RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 93
  • Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Anopa Zviuru Zvevanhu Zvokudya Achishandisa Hove Nezvingwa Zvishoma
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anopa Vanhu Vakawanda Zvekudya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anogona Kutidzivirira
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mutongi Ane Simba Pamamiriro Ekunze
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 93
Jesu anopa vanhu vakawanda zvekudya achishandisa zvingwa zvishoma nehove shoma

NHAU 93

Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji

CHIMWE chinhu chakaipisisa chaitika. Johane Mubhapatidzi achangobva kuuraiwa. Herodhiasi, mudzimai wamambo, anga asingamudi. Uye akakwanisa kuita kuti mambo aite kuti musoro waJohane ugurwe.

Apo Jesu anonzwa izvi, anosuruvara kwazvo. Anopinda munzvimbo iri yoga. Asi vanhu vanomutevera. Apo Jesu anoona mapoka, anoanzwira tsitsi. Anotaura kwavari nezvoumambo hwaMwari, uye anoporesa vanorwara vavo.

Madekwanawo vadzidzi vake vanouya kwaari ndokuti: ʼZuva rotovira, uye ino inzvimbo iri yoga. Endesai vanhu kuti vagondozvitengera zvokudya vamene mumisha iri pedyo.

Jesu anoti: ʼHavafaniri kuenda.ʼ ʼVapei zvokudya.ʼ Achitendeukira kuna Firipo, Jesu anoti: ʼTingatengepiko zvokudya zvakaringanira kudyisa vanhu ava vose?ʼ

Firipo anoti: ʼKuchadya mari zhinji zhinji kutenga zvakaringana kuti aninani agowana bedzi zvishoma.ʼ Andrea anotaurisa: ʼKakomana kakatakura zvokudya zvedu, kane zvingwa zvishanu nehove mbiri. Asi hazvingaringaniri zvikuru vanhu ava vose.ʼ

Jesu anoti: ʼUdza vanhu kuti vagare pasi pauswa.ʼ Ipapo iye anoonga Mwari nokuda kwezvokudya, ndokuvamba kuzvimedura kuva zvimedu. Tevere, vadzidzi vanopa chingwa nehove kuvanhu vose. Pana varume 5 000, nezvimwe zvuuru zvizhinji zvavakadzi navana. Vose vanodya kusvikira vaguta. Uye apo vadzidzi vanounganidza zvasara, panova netswanda 12 dzizere!

Jesu zvino anoita kuti vadzidzi vake vapinde mugwa vagoyambuka gungwa reGarirea. Muusiku dutu guru rinosvika, uye mafungu anosunda sunda igwa uku nokoko. Vadzidzi vanotya zvikuru. Zvino, pakati pousiku, vanoona mumwe munhu achifamba achiuya kwavari achifamba pamusoro pemvura. Vanodanidzira mukutya, nokuti havazivi chavari kuona.

Jesu anoti: ʼMusatya.ʼ ʼNdini!ʼ Asika havangadaviri. Nokudaro Petro anoti: ʼNdimi zvomenemene here, Ishe, ndiudzei kuti ndifambe pamusoro pemvura ndichiuya kwamuri.ʼ Jesu anoti: ʼUya!ʼ Uye Petro anobuda ndokufamba pamusoro pemvura! Ipapo anotya ndokutanga kunyura, asi Jesu anomuponesa.

Gare gare, Jesu anodyisazve zvuuru zvavanhu. Nguva ino anoita kudaro nezvingwa zvinomwe nehove shoma duku. Uye panovazve nezvokudya zvizhinji zvavose. Hakuzati kuchishamisa here kuti Jesu anotarisira sei vanhu? Paanobata ushe samambo waMwari hatizati tichizonetsekana pamsoro pechinhu chipi nechipi!

Mateo 14:1-32; 15:29-38; Johane 6:1-21.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe