RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 49
  • Zuva Rinomira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zuva Rinomira
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Joshua nevaGibhiyoni
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 49
Joshua anoudza zuva kuti rimire

NHAU 49

Zuva Rinomira

TARIRA Joshua. Ari kuti: ‘Zuva, mira!’ Uye zuva rinomira. Rinomirapo chaipo pakati pedenga muswere wose. Jehovha anokuita! Asi ngatione kuti nei Joshua achida kuti zuva rirambe richipenya.

Apo madzimambo mashanu akaipa enyika yeKanani anorwisana navaGibheoni, vaGibheoni vanotuma munhu kundokumbira Joshua betsero. Vanoti: ‘Uyai kwatiri nokukurumidza!’ ‘Tiponesei!’ Madzimambo ose omunyika yezvikomo akwira kuzorwisana navabatiri venyu.’

Pakarepo Joshua neuto rake rose vanoenda. Vanorarirofamba. Pavanosvika Gibheoni, masoja amadzimambo mashanu anotya ndokutiza. Ipapo Jehovha anonisa chimvuramabwe chikuru kubva kudenga, uye masoja mazhinji anofa nokurohwa nechimvuramabwe anopfuura anourawa neuto raJoshua.

Joshua anoona kuti nokukurumidza zuva richanyura. Kuchasviba, uye mazhinji amasoja amadzimambo akaipa mashanu achatiza. Ndokusaka Joshua achinyengetera kuna Jehovha ibvei oti: ‘Zuva, mira!’ uye apo zuva rinoramba richipenya, vaIsraeri vanokwanisa kupedzisa kukunda hondo.

MuKanani munamamwe madzimambo mazhinji akaipa anovenga vanhu vaMwari. Kukunda madzimambo 31 omunyikayo kunotorera Joshua neuto rake makore anenge matanhatu. Pakunoitwa, Joshua anotarisira kuti nyika yeKanani inokamuranisirwa ndudzi idzo dzichikuda nyika.

Makore mazhinji anopfuura, uye pakupedzisira Joshua anofa ava namakore 110. Chero bedzi iye neshamwari dzake vari vapenyu, vanhu vanoterera Jehovha. Asi apo vanhu ava vakanaka vanofa, vanhu vanotanga kuita zvinhu zvakaipa ndokupinda mudambudziko. Apa ndipo pavanoda zvomenemene betsero yaMwari.

Joshua 10:6-15; 12:7-24; 14:1-5; Vatongi 2:8-13.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe