhu vake. Mosesi anonyora iyi mitemo. Mwari anopawo Mosesi mabwe maviri akaserera. Panaaya, Mwari amene akanyora mitemo 10 yaakataura kuna vanhu vose. Inonzi Mirairo Gumi.

Mirairo Gumi mitemo inokosha. Ndozvakaitawo mimwe mitemo mizhinji inopiwa vaIsraeri naMwari. Mumwe weiyi mitemo ndouyu: ‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nendangariro yako yose, mweya wako wose nesimba rako rose.’ Uye mumwe ndouyu: ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita iwe.’ Mwanakomana waMwari Jesu Kristu, akati iyi ndiyo mitemo mikurusa miiri yakapa Jehovha rudzi rwake Israeri. Gare gare tichadzidza zvinhu zvizhinji pamusoro poMwanakomana waMwari nedzidziso dzake.

Eksodho 19:1-25; 20:1-21; 24:12-18; 31:18; Dheuteronomio 6:4-6; Revhitiko 19:18; Mateo 22:36-40.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe