RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 44
  • Rakabhi Anovanza Tsori

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakabhi Anovanza Tsori
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rakabhi Aitenda Muna Jehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Rakabhi Akateerera Mashoko Aakanzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Rakabhi Akahwandisa Vasori
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Akanzi “Akarurama Nemabasa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 44
Rakabhi aine mumwe wevasori vari pahwindo netambo tsvuku

NHAU 44

Rakabhi Anovanza Tsori

Varume ava vari muchinetso. Vanofanira kutiza, nokuti vakasadaro vangaurawa. Itsori dzechiIsraeri, mukadzi ari kudzibetsera ndiRakabhi. Rakabhi anogara muno muimba iri parusvingo rweguta reJeriko. Ngationei kuti nei varume ava vari muchinetso.

VaIsraeri vagadzirira kuyambuka Rwizi rweJoridhani ndokupinda munyika yeKanani. Vasati vayambuka, Joshua anotuma tsori mbiri. Anoti: ‘Endai mundoona nyika neguta reJeriko.’

Mumwe wevasori achidzika pahwindo netambo tsvuku yaRakabhi

Apo tsori dzinosvika muJeriko, dzinoenda kumba kwaRakabhi. Asi mumwe munhu anoudza mambo weJeriko kuti: ‘VaIsraeri vairi vapinda muno usiku kuzoshora nyika.’ Paanonzwa izvi, mambo anotuma varume kuna Rakabhi, uye vanomurayira kuti: ‘Budisa varume vaunavo mumba mako!’ Asi Rakabhi avanza tsori pamusoro pedenga rake. Saka anoti: ‘Vamwe varume vakauya kumba yangu, asi handina kuziva kwavaibva. Vabva kwosviba, suo reguta risati rapfigwa. Kana mukachimbidza, mungavabata!’ Nokudaro varumevo vakavamhanyira.

Vaenda, Rakabhi anomhanyira padenga. ‘Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika ino,’ anoudza tsori. ‘Takanzwa mapwisire aakaita Gungwa Dzvuku pamaibva Egipita, namauraire amakaita mambo weSihoni noweOgi. Ndakuitirai mutsa, saka ndipikirei, ndapota, kuti muchandiitira mutsa. Ponesai baba vangu namai vangu, nehanzvadzi dzangu navanin’ina.’

Tsori dzinopikira kuti dzichavaponesa, asika Rakabhi anofanira kuita chimwe chinhu. ‘Tora bote iri dzvuku ugorisungirira pawindi rako,’ dzinodaro tsori, ‘uye unganidzira hama dzako dzose mumba mako. Uye patinodzoka tose kuzotora Jeriko, tichaona iri bote muwindi rako ndokusauraya ani nani ari mumba mako.’ Apo tsori dzinodzokera kuna Joshua, dzinomuudza chinhu chose chakaitika.

Joshua 2:1-24; VaHebheru 11:31.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe