RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 88
  • Johane Anobhabhatidza Jesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johane Anobhabhatidza Jesu
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anobhabhatidzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Vadzidzi vaJesu Vokutanga
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anova Mesiya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 88
Jesu achibuda muRwizi rwaJodhani pashure pekunge abhabhatidzwa naJohani

NHAU 88

Johane Anobhabhatidza Jesu

ONA njiva inoburukira pamusoro womunhu. Munhu uyu ndiJesu. Ava namakore anenge 30 zvino. Uye murume waanaye ndiJohane. Tatodzidza chimwe chinhu pamsoro pake. Unoyeuka here apo Maria akandoshanyira hama yake Erisabhete, uye mwana ari mukati maErisabhete ndokukwakukira mufaro? Mwana anga asati aberekwayo ndiJohane. Asika Johane naJesu vari kuitei zvino?

Johane achangobva kunyudza Jesu mumvura dzoRwizi rweJoridhani. Ndiwo mabhapatidzirwe anoitwa munhu. Kutanga, anonyudzwa mumvura, ibvei osimudzwazve. Sokuti izvi ndozvinoita Johane kuvanhu, anonzi Johane Mubhapatidzi. Asika neiko Johane abhapatidza Jesu?

Eya, Johane akuita nokuti Jesu auya ndokukumbira Johane kumubhapatidza. Johane anobhapatidza vanhu vanoda kuratidzira kuti vanourombo nokuda kwezvakashata zvavakaita. Asika Jesu akamboita chinhu chipi nechipi chakashata chokunzwa urombo nezvacho here? Jesu, haana kutongoita, nokuti iye Mwanakomana waMwari akabva kudenga. Saka akakumbira Johane kumubhapatidzira chikonzero chakasiana. Ngationei kuti chii chaiva chikonzero ichecho.

Jesu asati auya kuno kuna Johane, aiva muvezi. Muvezi munhu anoita zvinhu nemiti, samatafura, zvigaro namabhenji. Josefa murume waMaria aiva muvezi, uye akadzidzisa Jesu kuvawo muvezi. Asi Jehovha haana kutumira Mwanakomana wake kupasi kuzova muvezi. Ane basa rake chairo rokuti aite, uye nguva yasvika yokuti Jesu avambe kuriita. Saka kuratidza kuti auya zvino kuzoita kuda kwaBaba vake, Jesu anokumbira Johane kumubhapatidza. Mwari anofadzwa naikoku here?

Mweya mutsvene uchiburuka kubva kudenga wakaita senjiva

Hungu, nokuti, pashure pokubuda kwaJesu mumvura, inzwi rinobva kudenga rinoti: ʼUyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinofadzwa naye.ʼ Uyewo kunenge kuti matenga anozaruka uye iyi njiva inoburukira pana Jesu. Asika haiziri njiva chaiyo. Inongoratidzika senjiva bedzi. Mudzimu mutsvene waMwari chaiwoiwo.

Zvino Jesu anezvakawanda zvokufunga pamsoro pazvo, nokudaro anoenda kunzvimbo iri yoga kwamazuva 40. Satani anouya kwaari ikoko. Satani anoedza katatu kuti Jesu aite chimwe chinhu chinorwisana nemitemo yaMwari. Asi Jesu haangachiiti.

Pashure pakwo, Jesu anodzokera ndokusangana navamwe varume vanova vateveri vake vokutanga, kana kuti vadzidzi. Mamwe amazita avo ndiana Andrea, Petro (ainziwo Simoni), Firipo naNatanieri (ainziwo Bhartoromeo). Jesu navadzidzi vatsva ava vanoenda kuruwa rweGarirea. MuGarirea vanomira pataundi rokwaNatanieri reKana. Imomo Jesu anoenda kumabiko makuru omuchato, uye anoita nenji rake rokutanga. Unoziva kuti nderei here? Anoshandura mvura kuva waini.

Mateo 3:13-17; 4:1-11; 13:55; Marko 6:3; Johane 1:29-51; 2:1-12.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe