“Zita Renyu Ngaritsveneswe”—Zita Ripiko?
KO iwe uri munhu worudzidziso here? Ipapo mukusapanikira, mukufanana navamwe vazhinji, unodavira Mwari. Uye sezvingabvira unoremekedza zvikuru munyengetero unosanozivikanwa unoitirwa kuna Mwari iyeyo, wakadzidziswa naJesu kuvateveri vake uye unozivikanwa soMunyengetero waShe, kana kuti Baba Vedu. Munyengeterowo unovamba nenzira iyi: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateo 6:9, New International Version.
Wati wamboshamisika here kuti nei Jesu akaisa “kutsveneswa,” kana kuti kuereswa, kwezita raMwari pakutanga muno uyu munyengetero? Pashure pezvo, iye akadudza zvimwe zvinhu zvakadai sokuuya kwoUmambo hwaMwari, kuitwa kwokuda kwaMwari pasi pano nokukanganwirwa kwezvivi zvedu. Kuzadzika kwokumwe uku kukumbira pakupedzisira kuchareva rugare rusingaperi pasi pano noupenyu husingaperi nokuda kwavanhu. Unogona kufunga nezvechimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura ichecho here? Hunyanguvezvo, Jesu akatiudza kutanga kunyengeterera kutsveneswa kwezita raMwari.
Kwakanga kusati kuchingova hako kupfurikidza neerekano kwaitika kuti Jesu akadzidzisa vateveri vake kuisa zita raMwari pakutanga muminyengetero yavo. Zitaro sezvinooneka rakanga riri roukoshi hukuru kwaari, sezvo iye akaridudza ari dudzazve muminyengetero yake amene. Pane chimwe chinoitika apo iye akanga achinyengetera kuna Mwari pamhene, iye akanzwiwa achiti: “Baba, kudzai zita renyu!” Uye Mwari iye amene akapindura, “Ndarikudza, uye ndicharikudzazve.”—Johane 12:28, The Jerusalem Bible.
Mumadekwana Jesu asati afa, iye akanga achinyengetera kuna Mwari vadzidzi vake vachinzwa, uye ivo vakamunzwazve achisimbisa ukoshi hwezita raMwari. Iye akati: “Ndazivisa zita renyu kuvanhu vamakatora munyika kundipa.” Pashure, akadzokororazve: “Ndavazivisa zita renyu uye ndichapfuurira kurizivisa.”—Johane 17:6, 26, JB.
Neiko zita raMwari rakanga richikosha zvikuru kuna Jesu? Neiko iye akaratidzira kuti iro rinokosha kwatiriwo, kupfurikidza nokutizivisa kunyengeterera kutsveneswa kwaro? Kuti tigonzwisisa ikoku, tinodikanirwa kuziva marangaririrwe aiitwa mazita munguva dzeBhaibheri.
Mazita Munguva dzeBhaibheri
Sezvinooneka Jehovha Mwari akaisa mumunhu chishuvo chokutumidza mazita zvinhu. Munhu wokutanga akanga ane zita, Adhama. Munhau yechisiko, chimwe chezvinhu zvokutanga icho Adhama anoshumwa kuva ari kuita ndicho chokutumidza mazita mhuka. Apo Mwari akapa Adhama mudzimai, pakarepo Adhama akamuidza kuti “Mukadzi” (’Ish·shahʹ, muchiHebheru). Gare gare, iye akamupa zita rinonzi Evha, rinoreva kuti “Mupenyu,” nokuti “iye akanga achizova mai womupenyu ari ose.” (Genesi 2:19, 23; 3:20) Kunyange nanhasi tinotevera muitirowo wokupa mazita kuvanhu. Zvamazvirokwazvo, zvakaoma zvikuru kufungidzira maitire ataizoita tisina mazita.
Zvisinei, munguva dzavaIsraeri mazita akanga asati achingova hawo zviratidzo. Aireva chimwe chinhu. Somuenzaniso, zita raIsaka, “Chisetso,” raiyeuchidza kuseka kwavabereki vake vakwegura apo ivo vakatanga kunzwa kuti ivo vaizova nomwana. (Genesi 17:17, 19; 18:12) Zita raEsau raireva “Ane Mvere,” kurondedzera mugariro womuviri. Rimwe zita rake, Edhomi, “Kutsvuka,” kana kuti “Kutsvukirira,” rakanga riri chiyeuchidzo chokuti iye akatengesa udangwe hwake nokuda kwendiro yezvakatsvukira. (Genesi 25:25, 30-34; 27:11; 36:1) Jakobho, kunyange zvazvo iye akanga ari muduku bedzi zvishoma kuno mukoma wake wamanyambiri, Esau, akatenga udangwe kuna Esau ndokugamuchira chikomborero chedangwe kuna baba vake. Kubvira pakuberekwa, revo yezita raJakobho yakanga iri yokuti “Kubata Chitsitsinho” kana kuti “Mubvuti nzvimbo.” (Genesi 27:36) Nenzira yakafanana zita raSoromoni, uyo mukati mokutonga kwake Israeri akava norugare norubudiriro, raireva “Worugare.”—1 Makoronike 22:9.
Nokudaro, The Illustrated Bible Dictionary (Volume 1, peji 572) rinotsanangura zvinotevera, kuti: “Kufundwa kweshoko rokuti ‘zita’ muT[estamente] yeK[are] kunowadzanyura kuti rinoreva zvakadini muchiHebheru. Zitaro harizati richingovawo zvaro chiratidziro, asi rinoreva hunhu chaihwoihwo hwake iye uyo ari mwene waro.”
Idi rokuti Mwari anorangarira mazita kuva anokosha rinooneka mukuti, kupfurikidza nengirozi, iye akarairidza vabereki vomunguva yemberi vaJohane Mubhapatidzi navaJesu pamsoro peaizofanira kuva mazita avanakomana vavo. (Ruka 1:13, 31) Uye padzimwe nguva iye aichinja mazita, kana kuti iye aipa vanhu mazita okuwedzera, kuratidzira nzvimbo yavaizova nayo mudonzo rake. Somuenzaniso, apo Mwari akadeya kuzivisa kuti muranda wake Abrama (“Baba vomufaro”) aizova baba wamarudzi mazhinji Iye akachinja zita rake kuva Abrahama (“Baba Wavazhinji”). Uye akachinja zita romudzimai waAbrahama, Sarai, (“Anokakavara”), kuva Sara (“Muchindakadzi”), sezvo iye aizova mai vembeu yaAbrahama.—Genesi 17:5, 15, 16; enzanisa Genesi 32:28; 2 Samueri 12:24, 25.
Jesuwo, akaziva kukosha kwamazita uye iye akataura nezvezita raPetro mukumupa ropafadzo yebasa. (Mateo 16:16-19) Kunyange zvisikwa zvemidzimu zvina mazita. Zviviri zvinodudzwa muBhaibheri ndiGabhurieri naMikaeri. (Ruka 1:26; Judhasi 9) Uye apo munhu anopa mazita kuzvinhu zvisina upenyu zvakadai senyeredzi, nyika dzomuchadenga, mataundi, makomo nenzizi, iye ari kungotevedzera bedzi Musiki wake. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari anodana nyeredzi dzose nezita.—Isaya 40:26.
Hungu, mazita anokosha mumeso aMwari, uye akaisa mumunhu chishuvo chokuzivisa vanhu nezvinhu namazita. Nokuda kwechikonzero ichecho ngirozi, vanhu, mhuka, uyewo nyeredzi nezvimwe zvinhu zvisina upenyu, zvina mazita. Ko kwaizova kunowirirana here kuno Musiki wezvinhu izvi zvose kuzvisiya iye amene asina zita? Chokwadika kwete, zvikurukuru mukurangarirwa kwamashoko owezvamapisarema: “Nyama yose ngaikudze zita dzvene [raMwari] kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperiperi.”—Pisarema 145:21.
The New International Dictionary of New Testament Theology (Volume 2, peji 649) rinoti: “Rimwe ramativi makurusa naanodikanwa rokuwadzanyurwa kweBhaibheri ndiro idi rokuti Mwari haazati ari asina zita: iye ane zita rake amene, iro iye anogona, uye anofanira, kudanwa naro.” Zvamazvirokwazvo Jesu akanga achirangarira zita iroro apo iye akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateo 6:9.
Mukurangarira izvozvi zvose, nomutoo unooneka kunokosha kwatiri kuziva riri zita raMwari. Ko iwe unoziva zita rake amene raMwari here?
Ko Zita raMwari Rinonzi Ani?
Nomutoo unoshamisa, voruzhinji vamazana amamirioni vemitezo yamachechi echiKristudhomu zvimwe vangakuwana kwakaoma kupindura mubvunzo iwowo. Vamwe vangataura havo kuti zita raMwari ndiJesu Kristu. Asika Jesu akanga achinyengetera kuno mumwe munhuwo zvake apo iye akati: “Ini ndakaratidzira zita renyu kuvanhu vamakandipa vakabva munyika.” (Johane 17:6) Akanga achinyengetera kuna Mwari ari mudenga, somwanakomana anotaura kuna baba vake. (Johane 17:1) Rakanga riri zita raBaba vake vokudenga rakanga richifanira “kutsveneswa,” kana kuti “kuereswa.”
Asika maBhaibheri mazhinji azvino uno haazati ane zitaro, uye rinowanzokusashandiswa mumachechi. Nokuda kwechikonzero ichecho, munzvimbo mokuva rino “tsveneswa,” iro rakarashika kumamirioni avaravi veBhaibheri. Somuenzaniso wamabatirwe akaitwa zita raMwari navashanduri veBhaibheri, rangarira inongova ndima duku imwe bedzi apo iro rinooneka: Pisarema 83:18. Heano mashandurirwe anoitwa urwu rugwaro mumaBhaibheri mana akasiana:
“Kuti vazive kuti imi moga, mune zita rinonzi TENZI, ndimi Wokumusorosoro, muri pamusoro pazvose zviri pasi pose.” (The Holy Bible in Shona) (Revised 1979)
“Kuvadzidzisa kuti imi, O Wokusingagumi, imi ndimi Mwari Wokumusorosoro pamusoro penyika yose.” (A New Translation of the Bible, rakaitwa naJames Moffatt, ra1922)
“Ngavazive izvi: imi moga bedzi mune zita rinonzi Yahwe, Wokumusorosoro pamusoro penyika yose.” (Catholic Jerusalem Bible ra1966)
“Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi JEHOVHA, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi rose.” (The Holy Bible in Union Shona, 1963)
Neiko zita raMwari richioneka kuva rakasiana zvikuru mushanduro idzi? Ko zita rake rinonzi TENZI, Wokusingagumi, Yahwe kana kuti Jehovha here? Kana kuti ose iwawa anogamuchirwa here?
Kuti tigopindura izvi, tinofanira kuyeuka kuti Bhaibheri pakuvamba vamba harina kunyorwa muchiShona. Vanyori veBhaibheri vaiva vaHebheru, uye ivo zvikurukuru vakanyora mumutauro wechiHebheru nowechiGiriki wezuva ravo. Huzhinji hwedu hahutauri mitauro iyeyo yekare. Asi Bhaibheri rakashandurirwa mundimi dzazvino uno dzakawanda, nokudaro tinogona kushandisa shanduro idzi patinoda kurava Shoko raMwari.
MaKristu anoremekedza zvikuru Bhaibheri uye nomutoo wakarurama vanodavira kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16) Nokuda kwechikonzero ichecho, kushandura Bhaibheri mutoro mukuru. Kana mumwe munhu akachinja noune kana kuti kusiya rutivi rwezviri mukati zveBhaibheri, iye ari kuchinya Shoko rakafuridzirwa. Kunowakadaroyo nyevero yoRugwaro ingashanda, inoti: “Kana munhu upi noupi akawedzera kuzvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mumupumburu uyu wamanyoro; uye kana munhu upi noupi akabvisa chinhu chipi nechipi mumashoko omupumburu uyu wamanyoro echiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pamuti woupenyu.”—Zvakazarurwa 22:18, 19; onawo Dheuteronomio 4:2.
Vashanduri vazhinjisa veBhaibheri mukusapanikira vanoremekedza Bhaibheri uye nomutoo wapachokwadi vanoda kuita kuti rinzwisisike muzera rino razvino uno. Asi vashanduri havana kufuridzirwa. Vazhinjisa vavo vane mirangariro yakasimba zvikuruwo, pamsoro penhau dzorudzidziso uye vangapesvedzerwa nemifungo yavo vamene nezvavanoda. Vanogonawo kuita zvikanganiso kana kuti mhosho mukusarudza.
Nokudaro, tinamaruramiro okubvunza mibvunzo yakati kuti inokosha: Ko zita chairoiro raMwari rinonziani? Uye neiko shanduro dzakasiana-siana dzeBhaibheri dzina mazita akasiana aMwari? Tawana mhinduro yemibvunzo iyi, tinogona kudzokera kuchinetso chedu chapakuvamba: Neiko kutsveneswa kwezita raMwari kuchikosha zvikuru?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Ngirozi, vanhu, mhuka, uyewo nyeredzi nezvimwe zvinhu zvisina upenyu, zvina mazita. Kwaizova kunobvumirana here kuti Musiki wezvinhu izvi zvose ave asina zita?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Zita raMwari nomutoo wakajeka rakanga riri rinokosha zvikuru kuna Jesu, sezvo iye akaridudza aridudzazve muminyengetero yake