RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 99
  • Mukamuri Rapamusoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukamuri Rapamusoro
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Kudya kwaShe Kwemanheru
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kuchengeta Kune Chokuita Newe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Paseka yaJesu Yekupedzisira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuyeuka Jehovha Nomwanakomana Wake
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 99
Jesu anoita kudya kwaShe kwemanheru nevaapostora vake vakatendeka

NHAU 99

Mukamuri Rapamusoro

ZVINO China usiku, mazuva mairi apashure. Jesu navaapostora vake 12 vauya kukamuri guru rapamusoro kuzodya chidyo cheDariko. Murume waunoona achibuda ndiJudhasi Iskarioti. Ari kundoudza vaprista mawanire avangaita Jesu.

Nezuro wacho, Judhasi akaenda kwavari ndokuvabvunza kuti: ʼMuchandipeiko kana ndikakubetserai kubata Jesu?ʼ Vakati: ʼMasirivha 30.ʼ Saka zvino Judhasi ari kundosangana naava varume kuti agovatungamirira kuna Jesu. Hakuzati kwakaipa here ikoko?

Chidyo cheDariko chapera. Asi Jesu zvino anovamba chimwe chidyo chaicho. Anopa vaapostora vake chingwa achiti: ʼChidyei, nokuti chinoreva muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu.ʼ Tevere anovapa mukombe wewaini achiti: ʼInwei, nokuti inoreva ropa rangu, richadururwa nokuda kwenyu.ʼ Bhaibheri rinochiidza kuti ʼchidyo chamadekwana chaShe,ʼ kana kuti ʼchirairo chaShe.ʼ

VaIsraeri vaidya Dariko kuvayeuchidza nezveapo ngirozi yaMwari yakaʼdarikaʼ dzimba dzavo muEgipita, asi yakauraya matangwe mudzimba dzavaEgipita. Asi zvino Jesu anoda kuti vateveri vake vamuyeuke, uye mapire aakavaita upenyu hwake. Ndokusaka achivaudza kuchengeta ichi chidyo chaicho gore rimwe nerimwe.

Pashure pokudya Chidyo Chamadekwana chaShe, Jesu anoudza vaapostora vake kuva vakashinga navakasimba mukutenda. Pakupedzisira vanoimbira Mwari nziyo ibvei voenda. Zvino hwava usiku, zvimwe kupfuura pakati pousiku. Ngationei kwavanoenda.

Mateo 26:14-30; Ruka 22:1-39; Johane ganhuro 13 kusvikira ku 17; 1 VaKorinte 11:20.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe