RWIYO 4
“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”
Rakaprindwa
1. Jehovha Mufudzi wangu;
Onditungamirira.
Zviri pasi pemwoyo wangu;
Anonyatsozviziva.
Ondisvitsa pane mvura,
Pandinokomborerwa.
Nerudo rwake rwusingachinji,
Anondipa zororo.
Rudo rwake rwusingachinji,
Rwunondipa zororo.
2. Tsoka dzangu dzinofamba,
nepanondizorodza.
Ndinotakura zita renyu,
Handidi kutsauka.
Mumipata ine rima,
Tsvimbo yenyu ineni.
Hapana kana chandingambotya,
Muri Shamwari yangu.
Hapana kana chandinotya,
Muri Shamwari yangu.
3. Jehovha, Mufudzi wangu,
M’nonditungamirira.
M’nondipa simba nezororo;
M’nondipa zvandinoda.
Zvamuri Mwari mupenyu,
Ndine tariro mhenyu.
She rudo rwenyu rwusingachinji
Ngarwurambe rwuneni.
Rudo rwenyu rwusingachinji
Rwunoramba rwuneni.
(Onawo Pis. 28:9; 80:1.)