Rwiyo 33
Musavatye!
1. Vanhu vangu rambai
Muchiparidza Umambo.
Musambotya muvengi,
Vose vanoda vanzwe
Kuti Kristu akakanda
Muvengi pano pasi,
Achasunga Satani,
osunungura vasungwa.
(KORASI)
Musavatya vadikanwi,
Musambovhundutsirwa;
Mwoyo wangu haumbobvi
Pane akatendeka.
2. Nyangwe mungatyisidzirwa
Nevavengi vazhinji,
Vangakunyemwererai
Kuti vakutsausei.
Varwi vangu musavatye,
Nyangwe zvopisa sei,
Vakatendeka ndinavo
Kusvika kumugumo.
(KORASI)
Musavatya vadikanwi,
Musambovhundutsirwa;
Mwoyo wangu haumbobvi
Pane akatendeka.
3. Handimbokukanganwai,
Ndichiri simba renyu.
Mungafira muhondo,
Rufu ndicharubvisa.
Musambotya vasingagoni
Kuuraya mweya.
Ndichakupai mubairo
Mukatendeseka!
(KORASI)
Musavatya vadikanwi,
Musambovhundutsirwa;
Mwoyo wangu haumbobvi
Pane akatendeka.
(Onawo Dheut. 32:10; Neh. 4:14; Pis. 59:1; 83:2, 3.)