RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 52 p. 128-p. 129 ndim. 7
  • Anopa Zviuru Zvevanhu Zvokudya Achishandisa Hove Nezvingwa Zvishoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anopa Zviuru Zvevanhu Zvokudya Achishandisa Hove Nezvingwa Zvishoma
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anopa Vanhu Vakawanda Zvekudya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Anoita Kuti Chingwa Chiwande Uye Anonyevera Nezvembiriso
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chishamiso Chekupa Vanhu Chingwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 52 p. 128-p. 129 ndim. 7
Jesu anodimbura zvingwa zvishanu nehove mbiri opa vadzidzi vake kuti vape vanhu

CHITSAUKO 52

Anopa Zviuru Zvevanhu Zvokudya Achishandisa Hove Nezvingwa Zvishoma

MATEU 14:13-21 MAKO 6:30-44 RUKA 9:10-17 JOHANI 6:1-13

  • JESU ANOPA VARUME 5 000 ZVOKUDYA

Vaapostora vaJesu 12 vanakidzwa nekuparidza muGarireya yose, uye vanoudza Jesu ‘zvinhu zvose zvavaita uye zvavadzidzisa.’ Vanofanira kunge vaneta. Asi havana kana nguva yekudya nokuti vanhu vari kuramba vachingouya vamwe vachienda. Saka Jesu anoti kwavari: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.”—Mako 6:30, 31.

Vanokwira chikepe, zvichida pedyo neKapenaume, voenda kusina vanhu vakawanda nechekumabvazuva kweRwizi rwaJodhani, kumberi kweBhetisaidha. Asi vanhu vakawanda vanovaona vachienda uye vamwe vanonzwa nezvazvo. Vanomhanya vose vachitevedza mhenderekedzo yegungwa zvokuti chikepe chinozosara chosvika ivo vatovako.

Paanodzika chikepe, Jesu anosiririswa nemhomho yevanhu vaanoona, nokuti vakaita semakwai asina mufudzi. Saka ‘anotanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji’ pamusoro poUmambo. (Mako 6:34) ‘Anoporesawo vaya vanoda kurapwa.’ (Ruka 9:11) Pavanoona nguva dzaenda uye vachifungawo kuti kwavari hakugari vanhu, vadzidzi vanoti kwaari: “Endesai mapoka acho evanhu, kuti vaende mumisha vazvitengere zvinhu zvokudya.”—Mateu 14:15.

Jesu anovapindura kuti: “Havafaniri kuenda: imi vapei zvokudya.” (Mateu 14:16) Kunyange zvazvo achitoziva zvaari kuda kuita, anoda kuona pane pfungwa dzaFiripi omubvunza kuti: “Tichatenga kupi zvingwa zvokuti ava vadye?” Anobvunza Firipi nokuti ndiye anobva kunzvimbo inotombova pedyo yeBhetisaida. Kunyange zvakadaro, nekuwanda kwakaita vanhu, zvekutenga chingwa hazvishandi. Pane varume vanosvika 5 000. Uye nhamba iyi inogona kupetwa kaviri tikaverenga vakadzi nevana! Firipi anopindura kuti: “Zvingwa zvemadhinari mazana maviri [dhinari riri mari inotambirwa nomushandi pazuva] hazvikwani kuti mumwe nomumwe awane chiduku.”—Johani 6:5-7.

Jesu anotaura nemukomana ane zvingwa zvishanu nehove mbiri duku

Pamwe achida kuratidza kuti hazviiti kupa vanhu vose ava zvekudya, Andreya anoti: “Heuno mukomana muduku ane zvingwa zvebhari zvishanu nehove duku mbiri. Asi izvi zvii pavanhu vazhinji kwazvo kudai?”—Johani 6:9.

Paseka ya32 C.E. yava kusvika uye mujinga mose megomo uswa hwakasvibira. Jesu anoudza vadzidzi vake kuti vaudze vanhu vagare pasi vari mumapoka mamwe evanhu 50 mamwe 100. Anotora zvingwa zvacho zvishanu nehove mbiri obva anyengetera kuna Mwari. Anobva adimbura zvingwa zvacho nehove. Jesu anozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Zvinoshamisa kuti vanhu vose vanodya kusvika vaguta!

Vapedza kudya, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Unganidzai zvimedu zvasara, kuti parege kuva nezvinopambadzwa.” (Johani 6:12) Vanozadza tswanda 12 nezvekudya zvasara.

  • Nei Jesu achitsvaka nzvimbo iri kwayo yoga yokuenda nevadzidzi vake?

  • Jesu nevadzidzi vake vanoenda kupi uye vanosvika vachionei?

  • Vadzidzi vaJesu vanomukurudzira kuti aitei nevanhu, asi Jesu anobva aitirei vanhu vacho?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe