Rwiyo 182
“Bharsami muGireadhi”
1. Bharsami muGireadhi;
Tinonzwa muShoko.
Inopa nyaradzo mwoyo
Kushuwa kuchibva.
Tinyaradzwe pamiedzo
Kana pamarwadzo,
Parasikirwo nehama
Dzirere murufu.
2. Yeukai “Mwari rudo,”
Ndewe njere nedi.
Zvose zvaanobvumira
Zvinokubatsira.
Kuna Jehovha danidza
Mumunyengetero,
Zvidururire kwaari;
Muudze zvinetso.
3. Yeukawo kuti zvinhu,
Zvizhinji zvakare,
Zvinoita tinyaradzwe,
NeShoko raMwari.
Ugamuchire yamuro
Hama dzakakura,
Dzinopa norudo kwazvo
Ugotsungirira.
4. Wakafunga nezvevamwe,
Vakasuwa sewe?
Kuti vazhinji voedzwa
Nezvokuperera?
Unyaradze vakadaro
Kuti vafarise.
Muuku kose toziva
Simba reBharsami.