Rwiyo 11
Wakasarira muShuramiti
1. “Wangu Shuramiti, akanakisa,
Rucheno rwako rwakawandisisa.
Zvaunotaura zvakanakisa.
Kuva newe kunofadza Shuram’ti.”
2. Kutaura kwake, Mufudzi Kristu,
Anoda kuti awanewo tuso.
Ko zvino akanaka akasimba,
Anomupindura sei ’She wake?
3. “Rudo rwapoga harungatengeswi
Kupisa kwo rudo kunenge mwoto.
Rudo chairwo harukundikani.
Somwoto waJa ndirwo rudo rwake.”
4. MuShuramiti dzivisa miedzo;
Ramba wakachena kumuroori.
Mhandara dziri murovedzwo yako
Dzichafarira mubairo wako.