RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 96 p. 224-p. 225 ndim. 2
  • Jesu Anosarudza Sauro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anosarudza Sauro
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Pamugwagwa wokuDhamasiko
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Kuparidza kwaSauro Kunokonzera Kushorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 96 p. 224-p. 225 ndim. 2
Chiedza chinopenya chaizvo chakavheneka maziso aSauro

CHIDZIDZO 96

Jesu Anosarudza Sauro

Sauro aiva chizvarwa cheRoma, uye akaberekerwa kuTaso. Akanga ari muFarisi aiva nyanzvi yeMutemo wechiJudha uye aivenga vaKristu. Aizvuzvurudza vaKristu achivabudisa mudzimba dzavo uye aivakanda mujeri. Akatomira achiona Stefani achitemwa nematombo nemhomho yevanhu kusvika afa.

Asi Sauro haana kugutsikana nekusunga vaKristu vaiva muJerusarema chete. Akakumbira mupristi mukuru kuti amubvumire kuenda kuDhamasiko kunovhima vaKristu. Sauro paakanga ava pedyo neguta racho, chiedza chaipenya chaizvo chakati ngwee paaiva, achibva adonha. Akanzwa inzwi raiti: ‘Sauro, uri kunditambudzirei?’ Sauro akabvunza kuti: ‘Ndimi ani?’ Inzwi racho rikabva rati: ‘Ndini Jesu. Enda kuDhamasiko uye ndichakuudza zvaunofanira kuita.’ Pakarepo, Sauro akabva ava bofu uye akapinda muguta akatoita zvekubatwa ruoko.

KuDhamasiko, kwaiva nemumwe muKristu akatendeka ainzi Ananiyasi. Jesu akamuudza kuti: ‘Enda kumba kwaJudhasi, kumugwagwa unonzi Wakarurama, utsvage Sauro.’ Ananiyasi akati: ‘Ishe, ndinoziva zvakawanda nezvemurume iyeye! Ari kuisa vadzidzi venyu mujeri!’ Asi Jesu akati: ‘Enda kwaari. Ndasarudza Sauro kuti aparidze mashoko akanaka kumarudzi akawanda.’

Sauro anova bofu paanoona chiedza chinopenya chaizvo

Ananiyasi akawana Sauro akabva amuudza kuti: ‘Sauro, hama yangu, Jesu andituma kuti ndikusvinudze maziso.’ Sauro akabva atotangazve kuona. Akadzidza nezvaJesu uye akava muteveri wake. Paakabhabhatidzwa semuKristu, Sauro akatanga kuparidza mumasinagogi pamwe chete nevamwe vaKristu. Chimbofunga kuti vaJudha vakashamisika sei pavakaona Sauro achidzidzisa vanhu nezvaJesu! Vakati: ‘Uyu haasiriye here murume uya aivhima vadzidzi vaJesu?’

Kwemakore matatu, Sauro akaparidzira vanhu vaigara kuDhamasiko. Vamwe vaJudha vaivenga Sauro, uye vakaronga kumuuraya. Asi hama dzakazviziva ndokubva dzamubatsira kuti atize. Vakamuisa mubhasikiti vachibva vamubudisa nepaburi rakanga riri pamadziro eguta.

Sauro akaenda kuJerusarema uye akaedza kubatana nehama dzaiva ikoko, asi dzaimutya. Mumwe mudzidzi ainzi Bhanabhasi akaenda naye kuvaapostora uye akaita kuti vave nechokwadi chekuti Sauro akanga anyatsochinja. Sauro akatanga kushingaira kuparidza mashoko akanaka neungano yaiva muJerusarema. Pava paya, akazotanga kuzivikanwa nezita rekuti Pauro.

“Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru pavari vese.”—1 Timoti 1:15

Mibvunzo: Nei vaKristu vaitya Sauro? Nei Sauro akazochinja?

Mabasa 7:54–8:3; 9:1-28; 13:9; 21:40–22:15; VaRoma 1:1; VaGaratiya 1:11-18

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe