RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bp pp. 3-31
  • Hurumende Ichaunza Paradhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hurumende Ichaunza Paradhiso
  • Hurumende Ichaunza Paradhiso
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Hurumende Ichaunza Paradhiso
bp pp. 3-31

Hurumende Ichaunza Paradhiso

Apo Jesu akanga ari pasi pano, iye akaudza vadzidzi vake kunyengeterera Umambo hwaMwari, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, uyewo pasi pano.” (Mateo 6:9, 10) Iye akataurawo nomutoo unopfuurira pamsoro pe“mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 4:23) Chokwadi, iye akataura zvakawanda pamsoro poUmambo kupfuura zvaakaita pamsoro pechimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho. Neiko? Nokuti Umambo ndihwo mudziyo uyo Mwari achashandisa kupedza nawo zvinetso zvinoita kuti upenyu huome zvikuru nhasi. Kupfurikidza noUmambo, Mwari achakurumidza kugumisa hondo, nzara, hosha, noubhinya, uye iye achaparira chinzwano norugare.

Ko imi mungada kurarama munyika yakadaro here? Kana zvadaro, ipapo munofanira kurava iri bhurocha. Mariri, muchadzidza kuti Umambo ihurumende, asi iyo iri nani zvikuru kupinda hurumende ipi neipi yakambobata ushe pavanhu. Muchaonawo nzira inofadza iyo Mwari pashoma napashoma akatsanangurira nayo vabatiri vake madonzo ake pamsoro poUmambo. Mukuwedzera, muchaonawo kuti Umambo hunogona kukubetserai sei kunyange nhasi.

Chokwadi, imi munogona kuva mudzorwi woUmambo hwaMwari iye zvino. Asi musati masarudza kuita ikoku, muchadikanirwa kuziva zvakawanda pamsoro pahwo. Naizvozvo tinokukurudzirai kunzvera iri bhurocha. Chinhu chiri chose charichakuzivisai pamsoro poUmambo chinotorwa muBhaibheri.

Kutanga, ngationei kuti chikonzero nei tichida Umambo hwaMwari zvikuru kwazvo.

Mukuvamba menhau yomunhu, Mwari akaita munhu akakwana ndokumuisa muParadhiso. Panguva iyeyo pakanga pasina kudikanwa kwoUmambo.

Zvisinei, Adhama naEvha, vabereki vedu vokutanga, vakateerera Satani, ngirozi yakapanduka. Iye akavaudza nhema pamsoro paMwari ndokuvaparirawo kupandukira Mwari. Nenzira iyeyo vakafanirwa nokufa, nokuti “mibairo inoripirwa nechivi rufu.”—VaRoma 6:23.

Munhu asina kukwana, anoita chivi haangagoni kuva navana vakakwana. Naizvozvo vana vose vaAdhama vakaberekwa vasina kukwana, vachiita chivi, vachifa.—VaRoma 5:12.

Kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi, vanhu vaida Umambo hwaMwari kuvabetsera kubva mushurikidzo yechivi norufu. Umambo huchachenurawo zita raMwari panhema dzakaziviswa naSatani mukurishora.

Jehovha Mwari akapikira kuti “mbeu” chaiyo (kana kuti mwana) yaizoberekerwa kudzikinura vanhu muchivi. (Genesi 3:15) “Mbeu” iyi yaizova Mambo woUmambo hwaMwari. Ko iyo yaizova ani?

Anenge makore 2 000 pashure pokunge Adhama aita chivi, kwakararama mumwe murume akatendeka zvikuru ainzi Abrahama. Jehovha akaudza Abrahama kusiya guta rake amene ndokurarama mumatende munyika yeParestina.

Abrahama akaita zvose izvo Jehovha akamuudza kuita, kubatanidza chimwe chinhu chakaoma zvikuru. Jehovha akamuudza kubaira mwanakomana wake Isaka paatari.

Jehovha haana kuda zvomenemene chibairo chomunhu. Asi iye akanga achida kuziva kuti Abrahama aimuda zvakadini. Abrahama akanga odokuuraya Isaka apo Jehovha akamudzivisa.

Nokuda kwokutenda kukuru kwaAbrahama, Jehovha akapikira kupa nyika yeParestina kumbeu yake ndokutaura kuti Mbeu yakapikirwa yaizovapo kupfurikidza nedzinza rake, nerero romwanakomana wake Isaka.—Genesi 22:17, 18; 26:4, 5.

Isaka akanga anavanakomana vamanyambiri, Esau naJakobho. Jehovha akataura kuti Mbeu yakapikirwa yaizouya nokuna Jakobho.—Genesi 28:13-15.

Jakobho, uyo Jehovha akatumidzawo kuti Israeri, akanga ana vanakomana 12, ivo vose pakupedzisira vakava navana. Naizvozvo vana vaAbrahama vakatanga kuwanziridzika.—Genesi 46:8-27.

Apo kwakanga kune nzara yakashata munharaundayo, Jakobho nemhuri yake vakaburukira Egipita pakukoka kwaFarao, mubati ushe weEgipita.—Genesi 45:16-20.

MuEgipita kwakaziviswa kuti Mbeu yakapikirwa yaizova muzukuru womwanakomana waJakobho Judha.—Genesi 49:10.

Pakupedzisira Jakobho akafa, uye vana vake vakawanda muchiverengero kutozosvikira vava vakafanana norudzi. Ipapo vaEgipita vakavatya ndokuvaita varanda.—Eksodho 1:7-14.

Pakupedzisira Jehovha akatuma Mosesi, murume akatendeka zvikuru, kundoraira kuti Farao wapanguva iyeyo aite kuti vana vaIsraeri vaende vakasununguka.—Eksodho 6:10, 11.

Farao akaramba, naizvozvo Jehovha akaunza madambudziko gumi pavaEgipita. Sedambudziko rokupedzisira, iye akatuma ngirozi yorufu kundouraya vanakomana vose vamatangwe veEgipita.—Eksodho, ganhuro 7 kusvikira ku 12.

Mwari akaudza vaIsraeri kuti kudai ivo vaizouraya gwaiana nokuda kwezvokudya zvavo zvamadekwana ndokuisa rimwe reropa raro pazvivivo zvemikova yavo, ngirozi yorufu yaizopfuura dzimba dzavo. Naizvozvo matangwe echiIsraeri akaponeswa.—Eksodho 12:1-35.

Somuuyo, Farao akaraira vaIsraeri kubuda muEgipita. Asika ipapo iye akashandura ndangariro yake ndokuvaronda kuti avadzose.

Jehovha akazarura nzira yokuti vaIsraeri vapukunyuke noMugungwa Dzvuku. Uye apo Farao namauto ake vakaedza kuvatevera, ivo vakanyudzwa.—Eksodho 15:5-21.

Jehovha akatungamirira vanakomana vaIsraeri kugomo rainzi Sinai murenje. Ikoko, akavapa Mutemo wake ndokutaura kuti kudai ivo vaizouchengeta, ivo vaizova umambo hwavaprista norudzi rutsvene. Nokudaro, mukufambira mberi kwenguva, vaIsraeri vakava nebanza rokuva rutivi runokosha rwoUmambo hwaMwari.—Eksodho 19:6; 24:3-8.

Pashure pokunge vaIsraeri vakanga vave vari paGomo reSinai kwerinenge gore rimwe, Jehovha akavatungamirira vakananga Parestina, nyika iyo akanga apikira kuna Abrahama tateguru wavo.

MuParestina, gare gare Mwari akabvumira vaIsraeri kuva vanobatwa ushe namadzimambo. Ipapo, Mwari akanga anoumambo pasi pano.

Mambo wechipiri waIsraeri akanga ari Dhavhidhi, muzukuru waJudha. Dhavhidhi akakunda vavengi vose vaIsraeri, uye iye akaita Jerusarema dzimbahwe rorudzirwo.

Zvinoitika mukutonga kwaDhavhidhi zvinoratidzira kuti apo Jehovha anotsigira mambo, hapana mubati ushe wapasi angamukurira.

Jehovha akataura kuti Mbeu Yakapikirwa yaizova mumwe wavazukuru vaDhavhidhi.—1 Makoronike 17:7, 11, 14.

Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi, akabata ushe pashure pake. Iye akanga ari mambo akachenjera, nokudaro Israeri akabudirira mukutonga kwake.

Soromoni akavakirawo tembere yakaisvonaka Jehovha muJerusarema. Migariro muna Israeri mukutonga kwaSoromoni inotiratidzira zvimwe zvezvikomborero zvichaunzirwa vanhu noUmambo hunouya hwaMwari.—1 Madzimambo 4:24, 25.

Zvisinei, madzimambo mazhinji pashure paSoromoni akanga asina kutendeka zvikuru.

Asi apo vazukuru vaDhavhidhi vakanga vachiri kubata ushe muJerusarema, Jehovha akashandisa muporofita wake Isaya kuzivisa nezvoMwanakomana womunguva yemberi waDhavhidhi uyo aizobata ushe pasi rose mukutendeka. Uyu aizova Mbeu yakapikirwa.—Isaya 9:6, 7.

Muporofita Isaya akadeya kuzivisa kubata ushe kwaKe sokunotova kune mbiri huru kupinda kwaSoromoni.—Isaya, ganhuro 11 ne 65.

Zvino, kupfuura nakare kose, vabatiri vaMwari vakashamisika kuti iyi Mbeu yaizova ani.

Mbeu isati yasvika, hunyanguvezvo, madzimambo aIsraeri akava akaipa zvikuru zvokuti mu 607 P.N.V. Jehovha akabvumira rudzirwo kuva runokurirwa navaBabhironi, uye vazhinjisa vavanhuvo vakaendeswa muuranda kuBhabhironi. Asika Mwari akanga asina kukanganwa chipikirwa chake. Mbeu yaizoonekazve mudzinza raDhavhidhi.—Ezekieri 21:25-27.

Chakaitika kuna Israeri chakaratidzira kuti kunyange zvazvo mambo akachenjera, akatendeka wohunhu aigona kuunza betsero, betsero idzodzi dzakanga dzakaganhurirwa. Vanhu vakatendeka vanofa uye vatevedzeri vavo vangava vasina kutendeka. Chii chaiva chigadzikiso? Mbeu yakapikirwa.

Pakupedzisira, pashure pezviuru zvamakore, Mbeu yakaoneka. Yakanga iri aniko?

Ngirozi yakabva kuna Mwari yakapa mhinduro kumusikana wechiIsraeri akanga asati aroorwa ainzi Maria. Yakamuudza kuti iye aizova nomwanakomana ane zita raizova Jesu. Hezvino zvakataurwa nengirozi:

“Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye iye achabata ushe samambo.”—Ruka 1:32, 33.

Naizvozvo Jesu aizova Mbeu yakapikirwa uye pakupedzisira Mambo woUmambo hwaMwari. Asika neiko Jesu akanga akasiana navarume vakatendeka vakanga vararama kare?

Jesu akaberekwa nenenji. Amai vake vakanga vari mhandara, uye iye akanga asina baba vohunhu. Jesu akanga amborarama mudenga uye mudzimu mutsvene waMwari kana kuti simba rinobata basa, rakatamisira upenyu hwaJesu mumimba yaMaria kubva kudenga. Nokudaro, iye haana kugara nhaka chivi chaAdhama. Muupenyu hwake hwose, Jesu haana kuita chivi.—1 Petro 2:22.

Apo iye akanga ava namakore 30 ezera, Jesu akabhapatidzwa.

Iye akaudza vanhu pamsoro poUmambo hwaMwari uye pakupedzisira akazvisuma iye amene saMambo woUmambo ihwohwo.—Mateo 4:23; 21:4-11.

Iye akaitawo manenji mazhinji.

Akarapa varwere.—Mateo 9:35.

Iye nomutoo wenenji akadyisa vane nzara.—Mateo 14:14-22.

Iye akatomutsa vakafa.—Mateo 9:18, 23-26.

Aya manenji anoratidzira kuti rudzii rwezvinhu Jesu achaitira vanhu saMambo woUmambo hwaMwari.

Ko imi munoziva here kuti Mambo Dhavhidhi akanga aita sei Jerusarema dzimbahwe roumambo hwake? Jesu akatsanangura kuti Umambo hwaMwari hahuzati hwaizova pasi pano, asi mudenga. (Johane 18:36) Ndokusaka Umambo huchinzi “Jerusarema rokudenga.”—VaHebheru 12:22, 28.

Jesu akaratidzira mitemo iyo avo vaizova vadzorwi voUmambo vaizofanira kuteerera. Mitemo iyi zvino iri muBhaibheri. Mitemo inoisvokosha zvikuru yaiva yokuti vanhu vanofanira kuda Mwari nokudanana.—Mateo 22:37-39.

Jesu akazivisawo kuti iye haazati aizova oga bedzi mukubata ushe Umambo hwake. Kwaizova navanhu vanosarudzwa kuti vagoenda kudenga ndokubata ushe ikoko pamwe chete naye. (Ruka 12:32; Johane 14:3) Vangani vaizova ikoko? Zvakazarurwa 14:1 inopindura, kuti: 144 000.

Kana vane 144 000 bedzi vachienda kudenga kundobata ushe pamwe chete naJesu, ko vamwe vavanhu vanogona kukarirei?

Bhaibheri rinoti: “Vakarurama ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye vachagara pariri nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Avo vachagara pamusoro papasi nokusingaperi vanonzi “mamwe makwai.”—Johane 10:16.

Naizvozvo kune kariro mbiri. Kune vane 144 000 vakakokwa naJehovha Mwari kuenda kudenga kundobata ushe pamwe chete naJesu Kristu. Asi vamwe vanamamirioni vane kariro yechokwadi yokurarama pasi pano nokusingaperi savadzorwi voUmambo hwake.—Zvakazarurwa 5:10.

Satani akavenga Jesu uye akamushora. Pashure pokunge Jesu aparidza kwamakore matatu nehafu, Satani akaita kuti asungwe ndokuurawa kupfurikidza nokuroverwa padanda. Neiko Mwari akabvumira ikoku?

Yeukai, nokuda kwokuva takabva kuna Adhama, isu tose tinoita chivi uye tinofanirwa nokufa.—VaRoma 6:23.

Yeukaiwo, kuti nokuda kwenzira yenenji yakaberekwa nayo Jesu, iye akanga akakwana nokudaro akanga asingafanirwi nokufa. Zvisinei, Mwari akabvumira Satani ku‘pwanya Jesu muchitsitsinho,’ kumuuraya. Asika Mwari akamumutsa kuti ave mupenyu zvakare somudzimu usingafi. Sezvo iye achindoveri ana maruramiro oupenyu hwakakwana hwohunhu, iye anogona zvino kushandisa iwawa kudzikinura isu vanhu muchivi.—Genesi 3:15; VaRoma 5:12, 21; Mateo 20:28.

Kutibetsera kunzwisisa zvizere chinorehwa nechibairo chaJesu, Bhaibheri rinoreva nezvacho kupfurikidza nemifananidzo yechiporofita.

Somuenzaniso, munoyeuka here maudzire akaita Jehovha Abrahama kubaira mwanakomana wake, somuedzo worudo rwake?

Iwoyu wakanga uri mufananidzo wechiporofita wechibairo chaJesu. Wakaratidzira kuti kuda kwaJehovha kwakanga kuri kukuru sei zvokuti iye akabvumira Mwanakomana wake, Jesu, kutifira kuti tigova noupenyu.—Johane 3:16.

Ko munoyeuka here nzira yakadzikinura nayo Jehovha vaIsraeri muEgipita ndokuponesa matangwe avo kupfurikidza nokuita kuti ngirozi iadarike?—Eksodho 12:12, 13.

Iwowu wakanga uri mufananidzo wechiporofita. Sezvo ropa regwaiana rakareva upenyu nokuda kwamatangwe avaIsraeri, ropa rakateurwa raJesu rinoreva upenyu nokuda kwaavo vanomudavira. Uye sezvo zvinoitika zvousiku ihwohwo zvakareva rusununguko kuvaIsraeri, rufu rwaJesu runogovera vanhu rusununguko rwokubva muchivi norufu.

Ndokusaka Jesu achinzi “Gwaiana raMwari rinobvisa chivi chenyika.”—Johane 1:29.

Zvisinei, apo Jesu akanga ari pasi pano akaunganidzawo vadzidzi vake ndokuvarovedza kuparidza mashoko akanaka oUmambo, kunyange pashure porufu rwake.—Mateo 10:5; Ruka 10:1.

Ava vaiva vanhu vokutanga vakasarudzwa naMwari kubata ushe pamwe chete naJesu muUmambo hwake.—Ruka 12:32.

Munoyeuka here kuti Mwari akapikira vaJudha kuti kudai ivo vaizochengeta Mutemo, vaizova “umambo hwavaprista”? Zvino vakanga vane banza rokuva rutivi rwoUmambo hwaMwari ndokubatira savaprista vokudenga kudai ivo vaizogamuchira Jesu. Asika vazhinjisa vavo vakaramba Jesu.

Naizvozvo kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi, vaJudha vakanga vasati vachasitongovazve rudzi rwakasarudzwa rwaMwari; Parestina yakanga isati ichasitongovazve Nyika yeChipikirwa.—Mateo 21:43; 23:37, 38.

Kubvira kuzuva raJesu kusvikira kuredu, Jehovha ave achiunganidza ivava avo vaizotonga mudenga pamwe chete naJesu. Kuchine zviuru zvishomanene zvavo vachiri vapenyu pasi pano nhasi. Tinovaidza kuti vakasarira vakazodzwa.—Zvakazarurwa 12:17.

Zvino, movamba kuona chiri Umambo hwaMwari. Ihurumende iri mudenga, Mambo wayo ndiJesu Kristu, uye iye anokumbanirwa navanhu vane 144 000 vanobva pasi. Ichabata ushe pavanhu vakatendeka pasi pano uye ichava nesimba rokuunza rugare kupasi.

Pashure porufu rwake, Jesu akamutswa ndokuenda kudenga. Ikoko, akamirira kutaura apo yaizova nguva yokuti iye atange kubata ushe saMambo woUmambo hwaMwari. (Pisarema 110:1) Ko iyeyo yaizovapo rini?

Padzimwe nguva Jehovha aitumira vanhu zviroto kuti agovazivisa zvinhu pamsoro poUmambo hwake.

Muzuva raDhanieri, Jehovha akatuma roto rakadaro kuna Nebhukadnezari, mambo weBhabhironi. Rakanga riri romuti muhombe.—Dhanieri 4:10-37.

Muti wakarigwa uye hunde yakasungwa kwamakore manomwe.

Muti wakamirira Nebhukadnezari. Sezvo hunde yakasungwa kwamakore manomwe, Nebhukadnezari akarasikirwa nokudzikama kwendangariro yake kwamakore manomwe. Ipapo kudzikama kwendangariro yake kwakadzorerwa.

Kose ikoku kwakanga kuri mufananidzo wechiporofita. Nebhukadnezari akafananidzira ubati ushe hwenyika yose hwaJehovha. Pakutanga, ihwohwu hwakashandiswa kupfurikidza navazukuru vaMambo Dhavhidhi muJerusarema. Apo Bhabhironi rakakurira Jerusarema mu 607 P.N.V., dzinza iroro roumambo rakavhiringidzwa. Hakuzati kwaizotongova nomumwe mambo mudzinza raDhavhidhi “kutozosvikira iye asvika uyo anamaruramiro apamutemo. (Ezekieri 21:27)

Iyeyo akanga ari Jesu Kristu.

Ko yaizova nguva yakareba zvakadini kubvira mu 607 P.N.V. kutozosvikira apo Jesu aizovamba kutonga? Makore manomwe echiporofita. Iwawo ndiwo, makore 2 520. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Uye makore 2 520 kubvira mu 607 P.N.V. anotisvitsa kuna 1914 N.V.

Naizvozvo Jesu akavamba kubata ushe mumatenga muna 1914. Ko ikoko kwakarevei?

Bhaibheri rinotizivisa kupfurikidza nechiono chakaonwa nomuapostora Johane.

Iye akaona mukadzi mudenga achibereka mwanarume.—Zvakazarurwa 12:1-12.

Mukadzi akafananidzira sangano rokudenga raMwari, rinoumbwa navabatiri vose vengirozi vaMwari vari mudenga. Mwanarume anofananidzira Umambo hwaMwari. Ihwo hwaka‘berekwa’ muna 1914.

Chii chakaitikazve? Chinhu chokutanga chakaitwa naJesu saMambo chakanga chiri chokuburutsira Satani, nengirozi dziya dzakapanduka pamwe chete naye kubva mudenga kupasi.—Zvakazarurwa 12:7.

Bhaibheri rinotizivisa muuyo wacho: “Farai, imi matenga nemi munogara maari! Nhamo kupasi nokugungwa, nokuti Dhiabhorosi waburukira kwamuri, anokutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.”—Zvakazarurwa 12:12.

Naizvozvo apo Jesu akavamba kutonga mudenga, vavengi vake vakava vanoshingaira zvikuru pasi pano. Sokudeya kuzivisa kwakaita Bhaibheri, iye akavamba kubata ushe pakati pavavengi vake.—Pisarema 110:1, 2.

Ikoku kwaizorevei kuvanhu?

Jesu akatizivisa: hondo, kuperevedza kwezvokudya, hosha, nokudengenyeka kwapasi.—Mateo 24:7, 8; Ruka 21:10, 11.

Takaona izvi zvinhu zvichiitika chifo cha 1914, uko kuri chimwe chikonzero nei tichiziva kuti Umambo hwakavamba kubata ushe panguva iyeyo.

Kwaizovawo ne“shungu yamarudzi, asingazivi nzira yokubuda nayo . . . apo vanhu vanopera simba nokuda kwokutya.” (Ruka 21:25, 26) Takaonawo ikoko, chifo cha 1914.

Muapostora Pauro akawedzera kuti vanhu vaizova “vanozvida ivo vamene, vadi vemari, . . . vasingateereri vabereki, . . . vasingadziuriri bvumirano ipi neipi, vacheri, vasina kuzvidzora.”—2 Timotio 3:1-5.

Zvino moziva chikonzero nei upenyu huri hwakaoma zvikuru nhasi. Satani ave achibate basa zvikuru. Asi Umambo hwaMwari hwave huchibatawo basa.

Nokukurumidza pashure pa 1914, vakasarira vaavo vanokarira kubata ushe mudenga pamwe chete naJesu vakavamba kuzivisa mashoko akanaka okuti Umambo hwakagadzwa. Iri basa zvino rapararira mupasi rose rose, sokutaura kwakaita Jesu kuti raizodaro.—Mateo 24:14.

Chii chiri donzo reiri basa rokuparidza?

Chokutanga, nderokuzivisa vanhu pamsoro poUmambo hwaMwari.

Chechipiri, ndechokubetsera vanhu kana ivo vachida kuva vadzorwi voUmambo ihwohwu.

Jesu akati mumazuva edu vanhu vose vaizokamuranisirwa mukuva vanhu vakafanana namakwai navakafanana nembudzi.—Mateo 25:31-46.

“Makwai” aizova avo vanomuda uye hama dzake. “Mbudzi” vaizova avo vasingamudi.

“Makwai” aizowana upenyu husingaperi uye “mbudzi” hadzizati.

Iri basa rokutsauranisa riri kuitwa kupfurikidza nokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo.

Hechino chiporofita chakaitwa nomuporofita Isaya.

“Uye kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva kuti gomo reimba yaJehovha richava rinosimbiswa pamsoro pepamusoro pemakomo, uye richasimudzirwa zvamazvirokwazvo kumusoro pamusoro pezvikomo; uye marudzi ose anofanira kudirana kwariri.”—Isaya 2:2.

Vanhu zvino vanangana ne“rutivi rwokupedzisira rwamazuva.”

“Imba yaJehovha yokunamatira ya“kasimudzirwa” pamusoro pamarudzidziso enhema.

“Uye marudzi mazhinji achaenda zvamazvirokwazvo ndokuti: ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; uye iye achatirairidza pamsoro penzira dzake, uye isu tichafamba munzira dzake.’”—Isaya 2:3.

Naizvozvo, vazhinji vanobva mumarudzi ose vanouya kuzonamata Jehovha uye vanokoka vamwe kuvakumbanira. Vanodzidza maitiro ezvinhu munzira iyo Jehovha anoda.

“Uye ivo vachatofanira kupfura minondo yavo kuva mapadza namapfumo avo kuva zvisanzauriso. Rudzi harusati ruchizosimudzira rudzi munondo, uyewo iwo haasati achizodzidzirazve hondo.”—Isaya 2:4.

Avo vanonamata Jehovha vakabatana uye vanorugare.

Muuyo wouyu mubato unoitwa noUmambo hwaMwari ndowokuti zvino kune vanhu vana mamirioni akawanda munyika yose vari vadzorwi voUmambo.

Ivo vakaunganidzirwa pavakasarira, vakasarira avo vane tariro iri yokuenda kudenga ndokubata ushe pamwe chete naKristu.

Ivo vanowana zvokudya zvomudzimu kupfurikidza nesangano raMwari.—Mateo 24:45-47.

Ivo vanoukama hwamarudzi ose hwamaKristu anodanana zvechokwadi.—Johane 13:35.

Ivo vanorugare rwendangariro, tariro yenguva yemberi.—VaFiripi 4:7.

Nokukurumidza, mashoko akanaka achave aparidzirwa. “Makwai” achave aunganidzwa. Ipapo Umambo huchaitei?

Munoyeuka here kuti Mambo akatendeka Dhavhidhi akakurira vavengi vose vavanhu vaMwari? Eya, Mambo Jesu achaita zvimwe chetezvo.

Mambo Nebhukadnezari akambova neroto romufananidzo muhombe uyo wakafananidzira maumambo ose enyika kubvira muzuva rake kusvikira kune redu.

Tevere iye akaona dombo rakatemwa pagomo, uye iro rakaputsanya mufananidzo. Dombo rinomirira Umambo hwaMwari.

Ikoku kunoreva kuparadzwa kwetsika iripoyi yakaipa yezvinhu.—Dhanieri 2:44.

Hezvino zvimwe zvinhu izvo Umambo huchaparadza.

Rudzidziso rwenhema ruchatsakatika, seguyo rinokandirwa mugungwa.—Zvakazarurwa 18:21.

Ndokusaka vadi vose vaMwari vanokurudzirwa kubuda murudzidziso rwenhema ZVINO.—Zvakazarurwa 18:4.

Tevere Mambo Jesu acha“rovanya marudzi . . . uye iye achaafudza netsvimbo yedare.”—Zvakazarurwa 19:15.

Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo zvichiripa mitero yazvo uye zvichiteerera mitemo yenyika, hazvibatanidzwi mune zvamatongerwe enyika.

Pakupedzisira, Satani iye amene, “dragoni” huru, anokandirwa mugomba rakadzikadzika.—Zvakazarurwa 20:2, 3.

“Makwai” bedzi, ayo anozviisa pasi paJesu saMambo, achapukunyuka iri dambudziko.—Mateo 24:31-34, 41, 46.

Muapostora Johane akaona chiono cha“makwai” anopukunyuka dambudziko.

“Ini ndakaona, uye, onei! boka guru, iro risina munhu akanga achikwanisa kuriverenga, rinobva mumarudzi ose navanhu nendudzi nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwaiana, rakapfeka nguvo chena; uye matavi omuchindwe akanga ari muzvanza zvavo.”—Zvakazarurwa 7:9.

“Boka guru” rinoumbwa naavo vose vanodavidza kukuparidzirwa kwamashoko akanaka.

Ivo vano“buda mudambudziko guru.”—Zvakazarurwa 7:14.

“Matavi omuchindwe” anoratidzira kuti ivo vanogamuchira Jesu saMambo wavo.

Kupfeka kwavo “nguvo chena” kunofananidzira kuti ivo vanotenda chibairo chaJesu.

“Gwaiana” ndiJesu Kristu.

Ko zvikomboreroi zvavanofarikanya panguva iyeyo? Ko munoyeuka here mufaro muna Israeri apo Mambo akatendeka Soromoni akanga achitonga? Ikoku kwakapa mufananidzo muduku womufaro pasi pano mukudzora kwaMambo Jesu.

Kuchava norugare chairwoirwo pakati pavanhu uye pakati pavanhu nemhuka, sezvakadeya kuzivisa Isaya.—Pisarema 46:9; Isaya 11:6-9.

Sezvo Jesu akaporesa vanorwara paaiveri pasi pano, saizvozvowo iye achabvisa chirwere pavanhu vose.—Isaya 33:24.

Sezvo Jesu akadyisa vazhinji-zhinji, saizvozvowo iye achabvisa kuperevedza kwezvokudya pavanhu vose.—Pisarema 72:16.

Sezvo iye akamutsa vakafa, saizvozvowo iye achamutsa avo vakafa vasina kuva nebanza rizere rokuzviisa vamene pasi poUmambo hwaMwari.—Johane 5:28, 29.

Pashoma napashoma, iye achadzorera vanhu kukukwana kwakarashwa naAdhama.

Ko iyeyo haisati iri nguva yemberi inoshamisa here? Ko imi maizoda kuiona here? Kana zvakadaro, shandai kuti mugone kuzviisa mumene pasi zvino poUmambo hwaMwari ndokuva mumwe wa“makwai.”

Fundai Bhaibheri ndokusvika pakuziva Jehovha Mwari naJesu Kristu.—Johane 17:3.

Songaniranai navamwe vanozviisawo pasi poUmambo.—VaHebheru 10:25.

Dzidzai mitemo yoUmambo ndokuiteerera.—Isaya 2:3, 4.

Tsaurirai upenyu hwenyu kubatira Jehovha, ndokubapatidzwa.—Mateo 28:19, 20.

Dzivisai zvinhu zvakashata, zvakadai sokuba, kureva nhema, utere, udhakwa, izvo zvinosafadza Jehovha Mwari.—1 VaKorinte 6:9-11.

Pindai mukuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:14.

Ipapo kupfurikidza nebetsero yaMwari, muchawana Paradhiso iyo Adhama akarashira vazukuru vake ichidzorerwa, uye muchaona ichi chipikirwa chichizadzika, chinoti: “Ini ndakanzwa inzwi guru richibva muchigaro choumambo, richiti: ‘Tarira! Tendi yaMwari inorudzi rwavanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava navo. Ipapo iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.’”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Chati iri papeji 20]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

607 P.N.V. 1914 N.V.

P.N.V. | N.V.

500 1 000 1 500 2 000 2 520

[Mifananidzo iri papeji 11]

Abrahama

Isaka

Jakobho

Judha

Dhavhidhi

[Mufananidzo uri papeji 14]

144 000

[Mifananidzo iri papeji 16]

Adhama

Jesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe