RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 40 p. 98-p. 99 ndim. 2
  • Dhavhidhi naGoriyati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhavhidhi naGoriyati
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Kurwa ndokwaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Dhavhidhi naGoriati
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Dhavhidhi Akanga Asingatyi
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Dhavhidhi—Zvaiita Kuti Asatya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 40 p. 98-p. 99 ndim. 2
Dhavhidhi ari kutema Goriyati nedombo

CHIDZIDZO 40

Dhavhidhi naGoriyati

Jehovha akaudza Samueri kuti: ‘Enda kumba kwaJese. Mumwe wevanakomana vake ndiye achazova mambo wevaIsraeri.’ Saka Samueri akabva aenda kumba kwaJese. Paakaona mwanakomana wake mukuru, akafunga kuti: ‘Uyu ndiye chaiye.’ Asi Jehovha akaudza Samueri kuti akanga asiri iye waakanga asarudza. Jehovha akati: ‘Ndinoona zviri pamwoyo, kwete zvakangoita munhu wacho nechekunze.’

Samueri ari kuzodza Dhavhidhi

Jese akauya nevamwe vanakomana vake 6 kuna Samueri. Asi Samueri akati: ‘Jehovha haana waasarudza pavari vese. Hauna vamwe vanakomana here?’ Jese akabva ati: ‘Kwasara mumwe chete, mudiki wacho, anonzi Dhavhidhi. Aenda kunofudza makwai angu.’ Dhavhidhi paakauya, Jehovha akati kuna Samueri: ‘Uyu ndiye wacho chaiye!’ Samueri akabva adurura mafuta mumusoro maDhavhidhi, achimuzodza kuti azova mambo wevaIsraeri.

Goriyati

Pava paya, vaIsraeri vakarwisana nevaFiristiya, avo vaiva nemusoja murefu akasimba chaizvo ainzi Goriyati. Zuva nezuva, Goriyati aigara achituka vaIsraeri zvekuvatsvinyira. Akashevedzera kuti: ‘Ndipei munhu wekuti ndirwe naye. Kana akandikunda, tinobva tava varanda venyu. Asi kana ndikamukunda, munobva mava varanda vedu.’’

Dhavhidhi akaenda nezvekudya kumusasa wemasoja evaIsraeri kuti anopa vakoma vake avo vaiva masoja. Akanzwa zvaitaurwa naGoriyati, achibva ati: ‘Ndinogona kunorwa naye!’ Mambo Sauro achibva ati: ‘Uchiri mudiki.’ Dhavhidhi akapindura kuti: ‘Jehovha achandibatsira.’

Sauro akaedza kuita kuti hembe dzake nezvombo zvake zvekurwa nazvo zvishandiswe naDhavhidhi, asi Dhavhidhi akati: ‘Handikwanisi kurwa ndakadai.’ Dhavhidhi akatora chipfuramabwe chake ndokuenda kurwizi. Akasarudza matombo 5 akanaka, achibva aaisa muhomwe. Dhavhidhi akabva amhanya akananga kwaiva naGoriyati. Goriyati akati: ‘Huya kuno mupfana. Ndichakuuraya, ndopa shiri dzekudenga nemhuka dzemusango nyama yako.’ Dhavhidhi haana kutyiswa nazvo. Akabva atiwo: ‘Uri kuuya kwandiri nebakatwa nepfumo, asi ini ndiri kuuya kwauri nezita raJehovha. Hausi kurwisana nesu, asi uri kutorwisana naMwari. Vanhu vese vari pano vachaona kuti Jehovha ane simba guru chaizvo kupfuura bakatwa kana kuti pfumo. Achaita kuti tikukundei mese.’

Dhavhidhi akakurumidza kuisa dombo pachipfuramabwe chake, achibva achitenderedza nesimba rake rese. Jehovha akaita kuti dombo racho rinonyura muhuma yaGoriyati. Goriyati akabva ati dhii pasi, ndokufa. VaFiristiya vakabva vatiza. Unovimba naJehovha sezvaiita Dhavhidhi here?

“Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nekuti zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”—Mako 10:27

Mibvunzo: Jehovha akasarudza ani kuti azova mambo?

Dhavhidhi akakunda sei Goriyati?

1 Samueri 16:1-13; 17:1-54

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe