Chitsauko 21
Chinangwa chaJehovha Chinobudirira Zvine Mbiri
1, 2. (a) Chinangwa chaJehovha nokuda kwezvisikwa zvake zvakangwara ndechei? (b) Ndivanaani vaibatanidzwa mumhuri yaMwari yakabatana yevanamati?
ZVISIKWA zvose zvakangwara zvakabatana mukunamata Mwari wechokwadi bedzi uye zvose zvine rusununguko rune mbiri sevana vaMwari—ndicho chinangwa chaJehovha ane rudo. Ndizvo zvinodiwawo kwazvo nevanhu vanoda kururama.
2 Jehovha akatanga kuzadzika chinangwa ichi chakaisvonaka paakatanga mabasa ake okusika. Akatanga kusika Mwanakomana wake uyo ari “kuratidzwa kwembiri ya[Mwari] nomufananidzo wake chaiwo” kubva paakamuka. (VaHebheru 1:1-3) Mwanakomana uyu akanga akasiyana nevamwe vana, zvaakasikwa naMwari pachake. Nokufamba kwenguva, vamwe vose vaizosikwa pachishandiswa Mwanakomana iyeyu: kutanga nengirozi kudenga, kwozouya vanhu pasi pano. (Jobho 38:7; Ruka 3:38) Vose ivava vakaumba mhuri imwe pasi nokudenga. Kwavari vose, Jehovha ndiye aiva Mwari, Changamire Wezvose, uye Baba vavo vane rudo.
3. (a) Isu tose takagara nhaka yei kubva kuvabereki vedu vokutanga? (b) Jehovha akaitira vana vaAdhamu urongwa hupi hworudo?
3 Vabereki vedu vokutanga pavakatongerwa rufu sevanhu vakatadza nemaune, vakadzingwa muEdheni vakarambwa naMwari. Havana kuzoramba vari mumhuri yake yepasi nokudenga. (Genesi 3:22-24; Dheuteronomio 32:4, 5) Isu tose tiri vazukuru vavo, saka takaberekwa tiine pfungwa dzokutadza. Asi Jehovha aiziva kuti vamwe muvazukuru vaAdhamu naEvha vaizoda kururama. Saka norudo akaita urongwa hwokuti ivava vakwanise kuwana “rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:20, 21.
VaIsraeri Vanorasikirwa Nenzvimbo Ine Ropafadzo
4. Jehovha akapa vaIsraeri vekare ropafadzo yei?
4 Makore anenge 2 500 pashure pokusikwa kwaAdhamu, Jehovha akapa vamwe vanhu ropafadzo yokuva noukama hunokosha Naye. Akasarudza vaIsraeri vekare kuti vave vanhu vake akavapa Mutemo wake. (Genesi 12:1, 2) Akavaita rudzi akavashandisa muchinangwa chake. (Dheuteronomio 14:1, 2; Isaya 43:1) Zvisinei, vakanga vachakasungwa nechivi norufu, saka vakanga vasina rusununguko rune mbiri rwaimbova naAdhamu naEvha.
5. VaIsraeri vakarasikirwa sei noukama chaihwo hwavaiva nahwo naMwari?
5 Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vaiva nenzvimbo yakaropafadzwa naMwari. Vaivawo nomutoro wokuremekedza Jehovha saBaba vavo uye wokushanda maererano nechinangwa chake. Jesu akasimbisa kukosha kwokuita mutoro iwoyo. (Mateu 5:43-48) Zvisinei, rudzi rwaIsraeri rwakakundikana kuita izvi. Nepo vaJudha vaiti “tina Baba vamwe chete, Mwari,” Jesu akazivisa kuti mabasa avo nezvavaiita zvaipesana nezvavaitaura. (Johani 8:41, 44, 47) Muna 33 C.E., Mutemo wakagumiswa naMwari, uye ukama chaihwo uhwo vaIsraeri vaiva nahwo naMwari hwakapera. Asi izvi zvaireva kuti vanhu vaisakwanisa kuva noukama hwakanaka naMwari here?
Kuunganidza “Zvinhu Zviri Kumatenga”
6. Chinangwa cho“kutarisirwa kwezvinhu” chakataurwa naPauro pana VaEfeso 1:9, 10 ndechei?
6 Muapostora Pauro akaratidza kuti vamwe pakati pevanhu vaigona kuva noukama chaihwo naMwari. Somuenzaniso, nezvourongwa hwaJehovha hwokuti vose vanotenda vanogona kuva nhengo dzemhuri Yake, Pauro akanyora kuti: “[Mwari] akatizivisa chakavanzika chitsvene chokuda kwake. Zviri maererano nezvakamufadza zvaakafunga mumwoyo make nokuda kwokutarisirwa kwezvinhu pakunyatsokwana kwenguva yakatarwa, iko kuunganidzazve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri pasi.” (VaEfeso 1:9, 10) “Kutarisirwa kwezvinhu” uku kuri pana Jesu Kristu. Naye, vanhu vave noukama hwakanaka naMwari. Vashoma vavo vane tarisiro yokuva kudenga. Vamwe vazhinji-zhinji vachararama pasi pano nokusingaperi.
7. “Zvinhu zviri kumatenga” ndivanaani?
7 Chokutanga, kuvambira paPendekosti ya33 C.E., “zvinhu zviri kumatenga,” kureva vaya vaizova vadyi venhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga zvakatanga kuunganidzwa. Pamusana pokutenda kwavo muukoshi hwechibayiro chaJesu, vakanzi naMwari vakarurama. (VaRoma 5:1, 2) Nokufamba kwenguva, vaJudha neVemamwe Marudzi vakabatanidzwa, “zvinhu zviri kumatenga” zvaizova 144 000. (VaGaratiya 3:26-29; Zvakazarurwa 14:1) Vasara vavo ndivo vachiri pasi pano.
Kuunganidza “Zvinhu Zviri Pasi”
8. “Zvinhu zviri pasi” ndivanaani, uye ukamai hwavanahwo naJehovha?
8 Kutarisirwa kwezvinhu kumwe chete ikoko kuri kuunganidzawo “zvinhu zviri pasi.” Mamiriyoni evanhu iye zvino ari kuunganidzwa netarisiro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Vakabatana nevasara vevadyi venhaka yoUmambo, vanokudza zita raJehovha vachisimudzira kunamatwa kwake. (Isaya 2:2, 3; Zefania 3:9) Vanotiwo Jehovha ndi“Baba” wavo nokuti vanomuona setsime roupenyu. Uye vane tendero pamberi pake pakuti vanotenda ropa rakadeurwa raJesu. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Asi sezvo vasati vakwana, vachazonyatsonzi vana vaMwari munguva iri mberi.
9. VaRoma 8:21 inopikira vanhu chii?
9 Ivava vane tariro yokurarama pasi pano vava kumirira nechido chikuru nguva ‘ichasunungurwa vanhu muuranda hwokuora.’ (VaRoma 8:21) Kusunungurwa ikoko kuchatanga kana Kristu nemauto ake okudenga vagumisa kutambudzika kukuru vachishandisa hondo yeAmagedhoni. Izvi zvichareva kuparadzwa kwenyika yose yakaipa yaSatani, pedzezvo kwouya zvikomborero zvoKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu musimba roUmambo.—Zvakazarurwa 19:17-21; 20:6.
10. Vashumiri vaJehovha vachaimba rwiyo rupi rwokurumbidza?
10 Zvichafadza chaizvo apo vanhu vaJehovha pasi pano vanobatana kuti varatidzewo manzwiro anoita vashumiri vake vokudenga, avo vanozivisa nomufaro kuti: “Jehovha Mwari, Wemasimba Ose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, Mambo asingagumi. Chaizvoizvo ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokupa mbiri zita renyu, nokuti imi moga makavimbika? Nokuti marudzi ose achauya achizonamata pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaoneswa.” (Zvakazarurwa 15:3, 4) Chokwadi, vashumiri vose vaJehovha vachabatana mukunamata Mwari wechokwadi bedzi. Kunyange vakafa vachamutswa vopiwa mukana wokudanidzirawo pamwe chete nevamwe mukurumbidza Jehovha.—Mabasa 24:15.
Rusununguko Rwakaisvonaka Ruri Mberi
11. Vachapukunyuka kutambudzika kukuru vachava norusununguko rupi rwakaisvonaka?
11 Pashure pokunge kutambudzika kukuru pamwe chete neAmagedhoni zvabvisa uipi panyika, Satani Dhiyabhorosi haazovizve “mwari wegadziriro ino yezvinhu.” Vanamati vaJehovha havazofanirizve kurwisana nokupesvedzera kwakaipa kwaSatani. (2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 20:1, 2) Chitendero chenhema hachizonyeperi Jehovha zvakare chichishanda sesimba rinoparadzanisa vanhu. Vashumiri vaMwari wechokwadi havazobatwizve zvisina ruramisiro kana kudzvinyirirwa nevanhu vari munzvimbo dzesimba. Vanhu vachava norusununguko rwakaisvonaka zvechokwadi!
12. Vanhu vose vachasunungurwa sei muchivi nemigumisiro yacho?
12 Se“Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika,” Jesu achashandisa ukoshi hwechibayiro chake kudzima zvivi zvevanhu. (Johani 1:29) Jesu paaiva pasi pano uye paakakanganwira mumwe munhu zvivi zvake, akaporesa ainge akanganwirwa wacho kuratidza izvozvo. (Mateu 9:1-7; 15:30, 31) Saizvozvowo, Kristu Jesu, saMambo wokudenga woUmambo hwaMwari, achaita chishamiso chokuporesa mapofu, zvimumumu, matsi, vakaremara, vanorwara pfungwa, nevaya vane humwe urwere. (Zvakazarurwa 21:3, 4) “Mutemo wechivi” uchashayiswa simba kune vose vanoteerera zvokuti mafungiro avo nezviito zvavo zvichavafadza ivo pachavo naMwari. (VaRoma 7:21-23) Panozopera Mireniyamu, vachange vaitwa vanhu vakakwana, ‘vakafanana’ naMwari wechokwadi bedzi.—Genesi 1:26.
13. Pamugumo woKutonga Kwemireniyamu, Kristu achaita sei, uye zvichizoguma sei?
13 Kristu paanenge aita kuti vanhu vave vakakwana, achabva adzorera kuna Baba simba raakapiwa rokuita basa iri: “Anogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba, paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba. Nokuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.” (1 VaKorinde 15:24, 25) Kutonga Kwemireniyamu kwoUmambo kuchange kwapedza zvizere chinangwa chakwo; saka hapazovi nechikonzero chokuti hurumende iyi yanga ichifanoshandiswa irambe iri pakati paJehovha nevanhu. Uye sezvo chivi norufu zvichave zvabviswa zvachose uye vanhu vadzikinurwa, kudiwa kwaJesu soMudzikinuri kunopera. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Ipapo Mwanakomana achazviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kumunhu wose.”—1 VaKorinde 15:28.
14. Vanhu vose vanenge vakwana vachaitwa kuti vapfuure nomuchii uye nei?
14 Pashure peizvi, vanhu vanenge vakwana vachapiwa mukana wokuratidza kuti vakasarudza kushumira Mwari wechokwadi bedzi nokusingaperi. Saka, asati avagamuchira zvizere sevana vake, Jehovha achaita kuti vanhu vose ivavo vakakwana vapfuure nomumuedzo wokupedzisira. Satani nemadhimoni ake vachasunungurwa mugomba rakadzika-dzika. Izvi hazvisi kuzokuvadza zvechigarire vaya vanonyatsoda Jehovha. Asi vapi nevapi vanozvibvumira nenzira yokusavimbika kuitwa kuti vasateerera Jehovha vachaparadzwa nokusingaperi, pamwe chete nemhandu yokutanga nemadhimoni ayo.—Zvakazarurwa 20:7-10.
15. Mamiriroi ezvinhu achavapo zvakare pakati pezvisikwa zvaJehovha zvakangwara?
15 Ipapo Jehovha achagamuchira sevana vake vanhu vose vanenge vakwana avo vanotsigira uchangamire hwake mumuedzo iwoyo wokupedzisira. Kubvira panguva iyoyo, vachanakidzwa zvizere norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari vari mumhuri yaMwari yepasi nokudenga. Zvisikwa zvose zvakangwara zviri kudenga nepasi pano zvichabatanidzwa zvakare mukumunamata saMwari wechokwadi bedzi. Chinangwa chaJehovha chichava chabudirira zvine mbiri! Unoda kuva mumwe wemhuri iyoyo yepasi nokudenga inofara, ichagara nokusingaperi here? Kana uchida, tinokukurudzira kuteerera zvinotaura Bhaibheri pana 1 Johani 2:17, kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”
Kudzokorora
• Kupandukira kusati kwaitika muEdheni, vanamati vose vaJehovha vaiva noukama hwakadini naye?
• Vaya vanoshumira Mwari vane mutoro wei?
• Ndivanaanizve vachazova vana vaMwari, uye izvi zvine chokuitai nechinangwa chaJehovha pamusoro pokunamata kwakabatana?
[Mufananidzo uri papeji 190]
Vanhu vanoteerera vachava noupenyu muparadhiso yepasi pose