RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • su chits. 14 pp. 105-112
  • Mavambire Anoita “Matenga Matsva Nepasi Idzva”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mavambire Anoita “Matenga Matsva Nepasi Idzva”
  • Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘FARIRAI ZVANDIRI KUSIKA’
  • KUGADZIRIRWA KWA“PASI IDZVA”
  • “PASI IDZVA” RINOVA CHINHU CHAICHOICHO
  • Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva—Sezvakafanotaurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Nyika Itsva Maererano Nechipikirwa chaMwari
    Rambai Makarinda!
  • Denga Idzva Nepasi Idzva
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
su chits. 14 pp. 105-112

Ganhuro 14

Mavambire Anoita “Matenga Matsva Nepasi Idzva”

1. (a) MuBhaibheri, chii chinowanzotaurwa nezvacho sa“matenga”? (b) Mune zvimwe zvikamu zvamashoko, chii chiri revo ye“pasi”?

KUDUDZWA kwamatenga kunoita kuti vanhu vazhinji vafunge nezvechadenga chiri kunze zvikuru, mwedzi nenyeredzi. Bhaibheri rinobatanidzawo “denga” noubati ushe. (Mabasa 7:49) Padzimwe nguva rinoshandisa shoko rokuti “matenga” kureva nezvaMwari iye amene saChangamire weChisiko chaPose Pose. (Dhanieri 4:26; Mateo 4:17) Kunyange hurumende dzavanhu dzinotaurwa nezvadzo sa“matenga,” nokuti idzodzi dzine nzvimbo iri pamusoro pavadzorwi vadzo. (2 Petro 3:7) Nenzira yakafanana, “pasi” rinowanzoreva mburumbwa, asi rinogonawo kureva nezvechaunga chavanhu. (Genesi 11:1; Pisarema 96:1) Kuzivikanwa kwaikoku kunogona kukubetsera kunzwisisa revo yezvipikirwa zvinoshamisa pamsoro pe“matenga matsva nepasi idzva.” Zvimwe zvezvipikirwa izvozvi zvakava nezadziko yokutanga mumazuva aIsraeri wekare.

‘FARIRAI ZVANDIRI KUSIKA’

2. Neiko Jehovha akabvumira Israeri kuendeswa muutapwa, asi iye akadeya kuzivisei?

2 Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuri musungano naMwari, rwabvumira nomutoo wakakomba kumuteerera. Asi vakava vasina kuvimbika. Nemhaka yaikoku, Jehovha akazivisa kuti iye aizobvisa taviridziro yake, aizobvumira Jerusarema kuparadzwa uye vanhu kuendeswa muutapwa muBhabhironi. (Isaya 1:2-4; 39:5-7) Asi iye mungoni akadeyawo kuzivisa kudzorerwa kwavakasarira vakapfidza.—Isaya 43:14, 15; 48:20.

3. Chipikirwa chiri pana Isaya 65:17 chakarevei?

3 Nemhaka youchokwadi hwaikoku, Jehovha akataura nezvokudzorerwa ikoko kwokumunguva yemberi sokunge kuti kwakanga kuri kutoitika, achiti: “Tarirai ndiri kusika matenga matsva napasi idzva; uye zvinhu zvekare hazvisati zvichizorangarirwa, uyewo hazvizati zvichizofungwa mumwoyo. Asi farai, imi vanhu, uye farirai nokusingaperi pamsoro pezvandiri kusika. Nokuti tarirai ndiri kusika Jerusarema rive chisakiso chomufaro navanhu varo vave chisakiso chomufarwa.” (Isaya 65:17, 18) Ikoko kwaizoreva kununurwa kuna vaIsraeri vakapfidza ivavo.

4. (a) Ko kununurwa kwakadeya kuziviswa kwakaitika riini? (b) Chii chaiva “matenga matsva” ne“pasi idzva” kare panguva iyeyo?

4 Kunyange zvazvo chinhu chakadaro chakanga charatidzika kuva chisingabviri mumurangariro womunhu, Bhabhironi rine simba rakawira kuvaMedhe navaPersia muna 539 P.N.V. VaJudha vakava pasi pehurumende itsva, “matenga matsva.” Koreshi Mukuru akaita basa guru mu“matenga matsva” iwawo. Kunyange zvazvo Koreshi asina kuva mutendeuki wechiJudha, iye akabvuma kuti Jehovha akamubvumira kuva nechiremera chaakashandisa uye kuti Jehovha akanga amutuma kuzoita kuti tembere yomuJerusarema ivakwezve. (2 Makoronike 36:23; ona Isaya 44:28.) Kare muJerusarema muna 537 P.N.V., Mudzori Zerubhabheri noMuprista Mukuru Jeshua vakabatirawo nomutoo wakatanhamara mu“matenga matsva” iwawo ehurumende, uye vakasarira vechiJudha vakadzorerwa vaiumba “pasi idzva,” chaunga chakachenurwa chakasimbisazve kunamata kwakachena munyikayo.—Ezra 5:1, 2.

5, 6. (a) Chii chaizopa hufakazi hwokuti ivo zvomenemene vakanga vari vanhu vakachinja? (b) Apo Jehovha akavatsiura, ko kudavidza kwavo kwakanga kwakasiana sei nokoko kwapamberi poutapwa?

5 Sohufakazi hwokuti mose muri muviri mundangariro nomumwoyo vakanga vava vanhu vakachinja, vaidikanirwa kuisa fariro dzokunamata kwakachena pakutanga muupenyu hwavo, kuremekedza chaizvoizvo uchangamire hwaJehovha uye kuteerera vaporofita vake. Mukuwirirana naikoku, pakati pezvinhu zvokutanga zvavakaita pavakasvika kwaJudha kwakanga kuri ku“vaka atari yaMwari waIsraeri” uye kupira zvibairo.—Ezra 3:1-6.

6 Apo kombamiro dzokudisa zvenyika nokutya munhu zvakadzivisa kupedzwa kwokuvakwa kwetembere, Jehovha akatsiura vanhu kupfurikidza navaporofita vake, uyeivo vakatetekera. (Hagai 1:2, 7, 8, 12; 2:4, 5) Gare gare, apo kukundikana kwakakomba kwokutsinhirana nezvinodikanwa zvoMutemo pamsoro peroorano dzakaratidzirwa, vanhu vakaruramisa nzira dzavo. (Ezra 10:10-12) Panzvimbo pokuva nameso, nomutoo wokufananidzira, asiri kuona nenzeve dzakanga dziri matsi kushoko raMwari, ivo vakawana kuporesa kwomudzimu uye vakashandisa mano avo mukutsinhirana nokuda kwaJehovha. (Enzanisa Isaya 6:9, 10 na 35:5, 6.) Somuuyo, Mwari akavaita kuti vabudirire mukutsinhirana nezvipikirwa zvinowanwa pana Isaya 65:20-25.

7. Ko tinoziva sei kuti kwaizova nokumwezve kuzadzika kwechiporofita chaIsaya?

7 Asika ndizvo zvoga bedzi zvakanga zviripo here kukuzadzika kwechiporofita chaireva nezve“matenga matsva nepasi idzva”? Zvamazvirokwazvo kwete. Muapostora wechiKristu Petro akataura kuti maKristu omuzana rokutanga ramakore akanga achikarira nomwoyo wose kumwezve kuzadzika. (2 Petro 3:13) Chaakanga achimirira zvino chiri kuwadzanyurika pamberi pameso edu. Munziraiko? Mukuwirirana nezvinoitika zvinobatanidza kugadzwa pachigaro choumambo kwaKoreshi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu akapiwa mbiri.

8. (a) Ko Jehovha akaparira riini kuvapo kwaaya “matenga matsva,” uye ikoku kunoenzanirana sei nokuzadzika kwokutanga kwechiporofita? (b) Ko mitezo ya“matenga matsva” yave ichikudziridzika sei nomutoo unoenderera mberi?

8 Sezvatatoona, makanga muri muna 1914 umo Jehovha Mwari akaisa chiremera paMwanakomana wake kuti agovamba kubata ushe pakati pavavengi vake. “Matenga matsva” akanguve akamirirwa ipapo akavapo. Chakaitika chakanga chakaisvonaka zvikuru kupinda zvinoitika zvakabatana nokununurwa kwaIsraeri wekare. (Pisarema 110:2; Dhanieri 7:13, 14) Hurumende yakaberekwa muna 1914 zvamazvirokwazvo inobata ushe iri kumatenga ikoko kumene, uye Mwari akaipa chiremera papasi rose. Kukudziridzika kweiyi hurumende kwakaitika gare gare kupfurikidza nokumutswa kwavateveri vakazodzwa nomudzimu vaKristu (vakanga vatofa) kuva madzimambo navaprista mudenga pamwe chete naIshe wavo. Mimwe mitezo yeboka irero yoUmambo zvayaipedza upenyu hwayo hwapasi, iyowo yave ichiwedzerwa kumitezo inowedzera ya“matenga matsva.” (1 VaTesaronika 4:14-17; Zvakazarurwa 14:13) Voruzhinjisa zvikuru kwazvo vavadyi venhaka vaKristu zvino vobate basa muUmambo ihwohwo hwokudenga. MaKristu akaberekwa nomudzimu anokumbanirana nenzira iyoyo naKristu anoumba Jerusarema Idzva, iro Jehovha akataura nezvaro, kuti: “Tarirai ndiri kusika Jerusarema rive chisakiso chomufaro navanhu varo vave chisakiso chomufarwa.”—Isaya 65:18.

9. Ko Jehovha akaparira pasi pano chaipo muna 1919 “chisakisoi chomufarwa”?

9 Hamuzati muchingova bedzi mumatenga asiwo pasi pano apo Jehovha akaparira “chisakiso chomufarwa.” Vakasarira vavadyi venhaka voUmambo vachiri pamusoro papasi pano. Mukati meHondo yeNyika I vakuru vakuru vorudzidziso vakashandisa kutya kwenguva yehondo kupomera zvenhema nhema ava Vadzidzi veBhaibheri uye kusakisa mitezo yoMutumbi Unodzora kutongerwa nhambo refu dzetorongo. Asi muna 1919 vakasunungurwa, kusunungurwa chaizvoizvo muutapwa hwakakuchidzirwa neBhabhironi Guru. Kupfurikidza nomudzimu waJehovha waivatsigira, ivo vakazvirongazve savanhu vakazvipira chose chose kukunamata kwakachena uye fariro dzoUmambo hwaMwari.

10. (a) Ko kariro dzavaIsraeri ava vomudzimu dzakanga dzakasiana sei nedzedzo dzavaJudha vakadzokera muna 537 P.N.V.? (b) Ko Jehovha akavapa basai rokuita? (c) Ko iye akavakomborera sei zvikuru ivo vachiri pasi pano, uye magwaro akarongwa anorondedzera sei mugariro wavanofarikanya?

10 Zvisinei, kariro dzavo netariro dzakanga dzakasiana nedzedzo dzavaJudha vakadzokera kunyika yokwavo muna 537 P.N.V. Mitezo yaIsraeri womudzimu yaikarira kugara nhaka yaka“chengetwa mumatenga” nokuda kwayo. (1 Petro 1:3-5) Asika isati yagamuchira zvomenemene tuso iyeyo, Jehovha akanga ane basa rokuti iite. Pamsoro paikoku, iye mukuporofita akati: “Ini ndichaisa mashoko angu mumuromo mavo, uye kupfurikidza nomumvuri wechanza changu ndichavafukidzira zvamazvirokwazvo, kuti ndigosima matenga ndokuvanzarika nheyo yapasi ndokuti kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’” (Isaya 51:16) Iye anoisa “mashoko” ake, shoko rake, mumuromo wavabatiri vake kuti ivo vagozivisa nyika yose. Kupfurikidza nechivimbo ivo vakavamba kuzivisa kuti Mwari akanga asima “matenga matsva” zvakasimba zvikuru zvokuti hakuna vanhu kana kuti madhemoni aigona kuadzura. Nzira iyo Jehovha akabata nayo navamiriri veZioni rokudenga yakasanovatsauranisa savanhu vake. Mukusiana nomugariro usine chinhu mumudzimu nomutsika wenyika, “nyika” yakagarwa naIsraeri womudzimu, munda wavo womubato, yakava nzvimbo umo mipimo yomudzimu nemibato zvinobudirira. Iparadhiso yomudzimu! (Isaya 32:1-4; 35:1-7; 65:13, 14; Pisarema 85:1, 8-13) Asika zvakadiniko ne“pasi idzva” rakadeya kuziviswa pana Isaya 65:17?

KUGADZIRIRWA KWA“PASI IDZVA”

11. (a) Ko Jehovha ave achigadzira mitezo inokarirwa ye“pasi idzva” zvikurukuru chifo chariini? (b) Ko ivo vakadeya kufananidzirwa navanhui vakasiya Bhabhironi rekare?

11 Zvikurukuru kuvambira muna 1935, Jehovha akaparira mitezo yaIsraeri womudzimu kuona kuti nguva yokuunganidzwa kweboka guru ravanhu vane tariro youpenyu husingagumi paParadhiso yapasi yakanga yasvika. Vachienzaniswa ne“boka duku” ravadyi venhaka voUmambo, ivo zvamazvirokwazvo vakava boka guru. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Ivavawo, vakapinzwa muparadhiso yomudzimu. Vakadeya kufananidzirwa navasati vari vaIsraeri avo vakasiya Bhabhironi pamwe chete navaJudha muna 537 P.N.V. uyewo avo vakaita kudaro gare gare. (Ezra 2:58, 64, 65; 8:17, 20) Iri boka guru rose rezvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha rine kariro dzapasi mitezo inokarirwa ye“pasi idzva.”

12. Ko vanhu vari kugadzirirwa sei zvino kuti vagova vakakodzera nheyo ye“pasi idzva”?

12 Avo vanopukunyuka dambudziko guru uye pamberi pavo vane kariro youpenyu hwakakwana hwohunhu vachaumba zvamazvirokwazvo nheyo ye“pasi idzva” irero, vachiva mitezo yokutanga yaro. Kunokosha kuti nheyo yacho ive yakanaka. Naizvozvo, iye zvino chaiye ivo vari kusanorairidzwa kwazvo munzira dzaJehovha. Ivo vari kubetserwa kuwana kunzwisisa kwapamwoyo chirevo chouchangamire hwapose pose. Vari kudzidza makoshere akuri ku‘vimba naJehovha nomwoyo wavo wose uye kusavimba nokunzwisisa kwavo vamene.’ (Zvirevo 3:5, 6) Ivo vane banza rokuzvibvumikisa ivo vamene kuva vatsigiri vanoshingaira navanovimbika voUmambo hwaMwari kupfurikidza nokuva norutivi zvizere mukuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” zvino. (Mateo 24:14) Ivo vari kuwana chinorehwa nokuva rutivi rwechaunga chemburumbwa umo vanhu vanobva mumarudzi ose nemitauro namadzinza vanobatira pamwe chete muukama hworudo. (Johane 13:35; Mabasa 10:34, 35) Ko iwe umene uri kuzvishandisa kuti ugobetserekana zvizere neiyi gadziriro yedzidzo here? Kuna vose vanoita kudaro, kariro dzakaisvonaka dziri mberi.

“PASI IDZVA” RINOVA CHINHU CHAICHOICHO

13. Ko kusvika kwe“pasi idzva” kuchava sei kuzadzika kwakaisvonaka zvikuru kwechipikira chaJehovha kupinda zvakaitwa muna 537 P.N.V.?

13 Kuzadzika kwokupedzisira, kwakakwana kwechipikirwa chaJehovha chokuita kuti pave ne“pasi idzva” kuchava kwakaisvonaka zvikuru kupinda chakaitika kare kaye muna 537 P.N.V. Hakuzati kuri kuti avo bedzi vanoumba “pasi idzva” vachava vanhu vakasunungurwa muBhabhironi Guru, asi umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema huchave hwaparadzwa nokusingaperi. (Zvakazarurwa 18:21) Ichi chaunga chavanhu vakarurama—“pasi idzva”—hachizati chichizokomberedzwa namarudzi anozvidza Jehovha achitambudza vabatiri vake, sezvakaitika mukuzadzika kwokutanga kwechiporofita chaIsaya. Hurumende dzose dzavanhu, nokuda kwokuramba kwadzo kuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha, dzichave dzaputsanywa mukuvapo, uye chaunga chakaipa chavanhu chiripochi chichave chagurwa chose chose papasi. (Dhanieri 2:44; Zvirevo 2:21, 22) Nhevedzo Itsva yakarurama yaMwari zvainovamba, vanhu bedzi vachagara pamburumbwa yaPasi vachava avo vanokudza Jehovha, vanowana mufaro mukuru munzira dzake.—Pisarema 37:4, 9.

14. (a) Ko 2 Petro 3:13 naZvakazarurwa 21:1 dzichazadzika riini? (b) Chii chichava chakasiana pamsoro pemigariro umo “denga idzva” rinoshanda mairi panguva iyeyo? (c) Ndivanaani vachabatanidzwa mu“pasi idzva”?

14 Muapostora Petro akaratidzira kunguva iyeyo ine mbiri mutsamba yake yechipiri yakafuridzirwa. (2 Petro 3:13) Achiratidzira kukariro imwe cheteyo inofadza, muapostora Johane akashuma mashoko ose oudzame azvakazarurwa zvakapiwa kwaari, achiti: “Ini ndakaona denga idzva napasi idzva; nokuti denga rokutanga napasi rokutanga zvakanga zvapfuura, uye gungwa rakanga richisipozve.” (Zvakazarurwa 21:1) Apo dambudziko guru rinenge rapfuura uye Satani namadhemoni ake vapfigirwa mugomba rakadzika-dzika, nhambo itsva ichavamba. Pesvedzero yakashata yaSatani namadhemoni ake ichave yaparara. Tsika yake yose yezvinhu ichave yaparadzwa. “Denga idzva” ipapo richaita donzo rorudo raJehovha nokuda kwezvisikwa zvake pasina dzongonyedzo ipi neipi inobva kuhurumende inofuratira uchangamire hwaJehovha. Pasi pe“denga idzva” irero pachava zvamazvirokwazvo ne“pasi idzva,” rinoumbwa ne“boka guru” iro Mwari anopa kariro inokosha youpenyu husingagumi mumburumbwa yeParadhiso yorutsvindo, maguta, mufaro norugare. Apo nguva yakagadzwa yaMwari inosvika yokuti vakafa vohunhu vamutswe, ivavawo vachava nebanza rokuva rutivi rwe“pasi idzva” irero umo kururama kuchagara.—Zvakazarurwa 20:12, 13.

15. Neiko chipikirwa chiri pana Zvakazarurwa 21:3, 4 chichikosha kwauri?

15 Pamsoro peizvo Mwari akachengetera vanhu panguva iyeyo, muapostora Johane akanzwa ichi chiziviso chichibva kudenga, chichiti: “Tarirai! Tendi raMwari rina vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari iye amene achava navo. Uye iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvakapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Haiwa huchava upenyu hunofadza sei!

16. Ikariroi pamsoro penguva yemberi dzinonyandurwa mumwoyo yedu nezvipikirwa zviri pana (a) Isaya 11:6-9? (b) Isaya 35:1-7? (c) Isaya 65:20-25? (d) Ndianiko anoita kuti kariro dzinofadza idzi dzive dzinotibvirira?

16 Migariro yaivamo muEdheni nezvinoshamisa zvakaitwa naJesu zvinogovera kudeya kuona zvichave zvakaita upenyu mu“pasi idzva” irero. Mukuwedzera, mativi echiporofita pana Isaya 11:6-9 na 35:1-7 uye 65:20-25 achazadzika chaizvoizvo panguva iyeyo, kukukomborerwa zvikuru kwavanhu vanoteerera. Haiwa kuchava kunozorodza sei apo migariro inodikanwa chaizvoizvo youtano hwomudzimu norubudiriro inogona kufarikanywa pamwe chete nokukwana kwokunyama nendangariro mupasi iro munzira iri yose rinenge rava Paradhiso! Tine kariro yakadaro yakaisvonaka iri pamberi pedu, haiwa hapana chimwe chinhu chatingaita kunze kwokusimudzira manzwi edu mukuonga Jehovha, Musiki Akaisvonaka wayo yose!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe