Rwiyo 27
Musavatya!
1. Vanhu vangu pfurirai,
Kuparidza Umambo.
Musamutye muvengi.
Udzai vadi vedi
Kuti anotonga Kristu,
Akadzinga muvengi,
Achamusunga Satani,
Wonunura vatapwa.
(Korasi)
2. Nyange vavengi vazhinji,
Vachimutyisidzira,
Nyange kunyemwerera,
Kuti vakunyengedze,
Musavatya varwi vangu;
Irwai noushingi;
Nokuti vakatendeka,
Ndichavachengetedza.
(Korasi)
3. Musatya kukanganika,
Ndichirisimba renyu.
Nyange kufa mundima,
Rufu ndicharubvisa.
Musavatya varwi vangu;
Nyange mukutyisira,
Vose vakatendeseka,
Ndichavatarisira.
(KORASI)
Unouraya muviri
Kwete mweya musatya.
Ramba wakatendeseka;
Uchasvitswa kum’gumo.