RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 58
  • Dhavhidhi naGoriati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhavhidhi naGoriati
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Kurwa ndokwaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • “Kurwa ndokwaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Dhavhidhi naGoriyati
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Dhavhidhi Akanga Asingatyi
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 58
Dhavhidhi anoshandisa chipfuramambwe chake, masoja evaIsraeri akatarisa

NHAU 58

Dhavhidhi naGoriati

VAFIRISTIA vanouyazve kuzorwisana naIsraeri. Vakoma vatatu vaDhavhidhi zvino vari muuto raSauro. Zvino rimwe zuva Jese anoudza Dhavhidhi kuti: ʼEnda nezviyo nezvingwa kuvakoma vako. Wana kuti vakadini.ʼ

Panosvika Dhavhidhi pamusasa weuto, anomanyira kumutsara weuto kundotsvaka vakoma vake. Hofori yechiFiristia inobuda kuzoita musere pavaIsraeri. Ave achikuita mangwanani ari ose namadekwana kwamazuva 40. Anodanidzira kuti: ʼSarudzai mumwe wavarume venyu azondirwisa. Kana akandikunda ndokundiuraya, tichava varanda venyu. Asi kana ndikakunda ndokumuuraya, muchava varanda vedu. Ndinokukokerai kusarudza mumwe munhu kuzondirwisa.ʼ

Goriyati nemasoja evaFiristiya

Dhavhidhi anobvunza vamwe vamasoja kuti: ʼMunhu anouraya uyu muFiristia ndokubvisa Israeri paruzvidzwo urwu uchawaneiko?

ʼSauro achapa pfuma zhinji munhuyo,ʼ musoja anodaro. ʼUye achamupa mwanasikana wake kuva mudzimai wake.ʼ

Asi vaIsraeri vose vanotya Goriati nokuti mukuru kwazvo. Anopfuura tsoka 9 (anenge mamita 3) kureba, uye anomumwe musoja anomutakurira nhovo yake.

Mamwe masoja anondoudza Mambo Sauro kuti Dhavhidhi anoda kurwisa Goriati. Asi Sauro anoudza Dhavhidi kuti ʼHaungarwisi muFiristia uyu. Unongova hako kakomana bedzi, uye iye ave ari musoja upenyu hwake hwose.ʼ Dhavhidhi anoti: ʼNdakauraya bere neshumba zvakatora makwai ababa vangu. Saka muFiristia uyu achava sechimwe chazvo. Jehovha achandibetsera.ʼ Nokudaro Sauro anoti: ʼEnda, uye Jehovha ngaave newe.ʼ

Dhavhidhi anoburukira parwizi ndokutora hurungudo 5, ndokudziisa muhomwe yake. Anotora chipfuramabwe ndokundosangana nehofori. Apo Goriati anomuona, haangazvidaviri. Anofunga kuti kuchava nyore kuuraya Dhavhidhi.

ʼUya kwandiri,ʼ Goriati anodaro, ʼuye ndichapa muviri wako kushiri nemhuka kuti zvidye.ʼ Asi Dhavhidhi anoti: ʼUnouya kwandiri nomunondo, nepfumo nemharu, asi ndinouya kwauri nezita raJehovha uyo uchakuisa mumaoko angu uye ndichakuriga.ʼ

Ipapo Dhavhidhi anomanyira kuna Goriati. Anotora dombo muhomwe yake, anoriisa muchipfuramabwe chake, anoriposhera nesimba rake rose. Dombo rinonanga mumusoro maGoriati, uye anowira pasi ndokufa! Apo vaFiristia vanoona kuti mhare yavo yawa, vose vanotenderuka ndokutiza. VaIsraeri vanovamanyira ndokukunda hondo.

1 Samueri 17:1-54.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe