RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 24 pp. 184-191
  • Donzo raJehovha Rinowana Rubudiriro Rune Mbiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Donzo raJehovha Rinowana Rubudiriro Rune Mbiri
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzvimbo Yakatenderwa yaIsraeri
  • Jehovha Anobatanidza Vanhu Vake
  • Kuunganidza “Zvinhu Zviri Pasi Pano”
  • Chinangwa chaJehovha Chinobudirira Zvine Mbiri
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Munhu Wose Achasununguka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Mwari Akatida Saizvozvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mwari wo“Muchinda woRugare” Anova “Zvinhu Zvose Kumunhu Ari Wose”
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 24 pp. 184-191

Ganhuro 24

Donzo raJehovha Rinowana Rubudiriro Rune Mbiri

1, 2. (a) Chii chiri donzo raJehovha pamsoro pezvisikwa zvake zvakangwara? (b) Ndivanaani vaibatanidzwa mumhuri yakabatana yaMwari yavanamati? (c) Pamsoro paikoku, mubvunzoi womunhu oga unoda kurangarirwa?

CHISIKWA chose chakangwara chakabatana mukunamata kwechokwadi uye icho chose chinofarikanya rusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari—ndiko kuti donzo rokuchenjera nerorudo raJehovha. Uyewo ndizvo zvinoshuvisiswa navadi vose vokururama.

2 Jehovha akavamba kuzadzika iri donzo rakaisvonaka apo iye akatanga mabasa ake okusika. Chisiko chake chokutanga chakanga chiri Mwanakomana wake, uyo akabvumikisa kuva “chadzera chembiri yake nomufananidzo chaiwo wake amene.” (VaH. 1:1-3) Iyeyu akanga akasiana, zvaakasikwa naMwari ari oga bedzi. Vamwe vanakomana vakaitwa kuti vavepo kupfurikidza naye—kutanga, ngirozi mumatenga, tevere munhu pasi pano. (Jobho 38:7; Ruka 3:38) Vanakomana vose ivava vanoumba mhuri imwe yapose pose. Jehovha akanga ari Mwari kwavari vose, uyo bedzi anofanira kunamatwa. Iye akanga ari Changamire weChisiko chapose pose. Iye akangawo ari Baba wavo anorudo. Ko iye nenzira imwe cheteyo ndiBaba vako here, uye iwe uri mumwe wavana vake here? Haiwa ihwohwo hunogona kuva ukama hunokosha zvakadini!

3. (a) Neiko pakanga pasina nomumwe wedu pakuberekwa akanga ari mwanakomana waMwari? (b) Asika igadziriroi yorudo yakaitwa naJehovha nokuda kwavana vaAdhama?

3 Hunyanguvezvo, tinofanira kunangana neidi rokuti apo vabereki vedu vokutanga vohunhu vakashurikidzirwa kurufu savaiti vezvivi voune, ivo vakadzingwa muEdheni ndokurambwa naMwari. Ivo vakaguma kuva rutivi rwemhuri yapose pose yaJehovha. (Genesi 3:22-24; enzanisa Dheuteronomio 32:4, 5.) Isu tose, nemhaka yokuti tiri vazukuru vaAdhama muiti wechivi, takaberekwa tine kombamiro dzechivi. Zvatiri vana vavabereki vakadzingwa mumhuri yaMwari, hatingagoni kukambira kuva vanakomana vaMwari bedzi nokuda kwokuberekwa kwedu kwohunhu. Asi Jehovha aiziva kuti vamwe vanobva pakati pavazukuru vaAdhama vaizoda kururama, nokudaro Iye nomutoo worudo akaita gadziriro iyo ivava vangagona kuwana nayo rusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari.—VaR. 8:20, 21.

Nzvimbo Yakatenderwa yaIsraeri

4. (a) Ko vaIsraeri vaiva “vanakomana” vaMwari pahwaroi? (b) Ko ikoku hakuna kurevei?

4 Makore ane 2 500 pashure pokusikwa kwaAdhama, Jehovha akatambanudzirazve kuna vamwe vanhu ropafadzo yokuva noukama naye savanakomana vake. Mukuwirirana nesungano yake naAbrahama, Jehovha akasarudza Israeri kuva rudzi rwake. Naizvozvo, kuna Farao weEgipita, iye akataura nezvaIsraeri so“mwanakomana wangu.” (Eks. 4:22, 23; Gen. 12:1, 2) Gare gare iye akapa Israeri Mutemo wake paGomo reSiani, akaumba vanhu ivavo kuva rudzi ndokuvashandisa mukuwirirana nedonzo rake. Mumurangariro werudzi, nemhaka yokuti vaiva “pfuma chaiyo” yaJehovha, ivo vakataurwa nezvavo sa“vanakomana” vaMwari. (Dheut. 14:1, 2; Isa. 43:1) Zvakare, nokuda kubata kwake chaiko navamwe vanhu mukati morudzi irworwo, Jehovha akataura nezvarwo savanakomana. (1 Mak. 22:9, 10) Uku kumira kwakanga kwakateerwa paukama hwesungano naMwari. Hakuna kureva, zvisinei hazvo, kuti ivo vaifarikanya rusununguko rune mbiri urwo rwakanga rwava naAdhama somwanakomana waMwari. Ivo vakanga vachiri muusungwa hwechivi norufu.

5. Ko Israeri akarashikirwa sei nokumira kwake chaiko naMwari?

5 Hunyanguvezvo, savanakomana ivo vakanga vanekumira kunotenderwa naMwari. Ivo vakanga vane mutoro wokuremekedza Baba vavo uye wokushanda mutsinhirano nedonzo rake. Jesu akasimbisa kukosha kwokuzadzika kwavo musengwa iwowo—kwete kungokambira bedzi Mwari saBaba wavo, asi “kuzvibvumikisa vamene” kuva vanakomana vake. (Mat. 5:43-48; Mar. 1:6) Zvisinei, vaJudha sorudzi vakakundikana muna ikoku. Naizvozvo, mukati megore rokupedzisira rohushumiri hwapasi hwaJesu, apo vaJudha vakanga vachitsvaka kuuraya Jesu vakazivisa, kuti, “Isu tina Baba mumwe, Mwari,” Jesu nomutoo wakatsiga akaratidzira kuti zviito zvavo nomudzimu zvavairatidzira zvaisiana nekambiro yakadaro. (Johane 8:41, 44, 47) Muna 33 N.V. sungano yoMutemo yakagumiswa naMwari, uye hwaro hwoukama chaihwo uhwo Israeri akanga afarikanya hwakaguma. Asika, Jehovha haana kurega kuva naavo iye akagamuchira savanakomana pakati pavanhu.

Jehovha Anobatanidza Vanhu Vake

6. Ko Pauro akarondedzera “udzorii” pana VaEfeso 1:9, 10, uye chii chiri nharidzano yahwo?

6 KumaKristu omuEfeso muapostora Pauro akanyora pamsoro pepurogramu yaJehovha yokubatanidza vanhu vake—gadziriro yaMwari iyo vanotenda vaigona kupfurikidza nayo kuva mitezo inodikanwa yeimba Yake, achiti: “[Mwari] akatizivisa chakavanzika chitsvene chokuda kwake. Kunowirirana nomufarwa wake wakanaka waakarongedzera maari iye amene nokuda kwoudzori [kutarisirwa kweimba] paganhuriro yakakwana yenguva dzakagadzwa, ndiko kuti, kuunganidzazve zvinhu zvose pamwe chete muna Kristu, zvinhu zviri mumatenga nezvinhu zviri pasi pano.” (VaEf. 1:9, 10) “Udzori” uhu huri pana Jesu Kristu. Kupfurikidza naye, vanhu vanopinzwa mumugariro unotenderwa pamberi paMwari—vamwe vaine kariro yokuva mudenga; vamwe, pasi pano—kuti vabatire mukubatana navanakomana vengirozi vaMwari avo vakabvumikisa kuva vakavimbika kuna Jehovha.

7. Zvii zviri “zvinhu zviri mumatenga,” uye chii chinorehwa nokuva zvinounganidzwa pamwe chete kwazviri?

7 Kutanga, kutangira paPentekosta ya 33 N.V., kungwarira kwakaitwa ku“zvinhu zviri mudenga,” ndiko kuti avo vaizova vadyi venhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga. Pahwaro uhwu hwokutenda kwavo ukoshi hwechibairo chaJesu, ivo vakanzi vakarurama naMwari. (VaR. 5:1, 2) Tevere ivo “vakaberekwazve,” kana kuti vakazvarwa savanakomana vaMwari vane kariro youpenyu hwokudenga. (Johane 3:3; 1:12, 13) Mwari akaita sungano itsva naivava sorudzi rwomudzimu. Mukufambira mberi kwenguva, vose vari vaviri vaJudha naVamarudzi vaizobatanidzwa, uye ivava vaizoita hwerengedzo yavane 144 000.—VaG. 3:26-29; Zvak. 14:1.

8. Ko ukama hwavadyi venhaka voUmambo naBaba hunoenzanisirwa sei nohwohwo hwavaJudha vaiva pasi poMutemo waMosesi?

8 Kunyange zvazvo vachiri vasina kukwana munyama, vakasarira vavadyi venhaka vakadaro yoUmambo hwokudenga vanofarikanya ukama hunokosha uye chaihwoihwo naBaba. Pamsoro paikoku, Pauro akanyora, kuti: “Zvino imi zvamuri vanakomana, Mwari akatumira mudzimu woMwanakomana wake mumwoyo yenyu uye iwo unodanidzira kuti: ‘Abba, Baba!’ Naizvozvo, zvino, iwe hauzati uchasitongovazve muranda asi mwanakomana; uye kana uri mwanakomana, uri mudyi wenhakawo kupfurikidza naMwari.” (VaG. 4:6, 7) Shoko irero rechiAramaic rokuti “Abba” rinoreva kuti “Baba,” asi chimiro chinoratidzira rudo chokuidza munhu—rudzi runoshandiswa nomwana muduku nokuda kwababa vake. Nokuda kwoukuru hwechibairo chaJesu netsitsi dzakakomba dzaMwari amene, aya maKristu akazodzwa nomudzimu anofarikanya ukama huri chaihwohwo zvikuru naMwari kupinda hupi nohupi hwakabvirira vanhu vasina kukwana pasi poMutemo. Zvisinei, zviri mberi nokuda kwavo zvinotova zvakaisvonakisisa.

9. Ko kuzadzika zvizere kwokuva vanakomana kwavo kunorevei?

9 Kana vakazvibvumikisa kuva vakatendeka kusvikira kurufu, vanowana kuzadzika kuzere kwokuva kwavo vanakomana kupfurikidza nokuva vanomutsirwa kuupenyu husingafi mumatenga. Ikoko vachava neropafadzo yokubatira vakabatana pamberi pamene paJehovha Mwari. Chiverengero chidukusa zvikuru bedzi chavanakomana ivava vaMwari chichiri pasi pano.—VaR. 8:14, 23; 1 Johane 3:1, 2.

Kuunganidza “Zvinhu Zviri Pasi Pano”

10. (a) Chii “zvinhu zviri pasi,” uye vave vachiunganidzwa pamwe chete mukubatana kwokunamata chifo charini? (b) Ndohupi huri ukama hwavo naJehovha?

10 “Udzori” humwe chetehwo hunokuita kubvirire vanhu kuva vanounganidzwa muimba yaMwari vachirangarira upenyu hwokudenga hunorereudzirawo ngwariro ku“zvinhu zviri pasi pano.” Zvikurukuru chifo cha 1935 N.V. vanhu vanotenda chibairo chaKristu vave vachiunganidzwa vaine kariro youpenyu husingagumi pasi pano. Vakabatana navakasarira veboka rakazodzwa, vanokudza zita raJehovha uye vanorumbidza kunamatwa kwake. (Zef. 3:9; Isa. 2:2, 3) Ivavawo, kupfurikidza noruremekedzo rukuru vanoidza Jehovha sa“Baba,” vachimuziva saManyuko oupenyu, uye vanotamburira zvikurusa kuratidzira mavara ake sezvaanokarira vanakomana vake kuita. Vanofarikanya kumira kunotenderwa pamberi pake nokuda kwokutenda kwavo ropa rakateurwa raJesu. (Mat. 6:9; Zvak. 7:9, 14) Asi ivo vanoziva kuti mufaro wokuva vanobvumwa zvizere naMwari savana vake uchiri munguva yemberi nokuda kwavo.

11. (a) Ko VaRoma 8:19-21 inotambanudzira chipikirwai nokuda kwavanhu? (b) Chii chiri “kuziviswa kwavanakomana vaMwari” kwavanomirira nomwoyo wose?

11 Sezvinoratidzirwa pana VaRoma 8:19-21, ivo vari kumirira nomwoyo wose “kuwadzanyurwa kwavanakomana vaMwari,” nokuti panguva iyeyo nguva ichave yasvika yokuti ava vechisiko chohunhu vave “vanosunungurwa muuranda hwokuora.” “Kuwadzanyura” ikoko kuchaitika apo vanhu pasi pano vanoona hufakazi hwokuti vanakomana vakazodzwa nomudzimu vaMwari avo vakawana tuso yavo yokudenga vakatanga kushanda savasonganiri vaIshe wavo akapiwa mbiri, Jesu Kristu. Ikoku kuchaoneka mukuparadzwa kwetsika yezvinhu yakaipa yose, kuchateverwa nezvikomborero zvoKutonga kwaMakore ane Chiuru kwaKristu umo ava “vanakomana vaMwari” vachagoverana pamwe chete naye samadzimambo navaprista.—Zvak. 2:26, 27; 20:6.

12. Pashure pedambudziko guru, vanakomana vaMwari vakazodzwa nomudzimu vanokurira vachakumbanira murwiyoi rwerumbidzo, uye kunorevei?

12 Haiwa kuchava kunofadza sei apo dambudziko guru rinenge rapfuura uye vanakomana ivavo vaMwari avo vakabatana naKristu vanokumbanidza manzwi avo mukurumbidza Mwari, vachidanidzira nomufaro, kuti: “Jehovha Mwari, Wamasimba ose, mabasa enyu akakura uye anoshamisa. Mambo wokusingagumi, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Ndiani asati achizokutyai zvomenemene, Jehovha, nokukudza zita renyu, nokuti imi moga bedzi munovimbika? Nokuti marudzi ose achauya ndokunamata pamberi penyu, nokuti zvirevo zvenyu zvakarurama zvakaratidzirwa”! (Zvak. 15:3, 4) Hungu, vanhu vose, vanoumbwa navanhu vakabva mumarudzi ose ekare, vachabatana mukunamatwa kwaMwari wechokwadi. Kunyange avo vari muhwiro hweyeuko vachamutswa ndokupiwa banza rokukumbanidza manzwi avo mukurumbidza Jehovha.

13. Rusunungukoi runoshamisa rwuchafarikanywa pakarepo navapukunyuki vedambudziko guru?

13 Satani Dhiabhorosi haasati achasitongozovazve “mwari wetsika ino yezvinhu.” Vanamati vaJehovha havazati vachasitongozovazve vanorwisana nepesvedzero yake yakashata. (2 VaK. 4:4; Zvak. 20:1-3) Rudzidziso rwenhema haruzati ruchasitongozokwenengerazve Mwari wedu anorudo uye ruchibatira sesimba rinokamuranisa munzanga yavanhu. Vabatiri vaMwari wechokwadi havazati vachasitongozowanazve kusaruramisira nokudyeredzerwa kunoitwa navanhu vari munzvimbo dzehurumende. Haiwa ikoku kuchareva rusununguko runoshamisa zvakadini kuna vapukunyuki vedambudziko guru!

14. Ko ivo vachasunungurwa muchivi nemiuyo yacho yose kupfurikidza nomutooi?

14 Se“Gwaiana raMwari rinobvisa chivi chenyika,” Jesu Kristu achashandisa ukoshi hwechibairo chake kuti agodzima zvivi zvakapfuura zvavanhu. (Johane 1:29) Pasi pano, apo Jesu akazivisa kuti zvivi zvomunhu zvakanganwirwa, iye akaporesawo mukanganwirwi sechibvumikiso chakwo. (Mat. 9:1-7) Nenzira yakafanana, ari kudenga iye achaporesa nomutoo unoshamisa mapofu, matsi, mbeveve, avo vakaremara mumuviri, vakavhiringidzika mundangariro naavo vane chimwe chirwere chipi nechipi. Pashoma napashoma, kupfurikidza nokuzvitsinhanisa kwavo vamene nokutendeka nenzira dzakarurama dzaMwari, vose vanodisisa navanoteerera vachaita kuti “mutemo wechivi” ubviswe chose chose mavari zvokuti zviito zvavo zvose, mifungo yavo nezvishuvo zvemwoyo yavo zvichava zvinofadza mose muri muviri kwavari ivo vamene nokuna Mwari. (VaR. 7:21-23; enzanisa Isaya 25:7, 8 naZvakazarurwa 21:3, 4.) Pamberi pomugumo waMakore ane Chiuru, vachave vabetserwa kusvika kukukwana kuzere kwohunhu. Vachasunungurwa chose chose muchivi nemiuyo yacho yose inosuruvarisa. Ivo vacharatidzira nomutoo wakafanira ‘mufananidzo waMwari norutodzano’ pakati peParadhiso yapasi inomonzvera denderedzwa rose rapasi.—Genesi 1:26.

15. Pakupera kwamakore ane Chiuru, ko Kristu achaita chiitoi, aine vavariroi?

15 Apo Kristu anenge asvitsa vanhu kukukwana, ipapo achatendeudzira kuna Baba vake chiremera chaakapiwa nokuda kweiri basa. Sezvakadeya kutaurwa pana 1 VaKorinte 15:28: “Apo zvinhu zvose zvichave zvaiswa pasi pake [Mwanakomana], ipapo Mwanakomana achazviisa iye amene pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari agova zvinhu zvose kuno munhu ari wose.”

16. Ko vanhu vose vakakwaniswa vachaiswa kuchii zvino, uye nei?

16 Zvino vanhu vakakwana vachapiwa banza rokuratidzira kuti chisarudzo chavo chisingachinji ndechokubatira Mwari mupenyu bedzi nowachokwadi nokusingaperi. Nokuda kwechikonzero ichecho, asati avagamuchira savanakomana vake kupfurikidza naJesu Kristu, Jehovha achaisa vanhu vose ava vakakwaniswa kumuedzo wakakwana, wokupedzisira. Satani namadhemoni ake vachasunungurwa mugomba rakadzika-dzika. Ikoku hakuzati kuchizoparira kuvadziko isingaperi kuna avo vanoda zvomenemene Jehovha. Asika vapi navapi vanozvibvumidza havo vamene mukusavimbika kuva vanopinzwa mukusateerera Jehovha vachaparadzwa nokusingaperi pamwe chete nomupanduki wapakuvamba namadhemoni ake.—Zvak. 20:7-10.

17. Mukuzadzika kwedonzo raJehovha, mugariroi uchavapozve pakati pechisiko chake chose chakangwara?

17 Jehovha zvino nomutoo worudo achagamuchira savanakomana vake kupfurikidza naKristu vanhu vose vakakwaniswa vanokurira muedzo iwowo wokupedzisira, wokutema nawo. Ipapo ivo vachagoverana zvizere mu“rusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari.” (VaR. 8:21) Ivo pakupedzisira vachava rutivi rwemhuri yakabatana, yapose pose yaMwari, iyo Jehovha achava bedzi Mwari wayo yose nokusingaperiperi, Changamire weChisiko chapose pose, naBaba wayo ane rudo. Ipapo chisiko chose chakangwara chaJehovha, mudenga napasi pano, chichavazve chakabatana mukunamatwa kwaMwari bedzi wechokwadi.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Pamberi porupandukiro muEdheni, ko vanamati vose vaJehovha vaiva noukamai naye?

● Mutoroi uri pana avo vari vanakomana vaMwari?

● Ndivanaani nhasi vari vanakomana vaMwari? Ndivanaani vachavawo vana vaMwari, uye ikoku kunowirirana sei nedonzo raJehovha pamsoro pokunamata kwakabatana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe