RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 108
  • Pamugwagwa wokuDhamasiko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pamugwagwa wokuDhamasiko
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anosarudza Sauro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuparidza kwaSauro Kunokonzera Kushorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 108
Paakanga ari munzira inoenda kuDhamasiko, Sauro anopenyerwa nechiedza, owira pasi

NHAU 108

Pamugwagwa wokuDhamasiko

UNOZIVA here kuti ndiani arere pasi? NdiSauro. Yeuka, ndiyeka wairinda nguvo dzavarume vakataka Stefano namabwe. Tarira chiedza icho chinoteya meso! Chii chiri kuitika?

Stefano aurawa, Sauro anotungamirira mukuvhima vateveri vaJesu kuti avanetse. Anopinda imba neimba achivazvuvira kunze uye achivaisa mutorongo.Vazhinji vavadzidzi vanotizira kumamwe maguta kundowana vateveri vaJesu. Zvino ari kuenda Dhamasiko, Asi, ari kuenda, hechino chinhu chinoshamisa chinoitika:

Kamwe kamwe chiedza chinobva kudenga chinopenyera Sauro. Anowira pasi, sezvatinoona pano. Ipapo inzwi rinoti: ʼSauro, Sauro! Unondinetserei?ʼ Varume vana Sauro vanoona chiedza uye vanonzwa inzwi, asi havagoni kunzwisisa chiri kutaurwa.

ʼNdimi ani, iShe?ʼ Sauro anobvunza.

ʼNdini Jesu, wauri kunetsa,ʼ inzwi rinodaro. Jesu anotaura izvi nokuti apo Sauro anonetsa vateveri vake, Jesu anonzwa sokunge kuti ari kunetswa iye amene.

Zvino Sauro anobvunza kuti: ʼNdichaiteiko, iShe?ʼ

ʼSimuka ugoenda Dhamasiko,ʼ Jesu anodaro. ʼIkoko uchaudzwa zvaunofanira kuita.ʼ Apo Sauro anosimuka ndokusvinudza meso ake, haangaoni chinhu. Ibofu! Nokudaro varume vanaye vanomubata ruoko ndokumutungamirira kuDhamasiko.

Jesu zvino anotaura kunomumwe wavadzidzi vake muDhamasiko, achiti: ʼSimuka, Ananiasi. Enda kumugwagwa unonzi Wakarurama. Pamba paJudhasi bvunza munhu anonzi Sauro. Ndamusarudza kuva mubatiri wangu chaiye.ʼ

Ananiasi anoterera. Paanosangana naSauro, anoisa maoko ake paari ndokuti: ʼIshe wandituma kuti ugoonazve ndokuzadzwa nomudzimu mutsvene.ʼ Pakarepo chimwe chinhu chinenge mafunurwa chinowa pameso aSauro, uye anokwanisa kuonazve.

Sauro anoshandiswa nenzira yesimba kuparidzira vanhu vamarudzi mazhinji. Anova anozivikanwa somuapostora Pauro, watichadzidza zvimwe zvizhinji nezvake. Asi kutanga ngationei kuti Mwari anotuma Petro kunoitei.

Mabasa 8:1-4; 9:1-20; 22:6-16; 26:8-20.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe