RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 59
  • Nei Dhavhidhi Achitiza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Dhavhidhi Achitiza
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Dhavhidhi naSauro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Dhavhidhi Anoitwa Mambo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Zviri Mubhuku ra1 Samueri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 59
Dhavhidhi anonzvenga pfumo rakandwa naMambo Sauro

NHAU 59

Nei Dhavhidhi Achitiza

DHAVHIDHI auraya Goriati, mukuru weuto raIsraeri Abhineri anomuunza kuna Sauro. Sauro anofadzwa kwazvo naDhavhidhi. Anomuita mukuru muuto rake ndokumutora kundogara kuimba yamambo.

Pashure, apo uto rinodzoka kundorwisa vaFiristia, vakadzi vanoimba: ʼSauro akauraya zvuuru, asi Dhavhidhi makumi ezvuuru.ʼ Ikoku kunoita Sauro ave negodo, nokuti Dhavhidhi anopiwa rukudzo rukuru kupinda runopiwa Sauro. Asi mwanakomana waSauro Jonatani haana godo. Anoda Dhavhidhi kwazvo, Dhavhidhi anodawo Jonatani. Nokudaro vaviri vanopikirana kuti vachagarova shamwari.

Mambo Sauro akatsamwa

Dhavhidhi muridzi kwazvo wechipendani, uye Sauro anoda nziyo dzaanoridza. Asi rimwe zuva godo raSauro rinomuparira kuita chinhu chakaipisisa. Dhavhidhi achingunoridza hake chipendani, Sauro anotora pfumo rake ndokuriposhera, achiti: ʼNdichabairira Dhavhidhi pachidziro!ʼ Asi Dhavhidhi anonzvenga, pfumo rinomupotsa. Pashure Sauro anopotsazve Dhavhidhi nepfumo rake. Nokudaro Dhavhidhi anoziva zvino kuti anofanira kungwarira zvikuru.

Unoyeuka here chipikirwa chakaitwa naSauro? Akati aizopa mwanasikana wake kuva mudzimai womunhu aizouraya Goriati. Sauro pakupedzisira anoudza Dhavhidhi kuti angava nomwanasikana wake Mikari, asi kutanga anofanira kuuraya zana ravaFiristia muvengi. Funga nezvakwo! Sauro anokarira kuti vaFiristia vachauraya Dhavhidhi. Asi havamuurayi, nokudaro Sauro anopa mwanasikana wake kuva mudzimai waDhavhidhi.

Rimwe zuva Sauro anoudza Jonatani navabatiri vake vose kuti anoda kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani anoti kuna baba vake: ʼRegai kuuraya Dhavhidhi. Haana kutongokuitirai chakashata. Asi, chose chaakaita chakakubetserai zvikuru. Akaisa upenyu pangozi paakauraya Goriati, uye pamakakuona, makafara.ʼ Sauro anoterera mwana wake, anopikira kusauraya Dhavhidhi.

Dhavhidhi anodzoswa, ndokubatirazve Sauro mumba make. Zvisinei, rimwe zuva achingunoridza nziyo, Sauro anoposherazve pfumo rake kuna Dhavhidhi. Anonzvenga, pfumo rinobaya chidziro. Aka ndekechitatu! Zvino Dhavhidhi anoziva kuti anofanira kutiza!

Usikuhwo Dhavhidhi anoenda kumba yake amene. Asi Sauro anotuma varume kundomuuraya. Mikari anoziva chinorongedzerwa kuitwa nababa vake. Nokudaro anoudza murume wake. Usikuhwo Mikari anobetsera Dhavhidhi kunzvenga napawindi. Kwamakore anenge 7 Dhavhidhi anofanira kuvanda panzvimbo nenzvimbo kuti Sauro agorega kumuwana.

1 Samueri 18:1-30; 19:1-18.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe