RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 23 p. 60-p. 61 ndim. 4
  • Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopa Mitemo Yake
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Sinai—Gomo raMosesi Nengoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 23 p. 60-p. 61 ndim. 4
VaIsraeri vakamira mujinga meGomo reSinai

CHIDZIDZO 23

Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

Kwapera mwedzi inenge miviri kubva pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakasvika paGomo reSinai uye vakabva vavaka musasa ipapo. Jehovha akashevedza Mozisi kuti akwire mugomo, ndokumuudza kuti: ‘Ndakanunura vaIsraeri. Kana vakanditeerera uye vakachengeta mitemo yangu, vachava vanhu vangu vandinoda.’ Mozisi akabva aburuka mugomo akanoudza vaIsraeri zvakanga zvataurwa naJehovha. Vakatii nazvo? Vakapindura kuti: ‘Tichaita zvese zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite.’

Mozisi akakwirazve mugomo. Ari imomo, Jehovha akati: ‘Mumazuva matatu anotevera ndichataura nemi. Udza vanhu kuti varege kukwira muGomo reSinai.’ Mozisi akaburuka akanoudza vanhu kuti vagadzirire kunzwa zvaizotaurwa naJehovha.

VaIsraeri vari kuona mheni uye gore rakasviba riri pamusoro peGomo reSinai

Kwapera mazuva matatu, vaIsraeri vakaona mheni uye gore rakasviba mugomo. Vakanzwawo ruzha rwemabhanan’ana uye hwamanda yairira. Jehovha akabva aburukira mugomo ari mumoto. VaIsraeri vakatya chaizvo zvekuti vakatanga kudedera. Gomo rese rakazununguka zvine simba rikazara utsi. Ruzha rwehwamanda yairira rwakaramba rwuchiwedzera. Mwari akabva ati: ‘Ndini Jehovha. Hamufaniri kunamata vamwe vanamwari.’

Mozisi akadzokerazve kugomo, uye Jehovha akamupa mitemo yekuti anopa vanhu kuti vazive kuti vaifanira kumunamata sei uye vaifanira kurarama sei. Mozisi akanyora mitemo yacho uye akaiverengera vaIsraeri. Vakavimbisa Mwari kuti: ‘Tichaita zvese zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite.’ Asi vaizochengeta vimbiso iyoyo here?

“Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese.”—Mateu 22:37

Mibvunzo: Chii chakaitika paGomo reSinai? VaIsraeri vakavimbisa kuti vaizoita sei?

Eksodho 19:1–20:21; 24:1-8; Dheuteronomi 7:6-9; Nehemiya 9:13, 14

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe