Rwiyo 207
Tiri Vaani?
1. Ko uri waani?
Woterera upi?
Waunokotamira’yo
Ndishe wako; mubatire.
Usada vavi ri;
Havagoverani
Rudo rwomwoyo wako iwowo.
Harungavafadzi.
2. Ko uri waani?
Woterera upi?
Mumwe idi mumwe nhema,
Ita chisarudzo chako.
Ko uchatsigira
Kesari wenyika?
Kana kuti Mwari wezvokwadi
Uchipika kwa’ri?
3. Ko ndiri waani?
Ndoteerera Ja.
Ndichabatira Jehovha;
Ndicharipirawo mhiko.
Wakanditengawo;
Vanhu ndakarega.
Kristu ndiye dzikinuro yangu;
Handidzoki shure.
4. Tiri vake Mwari!
Tisapanikire.
Huhumwe hwakataurwa,
Tohuwana m’danga rake.
Samafuta kwawo
Pam’prista mukuru,
Tinonakidzwa nokusangana
Tidyiswe zvokwadi.