Rwiyo 77
“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”
1. Jehovha Mufudzi wangu;
Ndingavhunduswa nei?
Ochengeta makwai ake
Haangaakanganwi.
Wondipinza nomumvura,
Anondikomborera.
Otungamira nhano dzangu
Mukururama kwake.
Otungamira nhano dzangu
Mukururama kwake.
2. Kunyange pedyo norufu,
Handidikanwi kutya,
Mufudzi Mukuru uripo;
Anondidzivirira.
Mafuta ondizorodza;
Mukombe wofashuka.
Nyasha dzake dzinondironda,
Ndigare mumba make.
Nyasha dzake dzinondironda,
Ndigare mumba make.
3. Akangwarawo Mufudzi!
Ndi’mbe rumbidzo yake.
Mashoko anofadza ake
Ndiape kumakwai.
Shoko rake ndotevera,
Ndifambe nzira yake.
Ndinoshandisa pfuma yangu
Mukubatira Mwari.
Ndinoshandisa pfuma yangu
Mukubatira Mwari.