RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 31 p. 78-p. 79 ndim. 3
  • Joshua nevaGibhiyoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Joshua nevaGibhiyoni
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • VaGibheoni Vakachenjera
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Zuva Rinomira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 31 p. 78-p. 79 ndim. 3
VaGibhiyoni vanosvika pana Joshua nemasoja ake, vakapfeka hembe dzakabvaruka

CHIDZIDZO 31

Joshua nevaGibhiyoni

Mashoko pamusoro pezvakaitika kuJeriko akasvika kune vanhu vemamwe marudzi emuKenani. Madzimambo avo akafunga kuti abatane kuti arwise vaIsraeri. Asi vaGibhiyoni vakafunga zano. Vakaenda kuna Joshua, vakapfeka hembe dzakasakara-sakara vakati kwaari: ‘Tabva kunyika iri kure chaizvo. Takanzwa nezvaJehovha uye zvese zvaakakuitirai kuIjipiti nekuMoabhi. Tivimbisei kuti hamusi kuzotirwisa uye tichabva tava vashandi venyu.’

Joshua akabvuma zvavakataura uye akati aisazovarwisa. Papera mazuva matatu, akazoziva kuti vakanga vasingabvi kunyika iri kure. Vaigara munyika yeKenani. Joshua akabvunza vaGibhiyoni kuti: ‘Nei makatinyepera?’ Ivo vakati: ‘Nekuti taitya! Tinoziva kuti Jehovha Mwari wenyu ari kukurwirai. Tapota musatiuraya.’ Joshua akaita zvaakanga avavimbisa uye akavarega vari vapenyu.

Pasati papera mazuva, madzimambo 5 evaKenani pamwe chete nemasoja avo vakauya kuzorwisa vaGibhiyoni. Joshua nemasoja ake vakafamba usiku hwese vachienda kunonunura vaGibhiyoni. Hondo yakatanga mangwanani-ngwanani ezuva rakatevera racho. VaKenani vakatanga kutiza vakananga kumativi ese. Kwese kwavaitizira, Jehovha ainayisa chimvuramabwe chikuru pavari. Joshua akabva akumbira Jehovha kuti aite kuti zuva rimire. Nei akakumbira kuti Jehovha adaro iye aiziva hake kuti zuva rakanga risati rambomira? Nekuti Joshua ainyatsovimba naJehovha. Musi iwoyo, zuva harina kunyura kusvikira vaIsraeri vakunda madzimambo evaKenani nemasoja avo.

Joshua akatarira kudenga achikumbira Jehovha kuti aite kuti zuva rirambe rakamira

“Shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete, nekuti zvinopfuura izvi zvinobva kune akaipa.”—Mateu 5:37

Mibvunzo: VaGibhiyoni vakaitei kuti vazvidzivirire? Jehovha akabatsira sei vaIsraeri?

Joshua 9:1–10:15

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe