RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 74 p. 176-p. 177 ndim. 4
  • Jesu Anova Mesiya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anova Mesiya
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Johane Anobhabhatidza Jesu
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anobhabhatidzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Akanga Ari Mutangiri waMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Johani Anogadzirira Jesu Nzira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 74 p. 176-p. 177 ndim. 4
Pashure pekunge Jesu abhabhatidzwa naJohani, mweya waMwari wakauya paari wakaita senjiva

CHIDZIDZO 74

Jesu Anova Mesiya

Johani aiparidza achiti: ‘Kuri kuuya munhu mukuru kundipfuura.’ Jesu paakanga ava nemakore anenge 30, akabva kuGarireya ndokuenda kuRwizi rwaJodhani, kwaibhabhatidzirwa vanhu naJohani. Jesu aida kuti Johani amubhabhatidze, asi iye akati: ‘Ini handingakubhabhatidzi. Iwe ndiwe ungatondibhabhatidza.’ Jesu akaudza Johani kuti: ‘Jehovha ari kuda kuti iwe undibhabhatidze.’ Saka vakabva vapinda muRwizi rwaJodhani, uye Johani akabva anyatsonyudza Jesu mumvura.

Paakabuda mumvura, Jesu akanyengetera. Panguva iyoyo, matenga akavhurika, uye mweya mutsvene waMwari wakauya paari wakaita senjiva. Jehovha akabva ataura ari kudenga achiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”

Mweya mutsvene waJehovha pawakauya paari, Jesu akava Kristu, kana kuti Mesiya. Panguva iyi akanga ava kuchitanga basa raakanga atumwa naJehovha kuti aite panyika.

Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akaenda kurenje uye akapedza mazuva 40 ariko. Paakadzoka, akaenda kunoona Johani. Johani paakaona Jesu achiuya kwaari, akati: ‘Uyu ndiye gwayana raMwari richabvisa chivi chenyika.’ Johani paakataura mashoko iwayo, aiita kuti vanhu vazive kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya. Unoziva here kuti zvii zvakaitika kuna Jesu paaiva kurenje? Ngationei.

“Inzwi rakabva kudenga richiti: ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.’”—Mako 1:11

Mibvunzo: Nei Jesu akabhabhatidzwa? Nei Johani akati Jesu ndiye Gwayana raMwari?

Mateu 3:13-17; Mako 1:9-11; Ruka 3:21-23; Johani 1:29-34; Isaya 42:1; VaHebheru 10:7-9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe