Bharisamu yokuGiriyedhi—Mafuta Anorapa
NHOROONDO inozivikanwa nevakawanda iri mubhuku reBhaibheri raGenesisi inotiudza nezvokutengeswa kwaJosefa nevakoma vake kuvaIshmaeri vaitengesa vakanga vakananga kuIjipiti. Boka revatengesi vacho raibva kuGiriyedhi, uye ngamera dzavo dzainge dzakatakura bharisamu nezvimwewo zvinhu dzichiendesa kuIjipiti. (Genesisi 37:25) Nhoroondo pfupi iyi inoti bharisamu yokuGiriyedhi yaidiwa chaizvo kuMiddle East yekare, uye yaikosheswa nokuti yairapa.
Zvisinei, muzana remakore rechitanhatu B.C.E., muprofita Jeremiya akabvunza akasuwa kuti: “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here?” (Jeremiya 8:22) Chii chakaita kuti Jeremiya abvunze mubvunzo uyu? Bharisamu chimbori chii? Mazuva ano, kune bharisamu inobatsira kurapa here?
Bharisamu Munguva Dzinotaurwa muBhaibheri
Bharisamu ishoko raingoshandiswa kurondedzera mafuta anonhuhwirira uye anotsvedzerera anobuda pamiti nemakwenzi. Mafuta ebharisamu, ainyanya kushandiswa kugadzira rusenzi nepefiyumu, aiva eumbozha munyika yeMiddle East kare kare. Yainzi ndiyo yezvimwe zvinhu zvaigadzira mafuta matsvene aishandiswa pakuzodza munhu uye rusenzi rwaishandiswa patebhenekeri vaIsraeri vachangobuda muIjipiti. (Eksodho 25:6; 35:8) Mafuta eBharisamu aivawo chimwe chezvipo zvoumbozha zvakavigirwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha. (1 Madzimambo 10:2, 10) Kuti runako rwake runyatsobuda, Esteri akakwizwa “mwedzi mitanhatu nemafuta ebharisamu,” asati aenda kuti aonekwe naMambo Ahashivheroshi wokuPezhiya.—Esteri 1:1; 2:12.
Kunyange zvazvo mafuta ebharisamu aibva kunyika dzakasiyana-siyana dzeMiddle East, bharisamu yokuGiriyedhi yaibva kunyika yakapikirwa, sezvo Giriyedhi yaiva pedyo kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani. Musoro wemhuri Jakobho aiona bharisamu sechimwe che“zvibereko zvakanaka kwazvo zvenyika,” uye akaitumira kuIjipiti sechipo. (Genesisi 43:11) Uye muprofita Ezekieri akati bharisamu yaiva imwe yezvinhu zvaitengeserwa Tire zvichibva kuna Judha naIsraeri. (Ezekieri 27:17) Bharisamu yaizivikanwa kuti inorapa. Mabhuku ekare aitaura nezvokurapa kwemafuta aya uye kuti anoita kuti munhu awedzere simba, uye ainyanya kushanda kana munhu ane maronda.
Bharisamu Nokuda Kworudzi Runorwara
Saka sei Jeremiya akabvunza kuti, “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here”? Kuti tinzwisise kuti sei akabvunza, ngatimbotarirai zvakanga zvakaita rudzi rwaIsraeri kare ikako. Jeremiya asati abvunza izvi, muprofita Isaya akanyatsorondedzera kurwara kwavaiita pakunamata achiti: “Kubvira pasi petsoka kusvikira kumusoro hapana pari nani. Maronda nemakakuvara nembonje itsva—hazvina kusvinwa kana kusungwa, kana kupfaviswa nemafuta.” (Isaya 1:6) Pane kuti rudzi rwacho ruone kuti rwairwara uye rwaitonzwisa tsitsi zvokuti rwaifanira kuedza kurapwa, rwakaramba rwuchitsauka. Panguva yaakararama, Jeremiya akangokwanisa kuchema achiti: “Vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavo kuripi?” Kudai vakanga vangodzokera kuna Jehovha, angadai akavaporesa. “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here?” Uyu waiva mubvunzo unotokonya pfungwa chaiwo!—Jeremiya 8:9.
Nyika mazuva ano yakazara “maronda nemakakuvara nembonje itsva.” Vanhu vari kutambura nourombo, kutongwa zvisina kunaka, udyire, kushayikwa kwomutsa, zvose izvi zvichikonzerwa nokuti kuda Mwari nomuvakidzani kwatonhora. (Mateu 24:12; 2 Timoti 3:1-5) Vakawanda vanoona sokuti havafarirwi nemhaka yeganda ravo, kwavanobva kana kuti zera ravo. Uyezve, nzara, urwere, hondo norufu zvinowedzera kurwadziwa kwavo. SaJeremiya, vatendi vakawanda vanozvibvunza kana ‘muGiriyedhi musina bharisamu’ yokusungisa maronda okunamata evari kutambura.
Mashoko Akanaka Anoporesa
Mumazuva aJesu, vakawanda vaizvininipisa vakabvunzawo mubvunzo iwoyo. Uye wakapindurwa. Musinagogi rokuNazareta mugore ra30 C.E., Jesu akaverenga mupumburu waIsaya waiti: “Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka. Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo.” (Isaya 61:1) Zvadaro Jesu akati mashoko iwayo aishanda kwaari, achiratidza kuti ndiye Mesiya nokuita basa rokuzivisa mashoko anonyaradza.—Ruka 4:16-21.
Pose paaiita ushumiri hwake, Jesu akaparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari achishingaira. (Mateu 4:17) PaMharidzo yepaGomo, akavimbisa vaitambudzika kuti aizochinja mamiriro avo ezvinhu, achiti: “Munofara imi munosvimha misodzi iye zvino, nokuti muchaseka.” (Ruka 6:21) Jesu paakazivisa nezvokuuya kwoUmambo hwaMwari, mashoko anopa tariro, akaita ‘seasunga maronda evakaora mwoyo.’
Mazuva ano, “mashoko akanaka oumambo” achiri kungonyaradza vanhu. (Mateu 6:10; 9:35) Somuenzaniso, ngatimbokurukurai zvakaitika kuna Roger naLiliane. Muna January 1961 vakatanga kudzidza nezvezvinovimbiswa naMwari kuti achapa upenyu husingaperi, uye mashoko aya kwavari aiita semafuta ebharisamu anotsvedzerera. “Ndakatenderera mukicheni ndichitamba pandakafunga zvandakanga ndiri kudzidza. Ndakafara zvokufara zviya,” anoyeuka kudaro Liliane. Roger, uyo akanga ava nemakore gumi aoma rutivi rwomuviri anoti, “Ndakafara zvokuti, kufarira kurarama, nemhaka yetariro inoshamisa yandakanga ndava nayo, yokumutswa kwevakafa uye yokuti marwadzo ose nokurwara zvichapera.”—Zvakazarurwa 21:4.
Muna 1970 vakafirwa nomwanakomana wavo aiva nemakore 11. Asi havana kuora mwoyo. Vakazvitora sokuti Jehovha “anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.” (Pisarema 147:3) Tariro yavo yakavanyaradza. Kwemakore ava kuda kusvika 50, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari huri kuuya akaita kuti vagadzikane uye vagutsikane.
Kuporesa Kuchaitwa
Saka mazuva ano ‘muGiriyedhi mune bharisamu here?’ Hungu, mazuva ano kuchine bharisamu yezvokunamata. Nyaradzo netariro zvinopiwa nemashoko akanaka oUmambo zvinokwanisa kusunga maronda evakaora mwoyo. Ungada kumborapwa saizvozvo here? Chaunongofanira kuita kunyatsovhura mwoyo wako kuti ugamuchire mashoko anonyaradza anobva muShoko raMwari woita kuti rizadze upenyu hwako. Mamiriyoni evanhu akatozviita.
Kuporesa kunoitwa nemafuta aya kunoita kuti tifanoona kuzorodzwa kwatichazoitwa. Nguva yava pedyo zvikuru yokuti Jehovha Mwari ‘arape marudzi,’ achiapa upenyu husingaperi. Panguva iyoyo, “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” Chiripo ndechokuti ‘muGiriyedhi muchine bharisamu’!—Zvakazarurwa 22:2; Isaya 33:24.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Simba rinoporesa remashoko akanaka oUmambo hwaMwari rinoramba richidzikisa marwadzo evakaora mwoyo nhasi