RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 30 p. 76
  • Rakabhi Akahwandisa Vasori

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakabhi Akahwandisa Vasori
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rakabhi Aitenda Muna Jehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Rakabhi Akateerera Mashoko Aakanzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Rakabhi Anovanza Tsori
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akanzi “Akarurama Nemabasa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 30 p. 76
Rakabhi anodzivirira vasori nekuita kuti masoja aende neimwe nzira

CHIDZIDZO 30

Rakabhi Akahwandisa Vasori

Vasori vechiIsraeri pavakaenda kuguta reJeriko, vakanogara kumba kwemukadzi ainzi Rakabhi. Mambo weJeriko paakazvinzwa, akabva atuma masoja ake kumba kwaRakabhi. Rakabhi akahwandisa vasori vaviri vaya padenga remba yake akabva arasisa masoja acho nekuita kuti aende neimwe nzira. Akati kuvasori vacho: ‘Ndichakubatsirai nekuti ndinoziva kuti Jehovha anemi uye kuti muchakunda nyika ino. Ndinokumbirawo kuti mundivimbise kuti muchatiponesa, ini nevemumhuri mangu.’

Vasori vacho vakaudza Rakabhi kuti: ‘Tiri kukuvimbisa kuti munhu wese achange ari mumba mako haazokuvadzwi.’ Vakatiwo: ‘Usungirire tambo tsvuku pahwindo remba yako uye vanhu vemumhuri mako vachapona.’

Imba yaRakabhi ine tambo tsvuku yakasungirirwa pahwindo remba, yakaramba yakamira pakakoromoka masvingo eJeriko

Rakabhi akaita kuti vasori vacho vaburuke nepahwindo rake vachishandisa tambo. Vakaenda kumakomo uye vakanohwanda kwemazuva matatu vachibva vazodzokera kuna Joshua. VaIsraeri vakabva vayambuka Rwizi rwaJodhani uye vakagadzirira kutora nyika yacho. Guta reJeriko ndiro ravakatanga kukunda. Jehovha akavaudza kuti vatenderere guta racho kamwe chete pazuva, kwemazuva 6. Pazuva rechi7, vakatenderera guta racho ka7. Vapristi vakabva varidza mabhosvo avo uye masoja akashevedzera nenzwi repamusorosoro. Masvingo eguta racho akatanga kudhirika! Asi imba yaRakabhi iyo yainge yakabatana nemasvingo, haina kudonha. Rakabhi nevemumhuri make vakapona nekuti aivimba naJehovha.

‘Saizvozvowo, . . . Rakabhi haana kunzi akarurama nemabasa here, pashure pekugamuchira nhume zvakanaka, akadzibudisa neimwe nzira?’—Jakobho 2:25

Mibvunzo: Nei Rakabhi akabatsira vasori? VaIsraeri vakakunda sei Jeriko? Chii chakaitika kuna Rakabhi nevemumhuri make?

Joshua 2:1-24; 6:1-27; VaHebheru 11:30, 31; Jakobho 2:24-26

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe