Nyika Itsva Maererano Nechipikirwa chaMwari
BHAIBHERI, Shoko raMwari rakanyorwa, rinotipa tariro parinoti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:13.
“Matenga matsva” acho chii? Bhaibheri rinofananidza denga noutongi. (Mabasa 7:49) “Matenga matsva” ihurumende itsva ichatonga pasi pose. Itsva pakuti ichatsiva utongi huripo; idanho idzvawo pakuitwa kwechinangwa chaMwari. Ndihwo Umambo hwatakadzidziswa naJesu kunyengeterera. (Mateu 6:10) Sezvo Mwari ari iye Muvambi wayo uye achigara kudenga, inonzi “umambo hwokumatenga.”—Mateu 7:21.
“Pasi idzva” chii? Harisi denderedzwa idzva renyika, sezvo Bhaibheri richitaura zvakajeka kuti pasi richagarwa nokusingaperi. “Pasi idzva” inzanga itsva yevanhu. Richava idzva pakuti vakaipa vachange vaparadzwa. (Zvirevo 2:21, 22) Vose vachange vachirarama panguva iyoyo vachakudza uye vachateerera Musiki uye vachararama maererano nezvaanoda. (Pisarema 22:27) Vanhu vemarudzi ose vari kukokwa kuti vadzidze zvaanoda izvozvo uye kuti vaite kuti upenyu hwavo huwirirane nazvo iye zvino. Uri kuita izvozvo here?
Munyika itsva yaMwari, munhu wose acharemekedza kutonga Kwake. Kuda Mwari kunokuita kuti uteerere mirayiro yake here? (1 Johani 5:3) Zvinooneka mumusha mako here? kubasa kana kuti kuchikoro? mumararamiro ako?
Munyika itsva iyoyo, vanhu vachabatana mukunamata Mwari wechokwadi Unonamata Musiki wedenga nepasi here? Kunamata kwako kunokubatanidza zvechokwadi nevamwe vanamati vemarudzi ose, madzinza ose, mitauro yose here?—Pisarema 86:9, 10; Isaya 2:2-4; Zefania 3:9.
[Bhokisi riri papeji 17]
Mwari Anopikira Zvinhu Izvi
Ndiye Musiki wedenga nePasi. Ndiye uyo Jesu Kristu akati “Mwari wechokwadi bedzi.”—Johani 17:3.
Vanhu vakawanda vanokudza vanamwari vavanozvigadzirira. Mamiriyoni anopfugamira zvidhori zvisina upenyu. Vamwe vanorumbidza masangano evanhu, uzivi hwezvinhu zvenyama, kana kuti zvido zvavo. Kunyange vaya vanoti vanoshandisa Bhaibheri havasi vose vanokudza zita rouyo warinozivisa sa‘Mwari wechokwadi.’—Dheuteronomio 4:35.
Nezvake, Musiki anoti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu.” (Isaya 42:5, 8) Zita iri rinowanika kanenge ka7 000 muBhaibheri mumitauro yaro yokutanga. Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateu 6:9.
Mwari wechokwadi munhu worudzii? Anozvirondedzera seane “nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi” uye asingaregi kuranga vose vanotyora mirayiro yake nemaune. (Eksodho 34:6, 7) Nhoroondo yezvaakaita nevanhu inopupurira kuti kurondedzerwa kwaaitwa uku ndokwechokwadi.
Zita uye munhu anomiririrwa nezita racho zvinofanira kutsveneswa, kana kuti kubatwa noutsvene. Zvaari Musiki uye Changamire wezvose zvakasikwa, akakodzera kuti timuteerere uye timunamate. Iwe pachako unomuitira izvi here?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
“Matenga Matsva Nepasi Idzva” Zvichachinjei?
Pasi rinochinjwa kuva Paradhiso Ruka 23:43
Nzanga yomunyika yose umo marudzi Johani
13:35; ose, madzinza ose, mitauro yose
Zvakazarurwa 7:9, 10 zvinenge zvakabatana
murudo
Basa rinogutsa, zvokudya zvakawanda Isaya
25:6; 65:17, 21-23
Kurwara, kusuruvara, rufu Isaya 25:8;
zvichabviswa Zvakazarurwa 21:1, 4
Nyika yakabatana Zvakazarurwa 15:3, 4
mukunamata Mwari wechokwadi
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 19]
Zvichakubatsira Here?
Mwari haangamborevi nhema!—Tito 1:2.
Jehovha anozivisa kuti: “Shoko rangu . . . haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.
Jehovha ari kutosika “matenga matsva nepasi idzva.” Hurumende yokudenga iri kutoshanda. Hwaro hwe“nyika itsva” hwakatogadzirwa.
Pashure pokutaura zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa izvo “matenga matsva nepasi idzva” zvichaunzira vanhu, bhuku raZvakazarurwa rinotaura mashoko aMwari pachake, Changamire weZvakasikwa Zvose, richiti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Anotizve: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:1, 5.
Mubvunzo unokosha ndewokuti, Tiri kugadzirisa zvinodiwa here kuti tinzi takakodzera kuva vamwe vachava mu“pasi idzva” rinenge richitongwa ne“matenga matsva”?