RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 64
  • Soromoni Anovaka Tembere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Soromoni Anovaka Tembere
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Temberi yaJehovha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Soromoni Anotonga Nouchenjeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 11—1 Madzimambo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 64
Soromoni ari kunyengetera kuna Jehovha Mwari ari mutemberi ichangobva kuvakwa

Nhau 64

Soromoni Anovaka Tembere

DHAVHIDHI asati afa, akapa Soromoni rongedzero dzakabva kuna Mwari dzokuvaka tembere yaJehovha. Mugore rechina roubati ushe hwake, Soromoni anovamba kuvaka tembere, uye kunotora makore manomwe nehafu kuipedza. Makumi ezvuuru avarume anoshanda patembere, uye kuvaka kunodya mari zhinji zhinji. Imhaka yokuti ndarama zhinji kwazvo nesirivha zvinoshandiswa mairi.

Tembere ina makamuri makuru mairi, saakanga ane tabernakeri. Asi makamuri aya anoukuru hwakapetwa ruviri panohwohwo hwaari mutabernakeri. Soromoni anoita kuti areka yesungano ipinzwe mukati mekamuri retembere, nezvimwe zvinhu zvaichengetwa mutabernakeri zvinopinzwa mune rimwe kamuri.

Panopera tembere, panova nechengetwo huru. Soromoni anogwadama pamberi petembere ndokunyengetera, sezvaungaona mumufananidzo. ʼKunyange denga rose harina kukura zvikuru zvokuti ringakuringanai,ʼ Soromoni anodaro kuna Jehovha, ʼndoda, zvino, tembere iyi.ʼ Asi, O Mwari wangu, ndapota tererai vanhu venyu pavanonyengeterera kunzvimbo ino.ʼ

Panopedza Soromoni munyengetero wake, mwoto unoburuka kudenga. Unonyungudisa zvibairo zvemhuka zvaitwa. Uye chiedza chinoteya meso chinobva kuna Jehovha chinozadza tembere. Uku kunoratidza kuti Jehovha ari kuterera, uye kuti anofadzwa netembere nomunyengetero waSoromoni. Tembere, pane tabernakeri, zvino inova nzvimbo inouya vanhu kuzonamata.

Soromoni, aine mumwe wevakadzi vake, uye mukadzi wacho ari kunamata chidhori

Soromoni anobata ushe nouchenjeri kwenguva refu, uye vanhu vanofara. Asi Soromoni anoroora vakadzi vazhinji vokudzimwe nyika vasinganamati Jehovha. Ungaona here mumwe wavo achinamata pamberi pechidhori? Pakupedzisira vadzimai vake vakaita kuti Soromoni anamatewo vamwe vamwari. Unoziva here chinoitika apo Soromoni anoita ikoku? Haachisirizve kubata vanhu nomutsa. Anova noutsinye, vanhu havachisirizve kufara.

Ikoku kunoita Jehovha atsamwire Soromoni, uye anomuudza kuti: ʼNdichakutorera umambo ndigohupa kunomumwe munhu. Handizoiti izvi muupenyu hwako, asi mukutonga kwomwanakomana wako. Asi handibvisi vanhu vose voumambo pamwanakomana wako.ʼ Ngationei kuti kunoitika sei.

1 Makoronike 28:9-21; 29:1-9; 1 Madzimambo 5:1-18; 2 Makoronike 6:12-42; 7:1-5; 1 Madzimambo 11:9-13.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe